Zvakazarurwa 12:1-17
Zvakazarurwa 12:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Chiratidzo chikuru uye chinoshamisa chakaonekwa kudenga: mukadzi akanga akapfeka zuva, mwedzi uri pasi petsoka dzake, nekorona ine nyeredzi gumi nembiri pamusoro wake. Akanga ane mimba uye akadanidzira mukurwadziwa sezvo akanga ava kupona. Ipapo chimwe chiratidzo chakaonekwa kudenga: shato huru tsvuku ine misoro minomwe nenyanga gumi nekorona nomwe mumisoro yayo. Muswe wayo wakatsvaira chikamu chimwe chete muzvitatu chenyeredzi kubva kudenga ukadzikanda pasi. Shato yakamira pamberi pomukadzi akanga ava kuzvara, kuitira kuti iparadze mwana wake kana angozvarwa. Akazvara mwanakomana, munhurume, achazotonga ndudzi dzose netsvimbo yesimbi. Uye mwana wake akatorwa akaendeswa kuna Mwari nokuchigaro chake choushe. Mukadzi akatizira kugwenga kunzvimbo yaakanga agadzirirwa naMwari, kwaaizochengetwa kwamazuva chiuru namazana maviri namakumi matanhatu. Uye kudenga kwakava nehondo. Mikaeri navatumwa vake vakarwa neshato, uye shato navatumwa vayo ikadzorerawo. Asi yakanga isina simba rakakwana, uye nzvimbo yavo yakashayikwa kudenga. Shato huru yakakandwa pasi, iyo nyoka yekare inonzi dhiabhori, kana kuti Satani, anotsausa nyika yose. Akakandwa panyika pamwe chete navatumwa vake. Ipapo ndakanzwa inzwi guru kudenga richiti: “Zvino ruponeso nesimba noumambo hwaMwari wedu zvasvika, uye nesimba raKristu wake. Nokuti mupomeri wehama dzedu, iye anovapomera pamberi paMwari wedu masikati nousiku, akandwa panyika. Vakamukunda neropa reGwayana uye neshoko rokupupura kwavo; havana kuda upenyu hwavo zvakanyanya zvokuti vangatya kufa. Naizvozvo farai, imi matenga nemi munogara maari! Asi mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti dhiabhori aburuka kwamuri! Akatsamwa kwazvo, nokuti anoziva kuti nguva yake ipfupi.” Shato yakati yaona kuti yakanga yakandwa panyika, yakadzinganisa mukadzi akanga azvara mwana mukomana. Mukadzi akapiwa mapapiro maviri egondo guru, kuitira kuti agobhururuka achienda kunzvimbo yaakanga agadzirirwa kugwenga, uko kwaaizochengetwa kwenguva nedzimwe nguva nehafu yenguva, kusingasviki nyoka. Ipapo nyoka yakabudisa mvura yakaita sorwizi kubva mumuromo mayo, kuti ikukure mukadzi namafashamu. Asi nyika yakabatsira mukadzi nokuzarura muromo wayo ikamedza rwizi rwakanga rwabudiswa neshato mumuromo wayo. Ipapo shato yakatsamwira mukadzi ikaenda kundorwa navana vake vakanga vasara, vaya vanoteerera mirayiro yaMwari uye vanobatirira pauchapupu hwaJesu.
