Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakazarurwa 7:1-17

Zvakazarurwa 7:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Shure kwaizvozvi, ndakaona vatumwa vana vamire pamakona mana enyika, vakabata mhepo ina dzenyika kuti vadzivise mhepo ipi zvayo kuvhuvhuta panyika kana pamusoro pegungwa kana pamuti upi zvawo. Ipapo ndakaona mumwe mutumwa achibva kumabvazuva, ane chisimbiso chaMwari mupenyu. Akadanidzira nenzwi guru kuvatumwa vana vakanga vapiwa simba rokuti vatadzire nyika negungwa akati: “Musatadzira nyika kana gungwa kana miti kusvikira taisa chisimbiso pahuma dzavaranda vaMwari.” Ipapo ndakanzwa kuwanda kwaavo vakanga vaiswa chisimbiso: zviuru zana namakumi mana nezvina, kubva kumarudzi ose avaIsraeri. Kubva kurudzi rwaJudha, zviuru gumi nezviviri vakaiswa chisimbiso, kubva kurudzi rwaRubheni, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaGadhi, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaAsheri, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaNafutari, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaManase, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaSimeoni, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaRevhi, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaIsakari, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaZebhuruni, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaJosefa zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaBhenjamini zviuru gumi nezviviri. Shure kwaizvozvi ndakatarira uye ndikaona ipapo pamberi pangu vazhinji zhinji vakanga vasingagoni kuverengwa, vaibva kundudzi dzose, nokumarudzi ose, navanhu vemitauro yose, vamire pamberi pechigaro choushe napamberi peGwayana. Vakanga vakapfeka nguo chena uye vakabata matavi emichindwe mumaoko avo. Uye vakadanidzira nenzwi guru vachiti: “Ruponeso ndorwaMwari wedu, anogara pachigaro choushe, uye ndorweGwayana.” Vatumwa vose vakanga vamire vakakomberedza chigaro choushe uye vakakomberedza vakuru nezvisikwa zvipenyu zvina. Vakawira pasi nezviso zvavo pamberi pechigaro choushe vakanamata Mwari, vachiti: “Ameni! Kurumbidzwa nokubwinya nouchenjeri nokuvonga nokukudzwa noushe nesimba ngazvive kuna Mwari wedu nokusingaperi-peri. Ameni!” Ipapo mumwe wavakuru akandibvunza akati, “Ava vakapfeka nguo chena, ndivanaaniko, uye vakabvepi?” Ndakapindura ndikati, “Ishe, imi munoziva.” Uye iye akati, “Ava ndivo vaya vakabuda mukutambudzika kukuru; vakasuka nguo dzavo vakadzichenesa muropa reGwayana. Naizvozvo, “vari pamberi pechigaro chaMwari uye vanomushumira masikati nousiku mutemberi yake; uye iye anogara pachigaro choushe achatambanudza tende rake pamusoro pavo. Havachazoziyi nenzara zvakare; havachazonzwi nyota zvakare. Havachazopiswi nezuva, kana nokupisa kupi zvako. Nokuti Gwayana riri pakati pechigaro choushe richava mufudzi wavo; richavatungamirira kumatsime emvura mhenyu. Uye Mwari achapukuta misodzi yose pameso avo.”

