VaRoma 1:26 - Enzanisa Shanduro Dzose
VaRoma 1:26 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuda kwaizvozvo, Mwari akavaisa pakuchiva kwavo kunonyadzisa. Kunyange navakadzi vavo vakashandura zvavakasikirwa kuti vaite, vakaita zvavasina kusikirwa.
VaRoma 1:26 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka Mwari akavaisa pakuchiva kunonyadzisa; nokuti vanhukadzi vavo vakashandura basa ravakasikirwa, rive basa ravasina kusikirwa
VaRoma 1:26 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Saka Mŋari wakaʋaisa pakuciʋa kunonyadzisa; nokuti ʋanhukadzi ʋaʋo ʋakashandura ɓasa raʋakasikirwa, riʋe ɓasa raʋasina‐kusikirwa
VaRoma 1:26 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuda kwaizvozvi Mwari akavarega kuti vaite madiro avo votungamirirwa nehavi dzavo dzinonyadzisa. Vakadzi vavo vakasandura maitiro anofambirana nomusikirwo wavakaitwa savanhukadzi voita zvisingafambirani nomusikirwo wavo.
VaRoma 1:26 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)