Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakazarurwa 8:10-11 - Compare All Versions

Zvakazarurwa 8:10-11 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Mutumwa wechitatu akaridza hwamanda yake, uye nyeredzi huru, yakanga ichipfuta somwenje, yakawa kubva kudenga pamusoro pechikamu chimwe chete muzvitatu chenzizi nezvitubu zvemvura, zita renyeredzi rainzi Chinovava. Chikamu chimwe chete muzvitatu chemvura zhinji chakavava, uye vanhu vazhinji vakafa nokuda kwemvura yakanga yovava.

Pakurirana nevamwe
Zvakazarurwa 8 BDSC

Zvakazarurwa 8:10-11 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino mutumwa wechitatu akaridza, nyeredzi huru, yakapfuta sezhenje, ikawa kudenga, ikawira pamusoro pechetatu chenzizi napamatsime emvura; zita renyeredzi rakanga richinzi, “Chinovava;” ipapo chetatu chemvura chikavaviswa, vanhu vazhinji vakafa nemvura, nokuti yakanga yavaviswa.

Pakurirana nevamwe
Zvakazarurwa 8 SNA2002

Zvakazarurwa 8:10-11 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Mutumwa wechitatu akaridzawo bhosvo rake ndokubva nyenyedzi huru yawa kubva kudenga ichipenya sezhenje ikawira pachikamu chetatu chenzizi uye pazvisipiti zvemvura. Zita renyenyedzi iyoyo rainzi Gavakava. Chikamu chechitatu chemvura chakava gavakava kuvava. Vanhu vazhinji vakafa nemvura iyoyo nokuti yakaitwa gavakava kuvava.

Pakurirana nevamwe
Zvakazarurwa 8 SCLBD

Zvakazarurwa 8:10-11 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino mutumŋa wecitatu wakaridza, nyeredzi huru, yakapfuta sezhenje, ikawa kuɗeŋga, ikawira pamsoro pecetatu cenzizi napamatsime emvura; zita renyeredzi rakaŋga ricinzi, Cinoʋaʋa; ipapo cetatu cemvura cikaʋaʋiswa, ʋanhu ʋazhinji ʋakafa nemvura, nokuti yakaŋga yaʋaʋiswa.

Pakurirana nevamwe
Zvakazarurwa 8 SUB1949

Zvakazarurwa 8:10-11 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mutumwa wechitatu akaridzawo bhosvo rake ndokubva nyenyedzi huru yawa kubva kudenga ichipenya sezhenje ikawira pachikamu chetatu chenzizi uye pazvisipiti zvemvura. Zita renyenyedzi iyoyo rainzi Gavakava. Chikamu chechitatu chemvura chakava gavakava kuvava. Vanhu vazhinji vakafa nemvura iyoyo nokuti yakaitwa gavakava kuvava.

Pakurirana nevamwe
Zvakazarurwa 8 SCLB