Zvakazarurwa 21:1-3
Zvakazarurwa 21:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura; negungwa rakanga risisipo. Ndikaona guta dzvene, Jerusaremu idzva, richiburuka kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga akashongerwa murume wake. Ndikanzwa izwi richibva kudenga, richiti, “Tarirai, tabhenakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye achagara navo, ivo vachava vanhu vake; Mwari amene achava navo, ave Mwari wavo.
Zvakazarurwa 21:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura, uye pakanga pasisina gungwa. Ndakaona Guta Dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kubva kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga akashongera murume wake zvakaisvonaka. Uye ndakanzwa inzwi guru richibva pachigaro choushe richiti, “Zvino imba yaMwari yava pakati pavanhu, uye achagara navo. Vachava vanhu vake, uye Mwari pachake achava navo uye achava Mwari wavo.
Zvakazarurwa 21:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura; negungwa rakanga risisipo. Ndikaona guta dzvene, Jerusaremu idzva, richiburuka kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga akashongerwa murume wake. Ndikanzwa izwi richibva kudenga, richiti, “Tarirai, tabhenakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye achagara navo, ivo vachava vanhu vake; Mwari amene achava navo, ave Mwari wavo.
Zvakazarurwa 21:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo ndipo pandakazoona denga idzva nenyika itsva nokuti denga rakare nenyika yakare zvakanga zvapfuura uye gungwa pakanga pasisina. Ndakazoona guta dzvene Jerusaremu idzva richiburuka mudenga richibva kuna Mwari rakagadzirirwa semwenga, mwenga akashongedzerwa murume wake. Ndakanzwa izwi guru richibva pachigaro choumambo richiti, “Tarisai muone kuti Mwari ava kuzoita musha wake pakati pavanhu. Achagara navo; ivo vachava vanhu vake iyewo Mwari pachake achava navo.
Zvakazarurwa 21:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ndakaʋona ɗeŋga idɀa nenyika itȿa, nokuti ɗeŋga rokutaŋga nenyika yokutaŋga ɀakaŋga ɀapfuʋura; neguŋgwa rakaŋga risisi’po. Ndikaʋona guta dɀene, Jerusarema idɀa, riciɓuruka kuɗeŋga ricibva kunaMŋari, rakagadzirwa somŋeŋga wakashoŋgerwa murume wake. Ndikanzwa inzwi ricibva kuɗeŋga, riciti: Tarirai, tabernakeri yaMŋari iri pakati paʋanhu, iye ucagara naʋo, iʋo ʋacaʋa ʋanhu ʋake; Mŋari amene ucaʋa naʋo, aʋe Mŋari waʋo.
Zvakazarurwa 21:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)