Zvakazarurwa 21:3-4
Zvakazarurwa 21:3-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye ndakanzwa inzwi guru richibva pachigaro choushe richiti, “Zvino imba yaMwari yava pakati pavanhu, uye achagara navo. Vachava vanhu vake, uye Mwari pachake achava navo uye achava Mwari wavo. Achapukuta misodzi yavo yose pameso avo. Hapachazovazve norufu, kana kuungudza, kana kuchema, kana kurwadziwa, nokuti zvinhu zvokutanga zvapfuura.”
Zvakazarurwa 21:3-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndikanzwa izwi richibva kudenga, richiti, “Tarirai, tabhenakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye achagara navo, ivo vachava vanhu vake; Mwari amene achava navo, ave Mwari wavo. Achapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuwura.”
Zvakazarurwa 21:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakanzwa izwi guru richibva pachigaro choumambo richiti, “Tarisai muone kuti Mwari ava kuzoita musha wake pakati pavanhu. Achagara navo; ivo vachava vanhu vake iyewo Mwari pachake achava navo. Achapukuta misodzi yose pamaziso avo. Rufu haruchazovapozve, hapachazova nokuungudza kana kuchema kana kurwadziwazve, nokuti zvinhu zvakare zvinenge zvapfuura.”
Zvakazarurwa 21:3-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndikanzwa inzwi ricibva kuɗeŋga, riciti: Tarirai, tabernakeri yaMŋari iri pakati paʋanhu, iye ucagara naʋo, iʋo ʋacaʋa ʋanhu ʋake; Mŋari amene ucaʋa naʋo, aʋe Mŋari waʋo. Ucapisika misodzi yose pameso aʋo; rufu harucaʋi’po, kana kucema, kana kurira, kana kutambudzika haɀiŋgaʋi’po; nokuti ɀokutaŋga ɀapfuʋura.
Zvakazarurwa 21:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)