Zvakazarurwa 14:13
Zvakazarurwa 14:13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti, “Nyora uti: Vakaropafadzwa vakafa vanofira muna She kubva zvino.” “Hongu,” ndizvo zvinoreva Mweya, “vachazorora pakubata kwavo kukuru, nokuti mabasa avo achavatevera.”
Zvakazarurwa 14:13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo ndakanzwa izwi richibva kudenga, richiti, “Nyora, uti: Vakafa, vanofira muna Ishe, vakaropafadzwa kubva zvino. Hongu, ndizvo zvinotaura Mweya, kuti vazorore pakubata kwavo kukuru, nokuti mabasa avo anovatevera.”
Zvakazarurwa 14:13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakanzwa izwi richibva kudenga richiti, “Nyora izvi zvokuti: ‘Vakakomborerwa vanofira muna Tenzi, kubvira zvino zvichienda mberi.’ “Vakakomborerwa zvechokwadi, ndozvinotaurwa naMweya. Vachazorora pamabasa avo, nokuti zviito zvavo zvinovatevera.”
Zvakazarurwa 14:13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo ndakanzwa inzwi ricibva kuɗeŋga, riciti: Nyora, uti: Ʋakafa, ʋanofira munaShe, ʋakaropafadzwa kubva ɀino. Hoŋo, ndiɀo ɀinotaura Mŋeya, kuti ʋazorore pakuɓata kwaʋo kukuru, nokuti maɓasa aʋo anoʋateʋera.
Zvakazarurwa 14:13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)