VaRoma 1:26-28
VaRoma 1:26-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuda kwaizvozvo, Mwari akavaisa pakuchiva kwavo kunonyadzisa. Kunyange navakadzi vavo vakashandura zvavakasikirwa kuti vaite, vakaita zvavasina kusikirwa. Navarume vavo vakaitawo zvimwe chetezvo vakasiya zvavakasikirwa paukama hwavo navakadzi uye vakatsva noruchiva mumwe kuno mumwe murume. Varume vakaita zvisakafanira navamwe varume, uye vakazviwanira mukati mavo mubayiro wakafanira kurasika kwavo. Pamusoro pezvo, sezvavasina kufunga kuti zvakakodzera kuva noruzivo rwaMwari, akavaisa kumurangariro wokurasika, kuti vaite zvisakafanira.
VaRoma 1:26-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Saka Mwari akavaisa pakuchiva kunonyadzisa; nokuti vanhukadzi vavo vakashandura basa ravakasikirwa, rive basa ravasina kusikirwa; saizvozvo vanhurumewo vakasiya basa rakasikirwa munhukadzi, vakakundwa nokuchiva pakati pavo, vanhurume vachiita zvinonyadza navanhurume, vakapiwa mukati mavo mubayiro wakafanira wokurasika kwavo. Sezvavakanga vasingadi kugara vachiziva Mwari, Mwari akavaisa kumurangariro wakarasika, kuti vaite zvisakafanira
VaRoma 1:26-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokuda kwaizvozvi Mwari akavarega kuti vaite madiro avo votungamirirwa nehavi dzavo dzinonyadzisa. Vakadzi vavo vakasandura maitiro anofambirana nomusikirwo wavakaitwa savanhukadzi voita zvisingafambirani nomusikirwo wavo. Ndozvimwechetezvo navarumewo vakarega kutevedza zviri mumasikirwo avo okuti vatorane nomunhukadzi votsva nehavi yokuchivana pachavo, munhurume achiita zvinonyadzisa nomumwe munhurume vachibva vogamuchira mubayiro unokodzera wokukanganisa kwavo ikoko. Saizvozvo nokuti havana kuona chiri chinhu chinokodzera kuti vazive Mwari; Mwari akavaregawo vachiva nepfungwa yakaora nokusazvibata.
VaRoma 1:26-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Saka Mŋari wakaʋaisa pakuciʋa kunonyadzisa; nokuti ʋanhukadzi ʋaʋo ʋakashandura ɓasa raʋakasikirwa, riʋe ɓasa raʋasina‐kusikirwa; saiɀoɀo ʋanhurume ʋo ʋakasiya ɓasa rakasikirwa munhukadzi, ʋakakundwa nokuciʋa pakati paʋo, ʋanhurume ʋaciita ɀinonyadza naʋanhurume, ʋakapiwa mukati maʋo muɓairo wakafanira wokurashika kwaʋo. Seɀaʋakaŋga ʋasiŋgaɗi kugara ʋaciziʋa Mŋari, Mŋari akaʋaisa kumuraŋgariro wakarashika, kuti ʋaite ɀisakafanira
VaRoma 1:26-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)