VaRoma 1:1-6
VaRoma 1:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pauro, muranda waJesu Kristu, akadanwa kuti ave mupostori uye akatsaurirwa vhangeri raMwari, vhangeri raakavimbisa kare kubudikidza navaprofita vake muMagwaro Matsvene pamusoro poMwanakomana wake, uyo pakuberekwa kwake somunhu akanga ari chizvarwa chaDhavhidhi, uye akaratidzwa nesimba kubudikidza naMweya Mutsvene kuti ndiye Mwanakomana waMwari, nokumuka kwake kubva kuvakafa: Jesu Kristu Ishe wedu. Kubudikidza naye uye nokuda kwezita rake, takagamuchira nyasha noupostori, kuti tidane vanhu kubva pakati pavaHedheni vose kuti vave nokuteerera kunobva pakutenda. Uye nemiwo muri pakati paavo vakadanwa kuti muve vaJesu Kristu.
VaRoma 1:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pauro, muranda waKristu Jesu, akadanwa kuti ave mupostori, akatsaurirwa Vhangeri yaMwari, yaakapira kare navaporofita vake muMagwaro matsvene, zvoMwanakomana wake, akabva kurudzi rwaDhavhidhi panyama, akaratidzwa nesimba paMweya woutsvene, kuti ndiye Mwanakomana waMwari, nokumuka kwake kuvakafa; ndiye Jesu Kristu, Ishe wedu, watakagamuchira naye nyasha nohupostori, kuti pakati pavahedheni vose, pave nokuteerera kwokutenda nokuda kwezita rake; nemiwo muri pakati pavo, makadanwa kuti muve vaJesu Kristu
VaRoma 1:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndini Pauro muranda waJesu Kristu ndakadaidzwa kuti ndive mupositori akatsaurirwa kuparidza Shoko Rakanaka raMwari. Shoko Rakanaka iroro akanga atorivimbisa kare nokuvaporofita vake muMagwaro Matsvene. Rinotaura nezvoMwanakomana wake wechizvarwa chaDhavhidhi panyama. Pane zvokuera kwemweya wake, iye Jesu Kristu Tenzi wedu, akanzi Mwanakomana waMwari pasimba pamusana pokumuka kwaakaita kuvafi. Nokwaari ndakagamuchira nyasha dzebasa rokutumwa somupositori kuti ndiunze vanhu vamarudzi ose mukuteerera kwechitendero muzita rake pamwechete nemi makadaidzwa kuti muve vanhu vaJesu Kristu.
VaRoma 1:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pauro, muranda waKristu Jesu, wakaɗanwa kuti aʋe muapostora, wakatsaurirwa Evaŋgeri yaMŋari, yaakapikira kare naʋaprofita ʋake muMagwaro matȿene, ɀoMŋanakomana wake, wakabva kurudzi rwaDavidi panyama, wakaratidzwa nesimba paMŋeya woʋutȿene, kuti ndiye Mŋanakomana waMŋari, nokumuka kwake kuʋakafa; ndiye Jesu Kristu, Ishe weɗu, watakagamucira naye nyasha noʋuapostora, kuti pakati paʋahedeni ʋose, paʋe nokuterera kwokutenda nokuɗa kwezita rake; nemi ʋo muri pakati paʋo, makaɗanwa kuti muʋe ʋaJesu Kristu
VaRoma 1:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)