Zvakazarurwa 19:20
Zvakazarurwa 19:20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi chikara chakabatwa, pamwe chete nomuprofita wenhema akanga aita zviratidzo pachinzvimbo chacho. Nezviratidzo izvi akanga atsausa avo vakanga vagamuchira mucherechedzo wechikara uye vanamata mufananidzo wacho. Vaviri ava vakakandwa mudziva romoto unopfuta nesafuri vari vapenyu.
Zvakazarurwa 19:20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo chikara chakabatwa pamwechete nomuporofita wenhema, akaita zviratidzo pamberi pacho, zvaakanyengera nazvo vaya vakapiwa chiratidzo chechikara, navainamata mufananidzo wacho. Ava vaviri vakakandirwa vari vapenyu mugomba romoto unopfuta nesuriferi.
Zvakazarurwa 19:20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chikara chiya chakabatwa pamwechete nomuporofita wenhema uya akaita zviratidzo pamberi pacho zvaakanyengedza nazvo vaya vaiva nomucherechedzo wechikara navaya vainamata chifananidzo chacho. Muporofita uya akakandwa ari mupenyu mudziva rinobvira moto wesarufa pamwechete nechikara chiya.
Zvakazarurwa 19:20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo cikara cakaɓatwa pamŋe cete nomuprofita wenhema, wakaita ɀiratidzo pamberi paco, ɀaakanyeŋgera naɀo ʋaya ʋakapiwa ciratidzo cecikara, naʋainamata mufananidzo waco. Aʋa ʋaʋiri ʋakakandirwa ʋari ʋapenyu mugomba romŋoto unopfuta nesurferi.
Zvakazarurwa 19:20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)