VaRoma 1:1-17
VaRoma 1:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pauro, muranda waJesu Kristu, akadanwa kuti ave mupostori uye akatsaurirwa vhangeri raMwari, vhangeri raakavimbisa kare kubudikidza navaprofita vake muMagwaro Matsvene pamusoro poMwanakomana wake, uyo pakuberekwa kwake somunhu akanga ari chizvarwa chaDhavhidhi, uye akaratidzwa nesimba kubudikidza naMweya Mutsvene kuti ndiye Mwanakomana waMwari, nokumuka kwake kubva kuvakafa: Jesu Kristu Ishe wedu. Kubudikidza naye uye nokuda kwezita rake, takagamuchira nyasha noupostori, kuti tidane vanhu kubva pakati pavaHedheni vose kuti vave nokuteerera kunobva pakutenda. Uye nemiwo muri pakati paavo vakadanwa kuti muve vaJesu Kristu. Kuna vose vari muRoma vanodiwa naMwari uye vakadanwa kuti vave vatsvene: Nyasha norugare ngazvive nemi zvinobva kuna Mwari Baba vedu, nokuna Ishe Jesu Kristu. Pakutanga, ndinovonga Mwari wangu muna Jesu Kristu pamusoro penyu mose, nokuti kutenda kwenyu kunoparidzwa panyika yose. Mwari, wandinoshumira nomwoyo wangu wose mukuparidza vhangeri roMwanakomana wake, ndiye chapupu changu kuti ndinoramba sei ndichikurangarirai muminyengetero yangu nguva dzose; uye ndinonyengeterera kuti zvino pakupedzisira nokuda kwaMwari ndizarurirwe mukana wokuti ndiuye kwamuri. Ndinoshuva zvikuru kuti ndikuonei kuti ndigokupai chipo chomweya kuti mugova makasimbiswa, ndiko kuti, imi neni tikurudzirwe pamwe chete nokutenda kwomumwe nomumwe wedu. Handidi kuti musaziva, hama, kuti ndakaronga kazhinji kuti ndiuye kwamuri (asi ndakatadziswa kuita saizvozvo kusvikira zvino) kuti ndive nezvibereko pakati penyu, sezvandakaita pakati pavamwe veDzimwe Ndudzi. Ndine mungava kuna vose vaGiriki navasiri vaGiriki, vose vakachenjera navasina kuchenjera. Ndokusaka ndichida zvikuru kwazvo kuti ndiparidze vhangeri kwamuriwo imi vari kuRoma. Handina nyadzi pamusoro pevhangeri, nokuti isimba raMwari rokuponesa munhu wose anotenda: Kutanga kumuJudha, zvichizotevera weDzimwe Ndudzi. Nokuti muvhangeri, kururama kwaMwari kunoratidzwa kuchibva pakutenda kuchienda kukutenda, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Akarurama achararama nokutenda.”
VaRoma 1:1-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pauro, muranda waKristu Jesu, akadanwa kuti ave mupostori, akatsaurirwa Vhangeri yaMwari, yaakapira kare navaporofita vake muMagwaro matsvene, zvoMwanakomana wake, akabva kurudzi rwaDhavhidhi panyama, akaratidzwa nesimba paMweya woutsvene, kuti ndiye Mwanakomana waMwari, nokumuka kwake kuvakafa; ndiye Jesu Kristu, Ishe wedu, watakagamuchira naye nyasha nohupostori, kuti pakati pavahedheni vose, pave nokuteerera kwokutenda nokuda kwezita rake; nemiwo muri pakati pavo, makadanwa kuti muve vaJesu Kristu; kuna vose vari muRoma, vadikanwi vaMwari, vakadanwa kuti vave vatsvene, Nyasha ngadzive nemi norugare, zvinobva kuna Mwari, Baba vedu, nokuna Ishe Jesu Kristu. Pakutanga, ndinovonga Mwari wangu muna Jesu Kristu, pamusoro penyu mose, nokuti kutenda kwenyu kunoparidzirwa panyika yose. Nokuti Mwari chapupu changu, iye wandinoshumira mumweya wangu muVhangeri yoMwanakomana wake, kuti handiregi kukurangarirai, ndichikumbira nguva dzose pakunyengetera kwangu, kuti zvimwe ndifambiswe hangu zvakanaka ndiuye kwamuri nokuda kwaMwari. Nokuti ndinoda zvikuru kukuonai, kuti ndikupei chimwe chipo chomweya, kuti musimbiswe. Ndokuti ini ndinyaradzwe pamwechete nemi pakati penyu, mumwe nomumwe nokutenda kwomumwe, kwenyu nokwangu. Handidi kuti musaziva, hama dzangu, kuti kazhinji ndaida kuuya kwamuri, (ndikadziviswa kusvikira zvino), kuti ndive nezvibereko kwamuriwo, sapakati pavamwe vahedheni. Ndine ngava kuvaGiriki nokuvatorwa, kuvakachenjera navasina kuchenjera. Naizvozvo, kana ndirini, ndakazvigadzira kukuparidziraiwo Vhangeri, imi muri paRoma. Nokuti handinyari pamusoro peVhangeri; nokuti isimba raMwari rokuponesa mumwe nomumwe anotenda, kutanga muJudha, uye muGirikiwo. Nokuti mairi kururama kwaMwari kunoratidzwa kunobva pakutenda kuchienda kukutenda; sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Akarurama achararama nokutenda.”
