Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakazarurwa 12:14-16 - Compare All Versions

Zvakazarurwa 12:14-16 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Mukadzi akapiwa mapapiro maviri egondo guru, kuitira kuti agobhururuka achienda kunzvimbo yaakanga agadzirirwa kugwenga, uko kwaaizochengetwa kwenguva nedzimwe nguva nehafu yenguva, kusingasviki nyoka. Ipapo nyoka yakabudisa mvura yakaita sorwizi kubva mumuromo mayo, kuti ikukure mukadzi namafashamu. Asi nyika yakabatsira mukadzi nokuzarura muromo wayo ikamedza rwizi rwakanga rwabudiswa neshato mumuromo wayo.

Pakurirana nevamwe
Zvakazarurwa 12 BDSC

Zvakazarurwa 12:14-16 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Ipapo mukadzi akapiwa mapapiro maviri egondo guru, kuti abhururukire kurenje kunzvimbo yake, kwaanochengeterwa nguva nedzimwe nguva nehafu yenguva, kwaasingaonekwi nenyoka. Ipapo nyoka yakabudisa mvura mumuromo mayo, yakaita sorwizi shure kwomukadzi, kuti akukurwe norwizi. Ipapo nyika yakabatsira mukadzi, nyika ikashamisa muromo wayo, ikamedza rwizi neshato mumuromo mayo.

Pakurirana nevamwe
Zvakazarurwa 12 SNA2002

Zvakazarurwa 12:14-16 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ipapo mukadzi akapiwa mapapiro maʋiri egondo guru, kuti abururukire kurenje kunɀimbo yake, kwaanoceŋgeterwa ŋguʋa nedzimŋe ŋguʋa nehafu yeŋguʋa, kwaasiŋgaʋonekwi nenyoka. Ipapo nyoka yakaɓuɗisa mvura mumuromo mayo, yakaita sorwizi shure kwomukadzi, kuti akukurwe norwizi. Ipapo nyika yakaɓatsira mukadzi, nyika ikashamisa muromo wayo, ikamedza rwizi rwakaɓuɗiswa neshato mumuromo mayo.

Pakurirana nevamwe
Zvakazarurwa 12 SUB1949

Zvakazarurwa 12:14-16 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Asi mudzimai akanga apiwa mapapiro maviri egondo guru kuti abhururukire kugwenga achitiza nyoka iya kunzvimbo yaaizoriritirwa kwamakore matatu ane hafu. Nyoka iya yakawodzvora mvura serwizi ichibva mukanwa mayo yakananga kumudzimai uya kuti imueredze neboporodzi iroro. Asi nyika ndiyo yakazobatsira mudzimai uya. Nyika yakashama muromo wayo ikamedza rwizi rwuya rwakanga rwaodzvorwa nezigaranyanya rwuchibva mumuromo maro.

Pakurirana nevamwe
Zvakazarurwa 12 SCLB

Zvakazarurwa 12:14-16 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Asi mudzimai akanga apiwa mapapiro maviri egondo guru kuti abhururukire kugwenga achitiza nyoka iya kunzvimbo yaaizoriritirwa kwamakore matatu ane hafu. Nyoka iya yakawodzvora mvura serwizi ichibva mukanwa mayo yakananga kumudzimai uya kuti imueredze neboporodzi iroro. Asi nyika ndiyo yakazobatsira mudzimai uya. Nyika yakashama muromo wayo ikamedza rwizi rwuya rwakanga rwaodzvorwa nezigaranyanya rwuchibva mumuromo maro.

Pakurirana nevamwe
Zvakazarurwa 12 SCLBD