Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakazarurwa 3:1-13

Zvakazarurwa 3:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

“Kumutumwa wekereke iri muSadhisi nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye akabata mweya minomwe yaMwari nenyeredzi nomwe. Ndinoziva mabasa ako; unonzi uri mupenyu, asi wakafa. Muka! Simbisa zvakasara zvoda kufa, nokuti handina kuwana mabasa ako akakwana pamberi paMwari wangu. Naizvozvo, rangarira zvawakagamuchira nezvawakanzwa; uzviteerere, uye utendeuke. Asi kana usingapepuki, ndichauya sembavha, uye haungazivi nguva yandichauya nayo kwauri. Asi una vanhu vashoma muSadhisi vasina kusvibisa nguo dzavo. Vachafamba neni, vakapfeka nguo chena, nokuti ndivo vakafanira. Anokunda achaita saivo, achashongedzwa nguo chena. Handingazodzimi zita rake kubva mubhuku roupenyu, asi ndichapupura zita rake pamberi paBaba vangu navatumwa vavo. Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. “Kumutumwa wekereke iri muFiradherifia nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye mutsvene wechokwadi, iye akabata kiyi yaDhavhidhi. Chaanozarura hakuna munhu anopfiga, chaanopfiga hakuna munhu anochizarura. Ndinoziva mabasa ako. Tarira, ndaisa pamberi pako mukova wakazaruka usingagoni kupfigwa nomunhu. Ndinoziva kuti une simba shoma, asi wakachengeta shoko rangu uye hauna kuramba zita rangu. Ndichaita kuti avo vari vesinagoge raSatani, vanozviti vaJudha kunyange vasiri ivo, asi varevi venhema, ndichaita kuti vauye uye vawire pasi petsoka dzako uye vagoziva kuti ndakakuda. Sezvo wakachengeta murayiro wangu kuti utsunge nomwoyo murefu, ndichakuchengetawo panguva yokuedzwa iri kusvika pamusoro penyika yose kuzoedza avo vanogara panyika. Ndiri kukurumidza kuuya. Batisisa icho chaunacho, kuti kurege kuva nomunhu anokutorera korona yako. Uyo anokunda ndichamuita mbiru mutemberi yaMwari wangu. Haazombobudimo. Ndichanyora paari zita raMwari wangu nezita reguta raMwari wangu, Jerusarema idzva, riri kuburuka richibva kudenga kuna Mwari; uye ndichanyorawo paari zita rangu idzva. Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe, zvinoreva Mweya kukereke.

Zvakazarurwa 3:1-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

“Nyorera mutumwa wekereke iri paSadhisi uti: “Zvanzi naiye ane mweya minomwe yaMwari, nenyeredzi nomwe: Ndinoziva mabasa ako, kuti unonzi uri mupenyu, asi wakafa. Pepuka, usimbise izvo zvakasara, zvakanga zvoda kufa; nokuti handina kuwana mabasa ako ari akakwana pamberi paMwari wangu. “Naizvozvo rangarira kuti wakagamuchira nokunzwa sei; uzvichengete, utendeuke. Naizvozvo kana usingapepuki, ndichauya sembavha, haungazivi nguva yandichakuwira nayo. Asi unamazita mashoma paSadhisi avanhu vasina kusvibisa nguo dzavo; vachafamba neni vane nguo chena, nokuti vakafanirwa nazvo. Anokunda, achapfekedzwa saizvozvo nguo chena; handingatongodzimi zita rake pabhuku youpenyu, ndichapupura zita rake pamberi paBaba vangu, napamberi pavatumwa vake. “Ane nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. “Nyorera mutumwa wekereke iri paFiradherifia, uti: “Zvanzi naiye mutsvene, iye wechokwadi, iye ane kiyi yaDhavhidhi, iye anoti kana achizarura, hakuna anopfiga, kana achipfiga, hakuna anozarura: Ndinoziva mabasa ako, (tarira, ndakaisa pamberi pako musuo wakazaruka, hakuna angagona kuupfiga), ndinoziva kuti une simba shoma hako; wakachengeta shoko rangu, ukasaramba zita rangu. Tarira ndinokupa vamwe vari vesinagoge raSatani, vanoti, tiri vaJudha, vasi ivo chaivo, asi vanoreva nhema; tarira, ndichavauyisa kuti vanamate pamberi petsoka dzako, uye vazive kuti ndakakuda. Zvawakachengeta shoko rokutsungirira kwangu, ndichakuchengetawo panguva yokuedzwa yoda kuuya panyika yose, kuedza vanogara panyika. Ndinokurumidza kuuya; batisisa icho chaunacho, kuti urege kutorerwa korona yako. Anokunda ndichamuita mbiru mutemberi yaMwari wangu, haangazobudimozve; ndichanyora pamusoro pake zita raMwari wangu, nezita reguta raMwari wangu, Jerusaremu idzva rinoburuka kudenga kuna Mwari wangu, nezita rangu idzva. “Ane nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.

