Zvakazarurwa 21:1-27
Zvakazarurwa 21:1-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura, uye pakanga pasisina gungwa. Ndakaona Guta Dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kubva kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga akashongera murume wake zvakaisvonaka. Uye ndakanzwa inzwi guru richibva pachigaro choushe richiti, “Zvino imba yaMwari yava pakati pavanhu, uye achagara navo. Vachava vanhu vake, uye Mwari pachake achava navo uye achava Mwari wavo. Achapukuta misodzi yavo yose pameso avo. Hapachazovazve norufu, kana kuungudza, kana kuchema, kana kurwadziwa, nokuti zvinhu zvokutanga zvapfuura.” Akanga agere pachigaro choushe akati, “Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva!” Ipapo akati, “Nyora izvi, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.” Akati kwandiri, “Zvaitwa. Ndini Arifa naOmega, wokutanga newokupedzisira. Kuna iye ane nyota ndichamupa kuti anwe, asingaripi, kubva mutsime remvura youpenyu. Anokunda achapiwa nhaka iyi yose, uye ndichava Mwari wake, uye iye achava mwanakomana wangu. Asi vanotya, vasingatendi, navanonyangadza, mhondi, nemhombwe, navanoita zvouroyi, vanonamata zvifananidzo navanoreva nhema, nzvimbo yavo ichava mudziva romoto rinopfuta nesafuri. Urwu ndirwo rufu rwechipiri.” Mumwe wavatumwa vanomwe akanga ane ndiro nomwe dzizere namatambudziko manomwe okupedzisira akauya kwandiri akati, “Uya, ndizokuratidza mwenga, mukadzi weGwayana.” Uye akandiendesa muMweya kugomo guru refu, akandiratidza Guta Dzvene, Jerusarema, richiburuka richibva kuna Mwari. Raipenya nokubwinya kwaMwari, uye kuvaima kwaro kwakanga kwakaita sebwe rinokosha kwazvo, sebwe rejasipa, rinoonekera sekristaro. Rakanga rina masvingo makuru, marefu kwazvo ana masuo gumi namaviri navatumwa gumi navaviri pamasuo. Pamasuo pakanga pakanyorwa mazita amarudzi gumi namaviri avaIsraeri. Kumabvazuva kwakanga kune masuo matatu, matatu kumusoro, matatu nechezasi namatatu kumavirira. Masvingo eguta akanga ane nheyo gumi nembiri, uye padziri pakanga pane mazita avapostori gumi navaviri veGwayana. Mutumwa akataura neni akanga ane tsvimbo yokuera yegoridhe, yokuyera guta, masuo namasvingo aro. Guta rakanga rakavakwa zvokuti mativi aro mana akanga akaenzana pakureba napaupamhi. Akaera guta netsvimbo uye akariwana rina mastadhia zviuru gumi nezviviri paurefu, uye rakapamhama nokureba sourefu hwaro. Akaera rusvingo rwaro uye rwaiva rukobvu makubhiti zana namakumi mana namana nokuyera kwavanhu, kwaishandiswa nomutumwa. Rusvingo rwakanga rwakavakwa nejasipa, uye guta rakanga rakavakwa negoridhe rakaisvonaka rinoonekera kunge girazi. Nheyo dzamasvingo eguta dzakanga dzakashongedzwa nemhando dzose dzamatombo anokosha. Nheyo yokutanga yakanga iri yejasipa, yechipiri yaiva yesafiri, yetatu yekasidhoni, yechina yeemaradhi; yeshanu yesadhonikisi, yechitanhatu yaiva yekarineri yechinomwe yaiva yekrisoriti, yorusere yaiva yebheriri, yepfumbamwe yaiva yetopazi, yegumi yaiva yekrisoprasi, yegumi neimwe yaiva yejasindi, yegumi nembiri yaiva yeametisti. Masuo gumi namaviri akanga ari amaparera, suo rimwe nerimwe rakaitwa neparera rimwe chete. Nzira huru yomuguta yakanga iri yegoridhe rakaisvonaka segirazi rinoonekera. Handina kuona temberi muguta, nokuti Ishe Mwari Wamasimba Ose neGwayana ndivo temberi yaro. Guta haritsvaki zuva kana mwedzi kuti zvivhenekere pamusoro paro, nokuti kubwinya kwaMwari ndiko kunovhenekera, uye Gwayana ndiro mwenje waro. Ndudzi dzichafamba nechiedza charo, uye madzimambo enyika achauyisa kubwinya kwawo mukati maro. Hapana zuva richatongozarirwa masuo aro, nokuti hakuchazova nousiku ikoko. Kubwinya nokukudzwa kwendudzi kuchauyiswa mariri. Hakuna chinhu chine tsvina chichazopinda imomo, uye kana upi zvake anoita zvinonyadzisa kana zvounyengeri, asi avo chete vana mazita akanyorwa mubhuku roupenyu reGwayana.