Zvakazarurwa 7:1-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Shure kwaizvozvi ndakaona vatumwa vana, vamire kumativi mana enyika, vakabata mhepo ina dzenyika, kuti mhepo irege kurira panyika, kana pagungwa, kana pamiti yose. Ipapo ndakaona mumwe mutumwa achikwira achibva kumabvazuva, ane chisimbiso chaMwari mupenyu; akadana nezwi guru kuvatumwa vana, vaya vakanga vapiwa simba kuti vatadzire nyika negungwa, achiti, “Musatadzira nyika, kana gungwa, kana miti, kusvikira taisa chisimbiso pahuma dzavaranda vaMwari.” Ndikanzwa kuwanda kwavakaiswa chisimbiso; vane zviuru zvine zana namakumi mana nezvina, vakaiswa chisimbiso vachibva kumarudzi ose avana vaIsiraeri. Kurudzi rwaJudha vakaiswa chisimbiso vane zviuru zvine gumi nezviri; Kurudzi rwaRubheni vane zviuru zvine gumi nezviviri; Kurudzi rwaGadhi vane zviuru zvine gumi nezviviri; Kurudzi rwaAseri vane zviuru zvine gumi nezviviri; Kurudzi rwaNefitarimi vane zviuru zvine gumi nezviviri; Kurudzi rwaManase vane zviuru zvine gumi nezviviri; Kurudzi rwaSimioni vane zviuru zvine gumi nezviri; Kurudzi rwaRevhi vane zviuru zvine gumi nezviviri; Kurudzi rwaIsakari vane zviuru zvine gumi nezviri; Kurudzi rwaZabhuroni vane zviuru zvine gumi nezviviri; Kurudzi rwaJosefa vane zviuru zvine gumi nezviviri; Kurudzi rwaBhenjamini vakaiswa chisimbiso vane zviuru zvine gumi nezviviri. Shure kwaizvozvo ndakatarira, ndikaona vazhinjizhinji vasingagoni kuverengwa nomunhu, vakabva kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi, vamire pamberi pechigaro choushe, napamberi peGwayana, vakapfeka nguo chena, vakabata muchindwe mumaoko avo; vakadanidzira nezwi guru, vachiti, “Ruponeso ngaruve kuna Mwari anogara pachigaro choushe, nokuGwayana.” Ipapo vatumwa vose vakamira, vakakomba chigaro choushe, naVakuru, nezvisikwa zvipenyu zvina, vakawira pasi nechiso pamberi pechigaro choushe, vakanamata Mwari, vachiti, “Ameni: Kurumbidzwa, nokubwinya, nokuchenjera, nokuvonga, nokukudzwa, noushe, nesimba, ngazvive kuna Mwari nokusingaperi-peri. Ameni!” Ipapo mumwe waVakuru akapindura, akati kwandiri, “Ava vakapfeka nguo chena ndivanaaniko? Vanobvepiko?” Ndikati kwaari, “Ndivo vanobva mukutambudzika kukuru, vakasuka nguo dzavo vakadzichenesa muropa reGwayana.” Naizvozvo vari pamberi pechigaro choushe chaMwari, vanomushumira masikati nousiku mutemberi yake; iye, anogara pachigaro choushe, achavadzitira netabhenakeri. Havachazoziyi nenzara, havachazofi nenyota; havangapiswi nezuva kana nokumwe kupisa; nokuti Gwayana riri pakati pechigaro choushe richavafudza, richavatungamirira kumatsime emvura youpenyu; Mwari achapisika misodzi yose kumeso avo.

Zvakazarurwa 7:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mushure mezvo ndakazoona vatumwa vana vakamira pamativi mana enyika vakadzivirira mhepo ina dzapasi kuti pasave nemhepo inovhuvhuta panyika kana pagungwa kana kuvhuvhuta muti zvawo. Ndipo pandakazoona mumwe mutumwa achikwira mudenga kumabvazuva aine chidhindo chaMwari mupenyu. Akadaidzira nezwi guru kuvatumwa vana vaya vakanga vapiwa simba rokuondonga nyika negungwa achiti, “Musaondonge nyika kana gungwa kana miti, kusvikira taisa mucherechedzo pahuma dzavaranda vaMwari wedu.” Ndakanzwa uwandu hwavakaiswa mucherechedzo vaiva zviuru zana namakumi mana ane zvina ndivo vakaiswa mucherechedzo mudzinza roga roga ravana vaIsiraeri. Mudzinza rokwaJudha zviuru gumi nezviviri mudzinza rokwaRubheni zviuru gumi nezviviri mudzinza rokwaGadhi zviuru gumi nezviviri. Mudzinza rokwaAsheri zviuru gumi nezviviri mudzinza rokwaNafutari zviuru gumi nezviviri mudzinza rokwaManase zviuru gumi nezviviri. Mudzinza rokwaSimioni zviuru gumi nezviviri mudzinza rokwaRevhi zviuru gumi nezviviri mudzinza rokwaIsakari zviuru gumi nezviviri. Mudzinza rokwaZebhuroni zviuru gumi nezviviri mudzinza rokwaJosefi zviuru gumi nezviviri mudzinza rokwaBhenjamini zviuru gumi nezviviri. Mushure mezvi ndakatarisa ndikaona manyoremanyore avanhu vasingaverengeki, vamarudzi ose, namadzinza ose navanhu vose nendimi dzose vamire pamberi pechigaro choumambo napamberi peHwayana vakapfeka magemenzi machena vaine mirara mumaoko vachidaidzira nezwi guru vachiti, “Ruponeso runobva kuna Mwari wedu agere pachigaro choumambo uye runobva kuHwayana.” Vatumwa vose vakanga vamire vakatenderedza chigaro choumambo vakatenderedzawo vakuru vakuru vaya vakatenderedzawo zvisikwa zvipenyu zvina zviya. Vatumwa vakati kotakota nouso pamberi pechigaro choumambo vachinamata Mwari vachiti, “Ameni. Kurumbidzwa nembiri noungwaru nokutendwa norukudzo noukuru nesimba ngazvive kuna Mwari wedu narini narini Ameni.” Mumwe wavakuru vakuru vaya akanditi, “Ko ava vakapfeka magemenzi machena ndivanani? Uye vabva kupi?” Ndakati kwaari, “Changamire inga ndimi munoziva wani.” Iye akati kwandiri, “Ava ndivo vakabuda mupfumvu huru vakasuka magemenzi avo vakaachenesa muropa reHwayana. Ndokusaka vari pamberi pechigaro choumambo chaMwari vachimushandira siku nesikati muTemberi yake. Iye anogara pachigaro choumambo achavafukidza netendhe rake. Havazonzwi nzara kana kunzwazve nyota zuva harichazovapisizve kana kunzwa kupisa kunobvuraudza nokuti Hwayana iya iri pakati pechigaro choumambo ndiyo ichava mufudzi wavo. Iyo ichavatungamirira kuzvisipiti zvemvura mhenyu. Mwari achapukuta misodzi yose pamaziso avo.”