Zvakazarurwa 3:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

“Nyorera mutumwa wesangano rokuSadhisi “Mazwi ouyo ane mweya minomwe yaMwari uye ane nyenyedzi nomwe uti: ‘Ndinoziva mabasa ako, une kambiri kokunzi uri mupenyu asi iwe wakafa. Muka usimbaradze zvasara uye zvava pedyo nokufa. Nokuti mabasa ako handina kuaona akakwana pamberi paMwari wangu. Naizvozvo yeuka zvawakagamuchira nezvawakanzwa. Chengeta izvozvo utendeuke. Kana usina kumuka ndichauya sembavha uye haumboziva kuti ndichauya nenguva ipi. Zvakadaro zvazvo uchine mazita mashoma muSadhisi avanhu vasina kusvibisa hanzu dzavo, vachafamba pamwechete neni vakapfeka zvichena nokuti vakakodzera. Uyo anokunda achapfeka saizvozvo hanzu chena uye zita rake mubhuku roupenyu handizoripfudzi. Pamberi pababa vangu napamberi pavatumwa vake, ndichapupurira zita rake kuti ndowedu. Ane nzeve ngaanzwe zviri kurehwa naMweya kumasangano.’ “Nyorera mutumwa wesangano rokuFiradhefia. Herino shoko reanoera wechokwadi ane kii yaDhavhidhi anoti akazarura hapana anogona kuzarira wokuti akazarira hakuna anogona kuzarura. Ndinoziva mabasa ako, tarira uone ndaisa pamberi pako mukova wakazaruka usina anogona kuzarira. Ndinoziva kuti unongova nesimba shomanana asi wakachengeta shoko rangu ukasaramba zita rangu. Vesangano raSatani, vanozviti vaJudha asi ivo vasiri, vachireva nhema; ndichaita kuti vauye vachizokugwadamira patsoka dzako vadzidze kuti ndakakuda, nokuti wakachengeta shoko rangu rokutirira, ndichakuchengeta panguva yokuedzwa iri kuuya pasi pose kuzoedza vose vagere panyika. Ndiri kuuya nokukurumidza. Batisisai zvamuinazvo kuti parege kuva nomunhu anokubvutirai chiremba chenyu. Anokunda ndichamuita musimboti muTemberi yaMwari wangu. Haachazobvamo. Ndichanyora paari zita raMwari wangu uye zita reguta raMwari wangu, Jerusaremu itsva inobva kuna Mwari wangu kudenga, uyewo zita rangu idzva. Ane nzeve ngaanzwe zviri kurehwa naMweya kumasangano.

Zvakazarurwa 3:1-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Nyorera mutumŋa wekereke iri paSardisi, uti: Ɀanzi naiye unemŋeya minomŋe yaMŋari, nenyeredzi nomŋe: Ndinoziʋa maɓasa ako, kuti unonzi uri mupenyu, asi wakafa. Pepuka, usimbise iɀo ɀakasara, ɀakaŋga ɀoɗo‐kufa; nokuti handina‐kuwana maɓasa ako kuti akakwana pamberi paMŋari waŋgu. Naiɀoɀo raŋgarira kuti wakagamucira nokunzwa sei; uɀiceŋgete, utendeʋuke. Naiɀoɀo kana usiŋgapepuki, ndicaʋuya sembava, hauŋgaziʋi nguʋa yandicakuwira nayo. Asi unamazita mashoma paSardisi aʋanhu ʋasina‐kuȿiɓisa ŋguʋo dzaʋo; ʋacafamba neni ʋaneŋguʋo cena, nokuti ʋakafanirwa naɀo. Unokunda, ucapfekedzwa saiɀoɀo ŋguʋo cena; handiŋgatoŋgodzimi zita rake pabuku yoʋupenyu, ndicapupura zita rake pamberi paƂaɓa ʋaŋgu, napamberi paʋatumŋa ʋake. Unenzeʋe, ŋgaanzwe ɀinoreʋa Mŋeya kukereke. Nyorera mutumŋa wekereke iri paFiraderfia, uti: Ɀanzi naiye mutȿene, iye waɀokwaɗi, iye unekiyi yaDavidi, iye unoti kana acizarura, hakuna‐unopfiga, kana acipfiga, hakuna‐unozarura: Ndinoziʋa maɓasa ako, (tarira, ndakaisa pamberi pako mukoʋa wakazaruka, hakuna‐uŋgagona kuupfiga), kuti unesimba shoma hako; wakaceŋgeta shoko raŋgu, ukasaramba zita raŋgu. Tarira ndinokupa ʋamŋe ʋari ʋesinagoge raSatani, ʋanoti, tiri ʋaJuda, ʋasi iʋo caiʋo, asi ʋanoreʋa nhema; tarira, ndicaʋaʋuyisa kuti ʋanamate pamberi petsoka dzako, ʋuye ʋaziʋe kuti ndakakuɗa. Ɀawakaceŋgeta shoko rokutsuŋgirira kwaŋgu, ndicakuceŋgeta ʋo paŋguʋa yokuidzwa yoɗo‐kuʋuya panyika yose, kuidza ʋanogara panyika. Ndinokurumidza kuʋuya; ɓatisisa ico caunaco, kuti urege kutorerwa korona yako. Unokunda ndicamuita mbiru mutembere yaMŋari waŋgu, haaŋgazoɓuɗi’mo ɀe; ndicanyora pamsoro pake zita raMŋari waŋgu, nezita reguta raMŋari waŋgu, Jerusarema idɀa rinoɓuruka kuɗeŋga kunaMŋari waŋgu, nezita raŋgu idɀa. Unenzeʋe, ŋgaanzwe ɀinoreʋa Mŋeya kukereke.

Zvakazarurwa 3:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)