Zvakazarurwa 21:1-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura; negungwa rakanga risisipo. Ndikaona guta dzvene, Jerusaremu idzva, richiburuka kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga akashongerwa murume wake. Ndikanzwa izwi richibva kudenga, richiti, “Tarirai, tabhenakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye achagara navo, ivo vachava vanhu vake; Mwari amene achava navo, ave Mwari wavo. Achapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuwura.” Akanga agere pachigaro choushe akati, “Tarirai, ndinovandudza zvose.” Akati, “Nyora, nokuti mashoko awa angatendwe, ndeechokwadi.” Akati kwandiri, “Zvaitwa. Ndini Arifa neOmega, kutanga nokuguma. Ini ndichapa ane nyota zvinobva patsime remvura youpenyu asingatengi. Anokunda achagara nhaka yezvinhu izvi; ndichava Mwari wake, iye achava mwanakomana wangu. “Asi kana vari vanotya, navasingatendi navanyangadzi, navaurayi, nemhombwe, navaroyi, navanonamata zvifananidzo, navose vanoreva nhema, mugove wavo uri mudziva rinopfuta nomoto nesuriferi; ndirwo rufu rwechipiri.” Zvino mumwe wavatumwa vanomwe, vakanga vane ndiro nomwe dzizere namadambudziko manomwe okupedzisira, akasvika, akataura neni, achiti, “Uya pano, ndigokuratidza mwenga, mukadzi weGwayana.” Ipapo wakandiisa muMweya kugomo guru refu, akandiratidza guta dzvene, Jerusaremu, richiburuka kudenga, richibva kuna Mwari, rinokubwinya kwaMwari; chiedza charo chakanga chakaita sebwe rinokosha kwazvo, sebwe rejasipisi, rinowonekera sekirisitaro; rakanga rinorusvingo rukuru, rurefu, rakanga rina masuo ane gumi namaviri; navatumwa vane gumi navaviri pamasuo, namazita akanyorwa pamusoro pawo, ari mazita amarudzi ane gumi namaviri avana vaIsiraeri. Kumabvazuva kwakanga kuna masuo matatu; kumusoro masuo matatu, zasi masuo matatu; nokumavirira masuo matatu; rusvingo rweguta rwakanga rune nheyo dzine gumi nembiri; napamusoro padzo mazita avapostori vane gumi navaviri veGwayana. Uyo, akataura neni, akanga anorutsanga rwendarama rwokuera guta narwo, namasuo aro norusvingo rwaro. Guta rakanga rakavakwa namatavi mana akaenzana, kureba kwaro kwakaenzana nokufara kwaro; akayera guta norutsanga, zvikasvika pamasitadhia ane zviuru zvine gumi nezviviri kureba nokufara nokukwirira kwaro zvakanga zvakaenzana. Akaera rusvingo rwaro, makubhiti ane zana namakumi mana namana, nechiyero chomunhu, chiri chiyero chomutumwa. Rusvingo rwaro rwakanga rwakavakwa nejasipisi, uye guta rakanga riri rendarama yakaisvonaka, yakaonekera kwazvo. Nheyo dzorusvingo rweguta dzakanga dzakashongedzwa namambwe amarudzi ose anokosha. Nheyo yokutanga yakanga iri yejasipisi; yechipiri yesafiri; yechitatu yekarisidhoni; yechina yesimaragidhino; yechishanu yesaridhonikisi; yechitanhatu yesaridhio; yechinomwe yekirisoriti; yorusere yebheriri; yepfumbamwe yetopasi; yegumi yekirisopirasi; yegumi neimwe yehiakinti; yegumi nembiri yeametesti. Masuo ane gumi namaviri akanga ari amapera ane gumi namaviri; suo rimwe nerimwe rakanga riri reparera rimwe; nzira yomuguta yakanga iri yendarama yakaisvonaka, inoita seinoonekera. Handina kuona temberi mukati maro, nokuti Ishe Mwari waMasimbaose neGwayana itemberi yaro. Guta haritsvaki zuva kana mwedzi, kuti rivhenekerwe nazvo; nokuti kubwinya kwaMwari ndiko kwairivhenekera, nomwenje waro ndiro Gwayana. Ndudzi dzinofamba nechiedza charo; madzimambo enyika anouyisa kubwinya kwawo mukati maro. Masuo aro haangatongozarirwi masikati, nokuti usiku hahuchazovipo. Vachauyisa mukati maro kubwinya nokukudzwa kwendudzi. Mukati maro hamungatongopindi chinhu chinosvibisa, kana chinonyangadza, kana chine nhema; asi avo bedzi vakanyorwa mubhuku yohupenyu yeGwayana.
