Zvakazarurwa 15:3
Zvakazarurwa 15:3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
uye vakaimba rwiyo rwaMozisi muranda waMwari norwiyo rweGwayana, vachiti: “Mabasa enyu makuru uye anoshamisa, Ishe Mwari Wamasimba Ose. Nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi, imi Mambo wamakore.
Zvakazarurwa 15:3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakanga vachiimba rwiyo rwaMosesi, muranda waMwari, norwiyo rweGwayana, vachiti, “Ishe, Mwari waMasimbaose, mabasa enyu akakura, anoshamisa; Mambo wamarudzi, nzira dzenyu dzakarurama, ndedzazvokwadi.
Zvakazarurwa 15:3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakanga vachiimba rumbo rwaMosesi muranda waMwari norumbo rweHwayana vachiti, “Tenzi Mwari Samasimbaose mabasa enyu makuru, anoshamisa, nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi. Imi Mambo wapasi chigare.
Zvakazarurwa 15:3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakaŋga ʋaciimba rwiyo rwaMosesi, muranda waMŋari, norwiyo rweGwaiana, ʋaciti: Ishe, Mŋari wamasimba ose, maɓasa enyu akakura, anoshamisa; Mambo wamarudzi, nzira dzenyu dzakarurama, ndedzaɀokwaɗi.
Zvakazarurwa 15:3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)