Zvakazarurwa 14:6-7
Zvakazarurwa 14:6-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo ndakaona mumwe mutumwa achibhururuka pakati pechadenga, uye akanga ane vhangeri risingaperi kuti aparidzire avo vanogara panyika, kundudzi dzose, namarudzi ose, nendimi dzose uye navanhu vose. Akati nenzwi guru, “Ityai Mwari uye mumupe mbiri, nokuti nguva yokutonga kwake yasvika. Namatai iye akaita matenga, nyika, gungwa namatsime emvura.”
Zvakazarurwa 14:6-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndakaona mumwe mutumwa achibhururuka pakati pedenga, ane Vhangeri isingaperi, kuti aiparidzire vanogara panyika, namarudzi ose, nendudzi dzose nendimi dzose, navanhu vose. Akati nezwi guru, “Ityai Mwari, mumurumbidze; nokuti nguva yake yokutonga yasvika; namatai iye, akasika denga, nenyika, negungwa, namatsime emvura.”
Zvakazarurwa 14:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakazoona mumwe mutumwa achibhururuka mudenga aine Shoko Rakanaka rokugara nokugara rokuparidza vanhu vanogara pasi pano munyika dzose, namarudzi ose nendimi dzose navanhu vose. Akadaidzira nezwi guru achiti, “Ityai Mwari mumupe mbiri nokuti nguva yake yokutonga yasvika. Munamatei iye akasika denga napasi negungwa nezvisipiti zvemvura.”
Zvakazarurwa 14:6-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ndakaʋona mumŋe mutumŋa acibururuka pakati peɗeŋga, aneEvaŋgeri isiŋgaperi, kuti aiparidzire ʋanogara panyika, namarudzi ose, nendudzi dzose, nendimi dzose, naʋanhu ʋose. Akati nenzwi guru: Ityai Mŋari, mumurumbidzei; nokuti ŋguʋa yake yokutoŋga yaȿika; namatai iye, wakasika ɗeŋga, nenyika, neguŋgwa, namatsime emvura.
Zvakazarurwa 14:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)