Zvakazarurwa 21:1-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo ndipo pandakazoona denga idzva nenyika itsva nokuti denga rakare nenyika yakare zvakanga zvapfuura uye gungwa pakanga pasisina. Ndakazoona guta dzvene Jerusaremu idzva richiburuka mudenga richibva kuna Mwari rakagadzirirwa semwenga, mwenga akashongedzerwa murume wake. Ndakanzwa izwi guru richibva pachigaro choumambo richiti, “Tarisai muone kuti Mwari ava kuzoita musha wake pakati pavanhu. Achagara navo; ivo vachava vanhu vake iyewo Mwari pachake achava navo. Achapukuta misodzi yose pamaziso avo. Rufu haruchazovapozve, hapachazova nokuungudza kana kuchema kana kurwadziwazve, nokuti zvinhu zvakare zvinenge zvapfuura.” Uya akanga agere pachigaro choumambo akati, “Tarisai muone ndava kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.” Akatizve, “Nyora izvi nokuti mazwi aya mazwi anovimbika uye ndeechokwadi.” Uya akanditi, “Zvaitika. Ndini Arifa naOmega ndini mavambo namagumo ezvinhu kune vane nyota ndichavapa mvura pasina muripo ichibva mukasipiti kemvura youpenyu. Uyo anokunda achawana mugove wenhaka yezvinhu izvi ini ndichava Mwari wake iye achivawo mwana wangu. Asi mbwende, navanohedhuka navakapara zvitadzo nemhondi nemhombwe navaroyi, navanamati vezvinhu zvisiri Mwari, navarevi venhema, chavo ivo zidziva riya rinobvira moto nesarufa. Ndirwo rufu rwechipiri.” Ndipo pakazouya mumwe wavatumwa vanomwe vaya vakanga vane ndiro nomwe dzakanga dzizere pfumvu nomwe dzokupedzisira. Akati kwandiri, “Uya ndikuratidze mwenga, mudzimai weHwayana.” Ndiina Mweya, akanditakura akaenda neni kuGomo refurefu akandiratidza guta dzvene reJerusaremu richiburuka richibva mudenga, richibva kuna Mwari riine kupenya kokuvapo kwaMwari. Rain'aima sechishongo chinokosha kwazvo uye seemeradhi rakachena sezvimedu zvedombo romusarasara. Rakanga riine rusvingo rukuru rwakareba kuenda mudenga ruine misuo mikuru gumi nemiviri. Pamisuo mikuru iyoyo paiva navatumwa gumi navaviri. Pamisuo mikuru iyoyo pakanga pakanyorwa mazita amadzinza gumi namaviri avaIsiraeri. Kumabvazuva kwaiva nemisuo mikuru mitatu; kuchamhembe kuine misuo mikuru mitatu; kumaodzanyemba kuine misuo mikuru mitatu kumadokerowo kuine misuo mikuru mitatu. Rusvingo rweguta iroro rwakanga ruina matombo ohugaro gumi namaviri. Paugaro ipapo pakanga pakanyorwa mazita gumi namaviri avapositori veHwayana. Uyo aitaura neni akanga aino rutanda rwendarama rwokueresa guta iroro nemisuo mikuru yaro namasvingo arwo. Guta iroro raiva namativi mana akaenzana. Urefu hwaro hwakanga hwakaenzana noupamhi hwaro. Akaera urefu hweguta norutanda rwake hukaita makiromita zviuru zviviri zvina mazana maviri urefu hwaro noupamhi hwaro nokukwira kwaro