Zvakazarurwa 4:6-11
Zvakazarurwa 4:6-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pamberi pechigaro choushe paivawo nezvaitarisika segungwa regirazi, rakachena sedombo rekristaro. Pakati, paipoteredza chigaro choushe, pakanga pane zvisikwa zvina, uye zvakanga zvakafukidzwa nameso, mberi neshure. Chisikwa chipenyu chokutanga chakanga chakaita seshumba, chechipiri chakanga chakaita senzombe, chechitatu chakanga chine chiso sechomunhu, chechina chakanga chakaita segondo rinobhururuka. Chimwe nechimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakanga china mapapiro matanhatu uye chakanga chakafukidzwa nameso kumativi ose, kunyange pasi pamapapiro acho. Masikati nousiku hazvina kumborega kuti: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, ndiye Ishe Mwari Wamasimba Ose, akanga aripo, aripo, uye achazouya.” Pose paipa zvisikwa zvipenyu mbiri, kukudzwa nokuvonga kuna iye anogara pachigaro choushe, iye anogara nokusingaperi-peri, vakuru makumi maviri navana vaiwira pasi pamberi pake iye anogara pachigaro choushe, uye vaimunamata iye anogara nokusingaperi-peri. Vaikanda korona dzavo pamberi pechigaro choushe vachiti: “Makafanira, Ishe naMwari wedu, kugamuchira kubwinya nokukudzwa, uye nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose, nokuda kwenyu zvakasikwa, uye zviripo nokuda kwenyu.”
Zvakazarurwa 4:6-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pamberi pechigaro choushe pakanga pane gungwa rakaonekera, rakafanana nekristaro; napakati pechigaro choushe, napamativi ose echigaro choushe, pakanga pane zvisikwa zvina zvipenyu, zvizere nameso mberi neshure kwazvo. Chisikwa chipenyu chokutanga chakanga chakafanana neshumba, chisikwa chipenyu chechipiri chakanga chakafanana nemhuru, chisikwa chipenyu chechitatu chakanga chine chiso chakaita sechomunhu, nechisikwa chipenyu chechina chakanga chakafanana negondo rinobhururuka. Nezvisikwa zvipenyu izvi zvina zvakanga zvina mapapiro matanhatu, chimwe nechimwe; zvakanga zvizere nameso kunhivi dzose nomukati; hazvizorori masikati nousiku, zvichiti, “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Ishe Mwari, waMasimbaose, iye akanga aripo, aripo, noachazouya.” Zvino kana zvisikwa zvipenyu izvi zvovigira iye anogara pachigaro choushe, iye ari mupenyu nokusingaperi-peri, kubwinya, nokukudzwa, nokuvonga. Vakuru vana makumi maviri navana vowira pasi pamberi paiye agere pachigaro choushe, vachinamata iye, ari mupenyu nokusingaperi-peri, vachikandira korona dzavo pamberi pechigaro choushe, vachiti, “Imi Ishe, Mwari wedu, makafanira kuti muvigirwe kubwinya, nokukudzwa, nesimba, nokuti ndimi makasika zvinhu zvose, zvakavapo, zvikasikwa nokuda kwenyu.”
Zvakazarurwa 4:6-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pamberi pechigaro ichocho choumambo pakanga paine rinenge gungwa regirazi rakaita sezvimedu zvedombo romusarasara. Kumativi kwose kutenderedza chigaro choumambo ichocho, kwakanga kuine zvisikwa zvina zvizere maziso mberi neshure. Chisikwa chipenyu chokutanga chakanga chakaita seshumba; chisikwa chipenyu chechipiri chakanga chakaita semombe; chisikwa chipenyu chechitatu chakanga chiine uso hwemunhu chisikwa chipenyu chechina chakanga chakaita segondo rinobhururuka. Zvisikwa zvipenyu zvina zviya, chimwe nechimwe chazvo chaiva namapapiro matanhatu zvizere maziso kumativi ose mukati nokunze. Siku nesikati hazvaimbomira kuimba zvichiti: “Munoera, munoera, munoera, imi Tenzi Mwari Samasimbaose, makanga muripo, muripo, uyewo muchazovapo.” Zvisikwa zviya zvipenyu pazvaipa mbiri norukudzo nokutenda kuna akanga agare pachigaro choumambo, iye anoramba aripo narini narini, vakuru vakuru makumi maviri ana vana vaya vaiti pasi wareware pamberi paiye akanga agere pachigaro choumambo vachimunamata iye anoramba aripo narini narini. Vaiwarika zviremba zvavo pamberi pechigaro choumambo vachiimba vachiti, “Munokodzera imi Tenzi naMwari wedu kupiwa mbiri norukudzo nesimba nokuti ndimi makasika zvinhu zvose. Kuda kwenyu kuti zvivepo uye kuti zvisikwe.”
Zvakazarurwa 4:6-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pamberi pecigaro coʋushe pakaŋga paneguŋgwa rakaʋonekera, rakafanana nekristaro; napakati pecigaro coʋushe, napamatiʋi ose ecigaro coʋushe, pakaŋga paneɀisikwa ɀinna ɀipenyu, ɀizere nameso mberi neshure kwaɀo. Cisikwa cipenyu cokutaŋga cakaŋga cakafanana neshumba, cisikwa cipenyu cecipiri cakaŋga cakafanana nemhuru, cisikwa cipenyu cecitatu cakaŋga cineciso cakaita secomunhu, necisikwa cipenyu cecinna cakaŋga cakafanana negondo rinobururuka. Neɀisikwa ɀipenyu iɀi ɀinna ɀakaŋga ɀinamapapiro matanhatu, cimŋe necimŋe; ɀakaŋga ɀizere nameso kunhiʋi dzose nomukati; haɀizorori masikati noʋusiku, ɀiciti: Mutȿene, mutȿene, mutȿene, iye Ishe Mŋari, wamasimba ose, iye wakaŋga ari’po, uri’po, noucazoʋuya. Ɀino kana ɀisikwa ɀipenyu iɀi ɀoʋigira iye unogara pacigaro coʋushe, iye uri mupenyu nokusiŋgaperi‐peri, kubginya, nokukudzwa, nokuʋoŋga, Ʋakuru ʋanamakumi maʋiri naʋanna ʋowira pasi pamberi paiye ugere pacigaro coʋushe, ʋacimunamata iye, uri mupenyu nokusiŋgaperi‐peri, ʋacikandira korona dzaʋo pamberi pecigaro coʋushe, ʋaciti: Imi Ishe, Mŋari weɗu, makafanira kuti muʋigirwe kubginya, nokukudzwa, nesimba, nokuti ndimi makasika ɀinhu ɀose, ɀakaʋa’po, ɀikasikwa nokuɗa kwenyu.
Zvakazarurwa 4:6-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)