Zvakazarurwa 12:1-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino kudenga kwakaonekwa chiratidzo chikuru ichi: Mukadzi, akanga akapfeka zuva, mwedzi uri pasi petsoka dzake, napamusoro wake korona ine nyeredzi dzine gumi nembiri; iye akanga ane mimba, akadanidzira pakupona kwake, achitambudzika pakuzvara. Ipapo kudenga kwakaonekwa chimwe chiratidzo ichi: Tarira, shato huru tsvuku, ine misoro minomwe, nenyanga dzine gumi, napamisoro wayo korona nomwe. Muswe wayo ukakweva chetatu chenyeredzi dzokudenga, ndokudzikandira pasi panyika; shato iyo ikamira pamberi pomukadzi akanga ozvara, kuti iparadze mwana wake kana azvara. Akazvara mwana womukomana, anozofudza marudzi ose netsvimbo yedare; mwana wake ndokutorwa kuna Mwari, nokuchigaro chake choushe. Mukadzi akatizira kurenje, paakagadzirirwa nzvimbo naMwari, kuti vamuchengetepo mazuva ane chiuru chinamazana maviri namakumi matanhatu. Zvino kurwa kwakavapo kudenga; Mikaeri navatumwa vake vakarwa neshato, shato ikarwa inavatumwa vayo; vakasakunda, nenzvimbo yavo haina kuzowanikwa kudenga. Zvino shato huru yakakandirwa pasi, iyo nyoka yekare, inonzi Dhiabhori, naSatani, munyengeri wenyika yose; yakakandirwa panyika, navatumwa vayo vakakandirwa pasi pamwechete nayo. Ndikanzwa izwi guru kudenga, richiti, “Zvino ruponeso rwasvika, nesimba, noushe hwaMwari wedu, noumambo hwaKristu wake; nokuti mupomeri wehama dzedu wakakandirwa pasi, wakavapomera pamberi paMwari wedu masikati nousiku. Ivo vakamukunda neropa reGwayana, uye neshoko rokupupura kwavo; havana kuda upenyu hwavo kusvikira parufu. Saka farai kudenga nemi munogarako. Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti mweya wakaipa wakaburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti anoziva kuti achine nguva duku.” Shato yakati yaona kuti yakandirwa pasi panyika ikatambudza mukadzi akazvara mwana womukomana. Ipapo mukadzi akapiwa mapapiro maviri egondo guru, kuti abhururukire kurenje kunzvimbo yake, kwaanochengeterwa nguva nedzimwe nguva nehafu yenguva, kwaasingaonekwi nenyoka. Ipapo nyoka yakabudisa mvura mumuromo mayo, yakaita sorwizi shure kwomukadzi, kuti akukurwe norwizi. Ipapo nyika yakabatsira mukadzi, nyika ikashamisa muromo wayo, ikamedza rwizi neshato mumuromo mayo. Zvino shato yakatsamwira mukadzi ikaenda kundorwa navamwe vana vake, vanochengeta mirayiro yaMwari, navanobata kupupura kwaJesu.
Zvakazarurwa 12:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino mudenga makaonekwa chiratidzo chinokatyamadza chomudzimai akatenderedzwa nezuva mwedzi uri pasi petsoka dzake, aine ndaza mumusoro yenyenyedzi gumi nembiri. Akanga akazvitakura achichema nokurwadziwa ava kupona achitambudzika pakusununguka. Kwakaonekwa chimwe chiratidzo mudenga chezigaranyanya guru dzvuku rine misoro minomwe negumi renyanga nengundu nomwe pamisoro yaro. Muswe waro wakakumba chikamu chechitatu chenyenyedzi dzedenga ukadzikanda pasi. Zigaranyanya riya rakandomira pamberi pomudzimai akanga ava kuda kusununguka mwana kuti ridye mwana wake paanongomupona. Akasununguka mwana mukomana aizotonga marudzi ose avanhu netsvimbo yesimbi. Mwana akabva anzi hwetu kuendwa naye kuna Mwari nokuchigaro chake choumambo. Mudzimaiwo ndokuti ware kutizira kurenje kune nzvimbo yaakanga agadzirirwa naMwari maaizoriritirwa kwamazuva ane chiuru namazana maviri namakumi matanhatu. Mudenga makamuka hondo Mikaeri navatumwa vake vachirwisa zigaranyanya riya. Zigaranyanya navatumwa varo rakarwisawo. Zigaranyanya navatumwa varo rakakurirwa; pakanga pasisina nzvimbo yavo kudenga. Zigaranyanya guru riya rakakandidzirwa pasi, ndiyo nyoka iya yapasichigare inonzi Dhiabhori kana kuti Satani munyengedzi wapasi pose. Akakandidzirwa pasi; vatumwa vake vakakandidzirwawo pasi pamwechete naye. Ndakazonzwa izwi guru mudenga richiti, “Zvino ruponeso nesimba noumambo hwaMwari wedu noukuru hwaMesia wake zvauya nokuti mupomeri wehama dzedu akakandidzirwa pasi; ndiye uya anovapomera mhosva siku nesikati pamberi paMwari wedu. Vakamukurira neropa reHwayana uye neshoko rokupupura kwavo nokuti vakazvipira upenyu hwavo kusvika pakutofa. Fara iwe denga nemi mugere mariri. Une nhamo iwe nyika negungwa nokuti Dhiabhori aburukira kwauri nehasha huru nokuti anoziva kuti nguva yake ipfupi.” Zigaranyanya parakaona kuti rakandidzirwa pasi rakaronda mudzimai uya akanga asununguka mwana mukomana. Asi mudzimai akanga apiwa mapapiro maviri egondo guru kuti abhururukire kugwenga achitiza nyoka iya kunzvimbo yaaizoriritirwa kwamakore matatu ane hafu. Nyoka iya yakawodzvora mvura serwizi ichibva mukanwa mayo yakananga kumudzimai uya kuti imueredze neboporodzi iroro. Asi nyika ndiyo yakazobatsira mudzimai uya. Nyika yakashama muromo wayo ikamedza rwizi rwuya rwakanga rwaodzvorwa nezigaranyanya rwuchibva mumuromo maro. Zigaranyanya rakashatirirwa mudzimai uya ndokuenda kundorwisa vamwe vana vake vose vanochengeta mitemo yaMwari nouchapupu hwavo kuna Jesu.
