Zvakazarurwa 8:3
Zvakazarurwa 8:3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mumwe mutumwa, akanga ano mudziyo wezvinonhuhwira wegoridhe, akauya akamira paaritari. Akapiwa zvinonhuhwira zvizhinji zvokuzopa, pamwe chete neminyengetero yavatsvene vose, paaritari yegoridhe pamberi pechigaro choushe.
Zvakazarurwa 8:3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mumwe mutumwa akauya, akamira paaritari, anomudziyo wendarama wezvinonhuwira; akapiwa zvinonhuwira zvizhinji kuti azviise pamwechete neminyengetero yavatsvene vose pamusoro pearitari yendarama, yakanga iri pamberi pechigaro choushe.
Zvakazarurwa 8:3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mumwe mutumwa akauya akasvikomira kuatari. Akanga aine bisiro rendarama akapiwa rusenzi rwakawanda kuti arusanganise neminamato yavatsvene vose paatari yendarama iya, pamberi pechigaro choumambo.
Zvakazarurwa 8:3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mumŋe mutumŋa wakaʋuya, akamira paartari, anomudziyo wendarama weɀinonhuwira; akapiwa ɀinouhuwira ziɀhinji kuti aɀiise pamŋe cete neminyeŋgetero yaʋatȿene ʋose pamsoro peartari yendarama, yakaŋga iri pamberi pecigaro coʋushe.