VaRoma 1:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndini Pauro muranda waJesu Kristu ndakadaidzwa kuti ndive mupositori akatsaurirwa kuparidza Shoko Rakanaka raMwari. Shoko Rakanaka iroro akanga atorivimbisa kare nokuvaporofita vake muMagwaro Matsvene. Rinotaura nezvoMwanakomana wake wechizvarwa chaDhavhidhi panyama. Pane zvokuera kwemweya wake, iye Jesu Kristu Tenzi wedu, akanzi Mwanakomana waMwari pasimba pamusana pokumuka kwaakaita kuvafi. Nokwaari ndakagamuchira nyasha dzebasa rokutumwa somupositori kuti ndiunze vanhu vamarudzi ose mukuteerera kwechitendero muzita rake pamwechete nemi makadaidzwa kuti muve vanhu vaJesu Kristu. Ndinokukwazisai imi mose vadikanwi vaMwari vari muguta reRoma, vakadaidzwa kuti vave varurami. Mwari Baba vedu naTenzi Jesu Kristu ngavakuitirei nyasha nokukupai rugare. Pokutanga ndinotenda Mwari wangu nokuna Jesu Kristu. Ndinoitira izvi imi mose pamusana pokuti chitendero chenyu chiri kutaurwa pasi pose. Ndinodaro nokuti Mwari iye wandinoshandira nomwoyo wangu wose nokuparidza kwandinoita Shoko Rakanaka roMwanakomana wake, ndiye chapupu changu kuti ini ndinoramba ndichingokudomai muminamato yangu ndichikumbira kuti, zvimwe nokuda kwaMwari, pamwe iye zvino ndipo pandingakwanise kuuya kwamuri. Ndinodisisa kwazvo kukuonai kuti ndikupei chipo chezvomweya kuti chikusimbisei ndichiitira kuti tisimbaradzane nechitendero chomumwe nomumwe wedu, chenyu nechangu. Hama dzangu ndingade kuti, munyatsoziva kuti kazhinji ndichida kuti ndiuye kwamuri, asi kusvika pari zvino, ndakatadziswa kuti ndiwane chandingakohwe pakati penyu uye napakati pavamwe vose vechirudzi. Ndine zvandinosungirwa kuitira vose vechiGiriki navasiri vaGiriki nokunavakangwara nokuna vasina kungwara. Saizvozvo ndinodisa kukuparidzaiwo Shoko Rakanaka imi muri muguta reRoma. Ndinodaro nokuti handinyari neShoko Rakanaka nokuti iro isimba raMwari rokuponesa munhu wose ane chitendero zvichitangisira kuvaJudha kozouya vaGiriki nokuti mariri, kururama kwaMwari kunoratidzwa pachena nechitendero chinobvira pokutanga kusvikira pokupedzisira sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Munhu anoruramiswa nechitendero achararama.”
VaRoma 1:1-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pauro, muranda waKristu Jesu, wakaɗanwa kuti aʋe muapostora, wakatsaurirwa Evaŋgeri yaMŋari, yaakapikira kare naʋaprofita ʋake muMagwaro matȿene, ɀoMŋanakomana wake, wakabva kurudzi rwaDavidi panyama, wakaratidzwa nesimba paMŋeya woʋutȿene, kuti ndiye Mŋanakomana waMŋari, nokumuka kwake kuʋakafa; ndiye Jesu Kristu, Ishe weɗu, watakagamucira naye nyasha noʋuapostora, kuti pakati paʋahedeni ʋose, paʋe nokuterera kwokutenda nokuɗa kwezita rake; nemi ʋo muri pakati paʋo, makaɗanwa kuti muʋe ʋaJesu Kristu; kunaʋose ʋari muRoma, ʋaɗikanwa ʋaMŋari, ʋakaɗanwa kuti ʋaʋe ʋatȿene: Nyasha ŋgadziʋe nemi norugare, ɀinobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, nokunaShe Jesu Kristu. Pakutaŋga, ndinoʋoŋga Mŋari waŋgu munaJesu Kristu, pamsoro penyu mose, nokuti kutenda kwenyu kunoparidzirwa panyika yose. Nokuti Mŋari capupu caŋgu, iye wandinoshumira mumŋeya waŋgu muEvaŋgeri yoMŋanakomana wake, kuti handiregi kukuraŋgarirai, ndicikumbira ŋguʋa dzose pakunyeŋgetera kwaŋgu, kuti ɀimŋe ndifambiswe haŋgu ɀakanaka ndiʋuye kwamuri nokuɗa kwaMŋari. Nokuti ndinoɗa ɀikuru kukuʋonai, kuti ndikupei cimŋe cipo comŋeya, kuti musimbiswe. Ndokuti ini ndinyaradzwe pamŋe cete nemi pakati penyu, mumŋe nomumŋe nokutenda kwomumŋe, kwenyu nokwaŋgu. Handiɗi kuti musaziʋa, hama dzaŋgu, kuti kazhinji ndaiɗa kuʋuya kwamuri, (ndikadziʋiswa kuȿikira ɀino), kuti ndiʋe neɀiɓereko kwamuri ʋo, sapakati paʋamŋe ʋahedeni. Ndineŋgaʋa kuʋaGiriki nokuʋatorwa, kuʋakacenjera naʋasina‐kucenjera. Naiɀoɀo, kana ndirini, ndakaɀigadzira kukuparidzirai ʋo Evaŋgeri, imi muri paRoma. Nokuti handinyari pamsoro peEvaŋgeri; nokuti isimba raMŋari rokuponesa mumŋe nomumŋe unotenda, kutaŋga muJuda, ʋuye muGiriki ʋo. Nokuti mairi kururama kwaMŋari kunoratidzwa kunobva pakutenda kucienda kukutenda; seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Wakarurama ucararama nokutenda.
VaRoma 1:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)