Zvakazarurwa 12:1-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kuɗeŋga kwakaʋonekwa ciratidzo cikuru ici: Mukadzi, wakaŋga akapfeka zuʋa, mŋedzi uri pasi petsoka dzake, napamusoro wake korona inenyeredzi dzinegumi nembiri; iye wakaŋga anemimba, akaɗanidzira pakupona kwake, acitambudzika pakuɀara. Ipapo kuɗeŋga kwakaʋonekwa cimŋe ciratidzo ici: Tarira, shato huru tȿuku, inemisoro minomŋe, nenyaŋga dzinegumi, napamisoro yayo korona nomŋe. Rumhinda rwayo rukakweʋa cetatu cenyeredzi dzokuɗeŋga, ndokudzikandira pasi panyika; shato iyo ikamira pamberi pomukadzi wakaŋga oɀara, kuti iparadze mŋana wake kana aɀara. Akaɀara mŋana womukomana, unozofudza marudzi ose netȿimbo yeɗare; mŋana wake ndokutorwa kunaMŋari, nokucigaro cake coʋushe. Mukadzi akatizira kurenje, paakagadzirirwa nɀimbo naMŋari, kuti ʋamuceŋgete’po mazuʋa anecuru cinamazana maʋiri namakumi matanhatu. Ɀino kurwa kwakaʋa’po kuɗeŋga; Mikaeri naʋatumŋa ʋake ʋakarwa neshato, shato ikarwa inaʋatumŋa ʋayo; ʋakasakunda, nenɀimbo yaʋo hainakuzowanikwa kuɗeŋga. Ɀino shato huru yakakandirwa pasi, iyo nyoka yekare, inonzi Diaborosi, naSatani, munyeŋgeri wenyika yose; yakakandirwa panyika, naʋatumŋa ʋayo ʋakakandirwa pasi pamŋe cete nayo. Ndikanzwa inzwi guru kuɗeŋga, riciti: Ɀino ruponeso rwaȿika, nesimba, noʋushe bgaMŋari weɗu, noʋumambo bgaKristu wake; nokuti mupomeri wehama dzeɗu wakakandirwa pasi, wakaʋapomera pamberi paMŋari weɗu masikati noʋusiku. Iʋo ʋakamukunda neropa reGwaiana, ʋuye neshoko rokupupura kwaʋo; haʋana‐kuɗa ʋupenyu bgaʋo kuȿikira parufu. Saka farai kuɗeŋga nemi munogara’ko. Munenhamo imi nyika neguŋgwa, nokuti mŋeya wakaipa wakaɓurukira kwamuri, akatsamŋa kwaɀo, nokuti unoziʋa kuti ucineŋguʋa ɗuku. Shato yakati yaʋona kuti yakandirwa pasi panyika, ikatambudza mukadzi wakaɀara mŋana womukomana. Ipapo mukadzi akapiwa mapapiro maʋiri egondo guru, kuti abururukire kurenje kunɀimbo yake, kwaanoceŋgeterwa ŋguʋa nedzimŋe ŋguʋa nehafu yeŋguʋa, kwaasiŋgaʋonekwi nenyoka. Ipapo nyoka yakaɓuɗisa mvura mumuromo mayo, yakaita sorwizi shure kwomukadzi, kuti akukurwe norwizi. Ipapo nyika yakaɓatsira mukadzi, nyika ikashamisa muromo wayo, ikamedza rwizi rwakaɓuɗiswa neshato mumuromo mayo. Ɀino shato yakatsamŋira mukadzi, ikaenda kundorwa naʋamŋe ʋana ʋake, ʋanoceŋgeta mirairo yaMŋari, naʋanoɓata kupupura kwaJesu.
Zvakazarurwa 12:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)