mudenga zvakanga zvakaenzana. Akaerawo rusvingo rwaro rukaita mamita makumi matanhatu ana mashanu namaerero anoita vanhu asi iye ari mutumwa aiera. Rusvingo irworwo rwakanga rwakavakwa namatombo ejasipa. Iro guta riri rendarama yoga yoga rakachena segirazi. Ugaro hwerusvingo rweguta iroro hwakanga hwakashongedzwa nezvishongo zvemhando nemhando. Chishongo chokutanga chakanga chiri chejasipa chechipiri chiri chesafaya chechitatu chiri cheagati chechina chiri cheemeradhi chechishanu chiri cheonikisi chechitanhatu chiri chekaneriani chechinomwe chiri chekirisoriti chechisere chiri cheberi chechipfumbamwe chiri chetopazi chegumi chiri chekirisopurasi chegumi nechimwe chiri chejasindi chegumi nechipiri chiri cheemetisiti. Misuo mikuru gumi nemiviri iya yakanga iri yamapera gumi namaviri. Suo guru rimwe nerimwe rakaitwa nePera rimwechete. Migwagwa yeguta iroro yakanga iri yendarama yakanakisisa inoonekera segirazi. Asi handina kuona Temberi muguta iroro nokuti Temberi yaro ndiTenzi Mwari, Samasimbaose neHwayana. Guta iroro haridi zuva kana mwedzi zvokurivhenekera nazvo nokuti kupenya kokuvapo kwaMwari ndicho chiedza charo, Hwayana iri iyo rambi rayo. Marudzi ose achafamba achivhenekerwa nechiedza charo uye madzimambo apasi achauisa mariri zvinovapa mbiri. Misuo yaro mikuru haichazombopfigwa masikati uye hakuzombovi nousiku ikoko. Vachaunzamo mariri zvinhu zvinopa marudzi mbiri nomukurumbira. Hakuna chakan'ora chichapinda mariri kana ani zvake anoita zvisingadiwi naMwari kana anonyengedza kusiya chete vakanyorwa mubhuku roupenyu reHwayana.
Zvakazarurwa 21:1-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ndakaʋona ɗeŋga idɀa nenyika itȿa, nokuti ɗeŋga rokutaŋga nenyika yokutaŋga ɀakaŋga ɀapfuʋura; neguŋgwa rakaŋga risisi’po. Ndikaʋona guta dɀene, Jerusarema idɀa, riciɓuruka kuɗeŋga ricibva kunaMŋari, rakagadzirwa somŋeŋga wakashoŋgerwa murume wake. Ndikanzwa inzwi ricibva kuɗeŋga, riciti: Tarirai, tabernakeri yaMŋari iri pakati paʋanhu, iye ucagara naʋo, iʋo ʋacaʋa ʋanhu ʋake; Mŋari amene ucaʋa naʋo, aʋe Mŋari waʋo. Ucapisika misodzi yose pameso aʋo; rufu harucaʋi’po, kana kucema, kana kurira, kana kutambudzika haɀiŋgaʋi’po; nokuti ɀokutaŋga ɀapfuʋura. Wakaŋga agere pacigaro coʋushe akati: Tarirai, ndinoʋandudza ɀose. Akati: Nyora, nokuti mashoko awa aŋgatendwa, ndaaɀokwaɗi. Akati kwandiri: Ɀaitwa. Ndini Arfa neOmega, kutaŋga nokuguma. Ini ndicapa unenyota ɀinobva patsime remvura yoʋupenyu asiŋgateŋgi. Unokunda ucagara nhaka yeɀinhu iɀi; ndicaʋa Mŋari wake, iye ucaʋa mŋanakomana waŋgu. Asi kana ʋari ʋanotya, naʋasiŋgatendi naʋanyaŋgadzi, naʋaʋurayi, nemhombge, naʋaroyi, naʋanonamata ɀifananidzo, naʋose ʋanoreʋa nhema, mugoʋe waʋo uri