Zvakazarurwa 2:3-5
Zvakazarurwa 2:3-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Wakatsungirira ukava nomwoyo murefu pakutambudzika nokuda kwezita rangu, uye ukasaneta. Asi ndine mhosva iyi newe: Wakasiya rudo rwako rwokutanga. Rangarira pawakawa! Tendeuka uite zvinhu zvawakanga uchiita pakutanga. Kana usingatendeuki, ndichauya kwauri ndigobvisa chigadziko chako chomwenje panzvimbo yacho.
Zvakazarurwa 2:3-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
ukatsungirira nokuva nomwoyo murefu nokuda kwezita rangu, ukasaneta. Asi handifari nechinhu ichi kwauri, kuti wakasiya rudo rwako rwokutanga. Naizvozvo rangarira pawakawa, utendeuke, ugoita mabasa ako okutanga; kana usingaiti saizvozvo, ndichauya kwauri; ndikabvisa chigadziko chako chomwenje panzvimbo yacho, kana usingatendeuki.
Zvakazarurwa 2:3-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinoziva kuti uri kutirira chinyararire, uchitirira zvako pamusana pezita rangu uye usingamboneta. Asi chandinovenga mauri ndechichi, chokuti wakakanda pasi rudo rwawaiva narwo pakutanga. Naizvozvo rangarira pawakakoromoka upinduke uite mabasa awaiita pakutanga. Kana usina kuita saizvozvo, ndichauya kwauri ndigobvisa chigadzikiro chomwenje wako panzvimbo pacho kusatoti watendeuka.
Zvakazarurwa 2:3-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
ukatsuŋgirira nokuʋa nomŋoyo murefu nokuɗa kwezita raŋgu, ukasaneta. Asi handifari necinhu ici kwauri, kuti wakasiya ruɗo rwako rwokutaŋga. Naiɀoɀo raŋgarira pawakawa, utendeʋuke, ugoita maɓasa ako okutaŋga; kana usiŋgaiti saiɀoɀo, ndicaʋuya kwauri, ndikabvisa cigadziko cako comŋenje panɀimbo yaco, kana usiŋgatendeʋuki.
Zvakazarurwa 2:3-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)