Zvakazarurwa 2:10
Zvakazarurwa 2:10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Usatya izvo zvava kuda kuzokutambudza. Ndinoti kwauri, dhiabhori achaisa vamwe venyu mutorongo kuti akuedzei, uye muchatambudzwa kwamazuva gumi. Ivai vakatendeka, kunyange kusvika pakufa, uye ini ndichakupai korona youpenyu.
Zvakazarurwa 2:10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
usatya izvo zvauchatambudzika nazvo. Tarira, Dhiabhori woda kuisa vamwe venyu mutorongo, kuti muedzwe; muchatambudzika mazuva ane gumi. Uve wakatendeka kusvikira parufu, ndigokupa korona yohupenyu.
Zvakazarurwa 2:10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Usatye matambudziko awava kupinda. Hezvo Dhiabhori ava kuzokanda vamwe venyu mujeri kuti muedzwe. Kwamazuva gumi muchapinda mupfumvu. Rambai makatendeka kusvikira pakufa. Ini ndichakupai mubayiro wechiremba choupenyu.
Zvakazarurwa 2:10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
usatya iɀo ɀaucatambudzika naɀo. Tarira, Diaborosi woɗo‐kuisa ʋamŋe ʋenyu mutoroŋgo, kuti muidzwe; mucatambudzika mazuʋa anegumi. Uʋe wakatendeka kuȿikira parufu, ndigokupa korona yoʋupenyu.
Zvakazarurwa 2:10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)