Zvakazarurwa 12:10-11
Zvakazarurwa 12:10-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo ndakanzwa inzwi guru kudenga richiti: “Zvino ruponeso nesimba noumambo hwaMwari wedu zvasvika, uye nesimba raKristu wake. Nokuti mupomeri wehama dzedu, iye anovapomera pamberi paMwari wedu masikati nousiku, akandwa panyika. Vakamukunda neropa reGwayana uye neshoko rokupupura kwavo; havana kuda upenyu hwavo zvakanyanya zvokuti vangatya kufa.

Zvakazarurwa 12:10-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndikanzwa izwi guru kudenga, richiti, “Zvino ruponeso rwasvika, nesimba, noushe hwaMwari wedu, noumambo hwaKristu wake; nokuti mupomeri wehama dzedu wakakandirwa pasi, wakavapomera pamberi paMwari wedu masikati nousiku. Ivo vakamukunda neropa reGwayana, uye neshoko rokupupura kwavo; havana kuda upenyu hwavo kusvikira parufu.
Zvakazarurwa 12:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakazonzwa izwi guru mudenga richiti, “Zvino ruponeso nesimba noumambo hwaMwari wedu noukuru hwaMesia wake zvauya nokuti mupomeri wehama dzedu akakandidzirwa pasi; ndiye uya anovapomera mhosva siku nesikati pamberi paMwari wedu. Vakamukurira neropa reHwayana uye neshoko rokupupura kwavo nokuti vakazvipira upenyu hwavo kusvika pakutofa.
Zvakazarurwa 12:10-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndikanzwa inzwi guru kuɗeŋga, riciti: Ɀino ruponeso rwaȿika, nesimba, noʋushe bgaMŋari weɗu, noʋumambo bgaKristu wake; nokuti mupomeri wehama dzeɗu wakakandirwa pasi, wakaʋapomera pamberi paMŋari weɗu masikati noʋusiku. Iʋo ʋakamukunda neropa reGwaiana, ʋuye neshoko rokupupura kwaʋo; haʋana‐kuɗa ʋupenyu bgaʋo kuȿikira parufu.
Zvakazarurwa 12:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)