Zvakazarurwa 13:2
Zvakazarurwa 13:2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Chikara chandakaona chakanga chakaita sembada, asi chakanga china makumbo akaita seebere uye muromo wakaita soweshumba. Shato yakapa chikara simba rayo nechigaro chayo choushe nesimba rayo guru.
Zvakazarurwa 13:2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Chikara ichi chandakaona, chakanga chakaita sengwe; netsoka dzacho sedzebere, nomuromo wacho somuromo weshumba; shato ikachipa simba rayo, nechigaro chayo chohushe, namasimba makuru.
Zvakazarurwa 13:2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chikara chandakaona chakanga chakaita sembada matsimba acho waiti ndeebere chiine muromo weshumba. Zigaranyanya rakapa simba raro kuchikara ichocho rakachipawo chigaro charo choumambo noukuru hwakakura.
Zvakazarurwa 13:2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Cikara ici candakaʋona, cakaŋga cakaita seŋgwe; netsoka dzaco sedzeɓere, nomuromo waco somuromo weshumba; shato ikacipa simba rayo, necigaro cayo coʋushe, namasimba makuru.
Zvakazarurwa 13:2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)