mudziʋa rinopfuta nomŋoto nesurferi; ndirwo rufu rwecipiri. Ɀino mumŋe waʋatumŋa ʋanomŋe, ʋakaŋga ʋanendiro nomŋe dzizere namaɗambudziko manomŋe okupedzisira, wakaȿika, akataura neni, aciti: Ʋuya pano, ndigokuratidza mŋeŋga, mukadzi weGwaiana. Ipapo wakandiisa muMŋeya kugomo guru refu, akandiratidza guta dɀene, Jerusarema, riciɓuruka kuɗeŋga, ricibva kunaMŋari, rinokubginya kwaMŋari; ciedza caro cakaŋga cakaita sebge rinokosha kwaɀo, sebge rejaspisi, rinoʋonekera sekristaro; rakaŋga rinoruȿiŋgo rukuru, rurefu, rakaŋga rinamasuʋo anegumi namaʋiri; naʋatumŋa ʋanegumi naʋaʋiri pamasuʋo, namazita akanyorwa pamsoro pawo, ari mazita amarudzi anegumi namaʋiri aʋana ʋaIsraeri. Kumabvazuʋa kwakaŋga kunamasuʋo matatu; kumsoro masuʋo matatu, zasi masuʋo matatu; nokumaʋirira masuʋo matatu; ruȿiŋgo rweguta rwakaŋga runenheyo dzinegumi nembiri; napamsoro padzo mazita aʋaapostora ʋanegumi naʋaʋiri ʋeGwaiana. Uyo, wakataura neni, wakaŋga anorutsaŋga rwendarama rwokuyera guta narwo, namasuʋo aro noruȿiŋgo rwaro. Guta rakaŋga rakaʋakwa namatiʋi manna akaenzana, kureɓa kwaro kwakaenzana nokufara kwaro; akayera guta norutsaŋga, ɀikaȿika pamastadia aneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri; kureɓa nokufara, nokukwirira kwaro ɀakaŋga ɀakaenzana. Akayera ruȿiŋgo rwaro, makubiti anezana namakumi manna namanna, neciyero comunhu, ciri ciyero comutumŋa. Ruȿiŋgo rwaro rwakaŋga rwakaʋakwa nejaspisi, ʋuye guta rakaŋga riri rendarama yakaiȿo‐naka, yakaʋonekera kwaɀo. Nheyo dzoruȿiŋgo rweguta dzakaŋga dzakashoŋgedzwa namabge amarudzi ose anokosha. Nheyo yokutaŋga yakaŋga iri yejaspisi; yecipiri yesafiri; yecitatu yekarsidoni; yecinna yesmaragdino; yecishanu yesardoniksi; yecitanhatu yesardio; yecinomŋe yekrisoriti; yorusere yeberiri; yepfumbamŋe yetopasi; yegumi yekrisoprasi; yegumi neimŋe yehiakinti; yegumi nembiri yeametesti. Masuʋo anegumi namaʋiri akaŋga ari amaparera anegumi namaʋiri; suʋo rimŋe nerimŋe rakaŋga riri reparera rimŋe; nzira yomuguta yakaŋga iri yendarama yakaiȿo‐naka, inoita seinoʋonekera. Handina‐kuʋona tembere mukati maro, nokuti Ishe Mŋari wamasimba ose neGwaiana itembere yaro. Guta haritȿaki zuʋa kana mŋedzi, kuti rivenekerwe naɀo; nokuti kubginya kwaMŋari ndiko kwairivenekera, nomŋenje waro ndiro Gwaiana. Ndudzi dzinofamba neciedza caro; madzimambo enyika anoʋuyisa kubginya kwawo mukati maro. Masuʋo aro haaŋgatoŋgozarirwi masikati, nokuti ʋusiku habgucazoʋi’po. Ʋacaʋuyisa mukati maro kubginya nokukudzwa kwendudzi. Mukati maro hamuŋgatoŋgopindi cinhu cinoȿiɓisa, kana cinonyaŋgadza, kana cinenhema; asi aʋo ɓeɗzi ʋakanyorwa mubuku yoʋupenyu yeGwaiana.
Zvakazarurwa 21:1-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)