Zvakazarurwa 7:1-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Shure kwaiɀoɀi ndakaʋona ʋatumŋa ʋanna, ʋamire kumatiʋi manna enyika, ʋakaɓata mhepo inna dzenyika, kuti mhepo irege kurira panyika, kana paguŋgwa, kana pamiti yose. Ipapo ndakaʋona mumŋe mutumŋa acikwira acibva kumabvazuʋa, anecisimbiso caMŋari mupenyu; akaɗana nenzwi guru kuʋatumŋa ʋanna, ʋaya ʋakaŋga ʋapiwa simba kuti ʋatadzire nyika neguŋgwa, aciti: Musatadzira nyika, kana guŋgwa, kana miti, kuȿikira taisa cisimbiso pahuma dzaʋaranda ʋaMŋari. Ndikanzwa kuwanda kwaʋakaiswa cisimbiso; ʋaneɀuru ɀinezana namakumi manna neɀinna, ʋakaiswa cisimbiso ʋacibva kumarudzi ose aʋana ʋaIsraeri. Kurudzi rwaJuda ʋakaiswa cisimbiso ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri; Kurudzi rwaRubeni ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri; Kurudzi rwaGadi ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri; Kurudzi rwaAseri ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri; Kurudzi rwaNeftarimi ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri; Kurudzi rwaManase ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri; Kurudzi rwaSimeoni ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri; Kurudzi rwaRevi ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri; Kurudzi rwaIsakari ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri; Kurudzi rwaZaburoni ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri; Kurudzi rwaJosefa ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri; Kurudzi rwaBenjamini ʋakaiswa cisimbiso ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri. Shure kwaiɀoɀo ndakatarira, ndikaʋona ʋazhinji‐zhinji ʋasiŋgagoni kuʋereŋgwa nomunhu, ʋakabva kundudzi dzose, namarudzi, naʋanhu, nendimi, ʋamire pamberi pecigaro coʋushe, napamberi peGwaiana, ʋakapfeka ŋguʋo cena, ʋakaɓata micindwe mumaʋoko aʋo; ʋakaɗanidzira nenzwi guru, ʋaciti: Ruponeso ŋgaruʋe kunaMŋari unogara pacigaro coʋushe, nokuGwaiana. Ipapo ʋatumŋa ʋose ʋakamira, ʋakakomba cigaro coʋushe, naƲakuru, neɀisikwa ɀipenyu ɀinna, ʋakawira pasi neciso pamberi pecigaro coʋushe, ʋakanamata Mŋari, ʋaciti: Ameni: Kurumbidzwa, nokubginya, nokucenjera, nokuʋoŋga, nokukudzwa, noʋushe, nesimba, ŋgaɀiʋe kunaMŋari nokusiŋgaperi‐peri. Ameni! Ipapo mumŋe waƲakuru wakapindura, akati kwandiri: Aʋa ʋakapfeka ŋguʋo cena ndiʋananiko? Ʋakabvepiko? Ndikati kwaari: Ishe waŋgu, imi munoziʋa. Akati kwandiri: Ndiʋo ʋanobva kukutambudzika kukuru, ʋakasuka ŋguʋo dzaʋo ʋakadzicenesa muropa reGwaiana. Naiɀoɀo ʋari pamberi pecigaro coʋushe caMŋari, ʋanomushumira masikati noʋusiku mutembere yake; iye, unogara pacigaro coʋushe, ucaʋadzitira netabernakeri. Haʋacazoziyi nenzara, haʋacazofi nenyota; haʋaŋgapiswi nezuʋa kana nokumŋe kupisa; nokuti Gwaiana riri pakati pecigaro coʋushe ricaʋafudza, ricaʋatuŋgamirira kumatsime emvura yoʋupenyu; Mŋari ucapisika misodzi yose kumeso aʋo.

Zvakazarurwa 7:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)