Zvakazarurwa 11:15-19
Zvakazarurwa 11:15-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mutumwa wechinomwe akaridza hwamanda yake, kudenga kukava namanzwi makuru aiti: “Umambo hwenyika hwava umambo waIshe wedu naKristu wake, uye achatonga nokusingaperi-peri.” Uye vakuru makumi maviri navana, vakanga vagere pazvigaro zvavo zvoushe pamberi paMwari, vakawira pasi nezviso zvavo vakanamata Mwari, vachiti: “Tinokuvongai imi, Ishe Mwari Wamasimba Ose, Iye aripo uye akanga aripo, nokuti matora simba renyu guru uye matanga kutonga. Ndudzi dzakatsamwa; uye hasha dzenyu dzauya. Nguva yokutonga vakafa yasvika, neyokupa varanda venyu vaprofita mubayiro, uye navatsvene venyu neavo vanotya zita renyu, zvose vaduku navakuru, uye neyokuparadza avo vanoparadza nyika.” Ipapo temberi yaMwari iri kudenga yakazarurwa, uye mukati metemberi yake makaonekwa areka yake yesungano. Uye ipapo kwakava nokupenya kwemheni, muroromero, maungira okutinhira, kudengenyeka nemvura yechimvuramabwe yakawanda.
Zvakazarurwa 11:15-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mutumwa wechinomwe akaridza; mazwi makuru akavapo kudenga, achiti, “Ushe hwenyika hwava hwaIshe wedu, naKristu wake; uchahubata nokusingaperi-peri.” Ipapo Vakuru vana makumi maviri navana vanogara pazvigaro zvavo zvoushe pamberi paMwari, vakawira pasi nezviso zvavo, vakanamata Mwari, vachiti, “Tinokuvongai imi, Ishe Mwari waMasimbaose, muripo, makanga muripo; nokuti makatora simba renyu guru, makabata ushe. Marudzi akatsamwa, nokutsamwa kwenyu kwakasvika, nenguva yavakafa, kuti vatongwe, uye kuti mupe varanda venyu mubayiro, ivo vaporofita, navatsvene, navanotya zita renyu, vaduku navakuru; uye kuti muparadze avo vanoparadza nyika.” Ipapo temberi yaMwari iri kudenga yakazarurwa; areka yesungano ikaonekwa mutemberi yake; ipapo kwakavapo mheni, namazwi, nokutinhira, nokudengenyeka kwenyika, nechimvuramabwe chikuru.
Zvakazarurwa 11:15-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mutumwa wechinomwe akaridza bhosvo rake kukava namazwi okudaidzira mudenga aiti, “Umambo hwapasi hwava humambo hwaTenzi naMesia wake. Achatonga narini narini.” Vakuru vakuru makumi maviri ana vana vaya vagere pazvigaro zvavo zvoumambo vakati kota kota nouso pamberi paMwari vachinamata Mwari vachiti, “Tinokutendai Tenzi Mwari Samasimbaose. Imi muripo, makanga muripo kuti makatora ukuru hwenyu mukatangisa kutonga. Vechirudzi vakaita bope asi makavavirukira nehasha uye nguva yokutongwa kwavakafa neyokupa mubayiro kuvaranda venyu, vaporofita navatsvene navanotya zita renyu vakuru navadiki yasvika, nguva yokuparadza mharadzi dzapasi.” Temberi yaMwari yokudenga yakazarurwa Bhokisi rake reChitenderano rakaonekwa muTemberi make pakavaima mheni, pakadhirima, mheni ikadhiriridza pakaita kundengendeka kwapasi nechivhuramahwe chakawanda.
Zvakazarurwa 11:15-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mutumŋa wecinomŋe wakaridza; manzwi makuru akaʋa’po kuɗeŋga, aciti: Ʋushe bgenyika bgaʋa bgaShe weɗu, naKristu wake; ucabguɓata nokusiŋgaperi‐peri. Ipapo Ʋakuru ʋanamakumi maʋiri naʋanna ʋanogara paɀigaro ɀaʋo ɀoʋushe pamberi paMŋari, ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo, ʋakanamata Mŋari, ʋaciti: Tinokuʋoŋgai imi, Ishe Mŋari wamasimba ose, muri’po, namakaŋga muri’po; nokuti makatora simba renyu guru, mukaɓata ʋushe. Marudzi akatsamŋa, nokutsamŋa kwenyu kwakaȿika, neŋguʋa yaʋakafa, kuti ʋatoŋgwe, ʋuye kuti mupe ʋaranda ʋenyu muɓairo, iʋo ʋaprofita, naʋatȿene, naʋanotya zita renyu, ʋaɗuku naʋakuru; ʋuye kuti muparadze aʋo ʋanoparadza nyika. Ipapo tembere yaMŋari iri kuɗeŋga yakazarurwa; areka yesuŋgano ikaʋonekwa mutembere yake; ipapo kwakaʋa’po mheni, namanzwi, nokutinhira, nokuɗeŋgenyika kwenyika, necimvuramabge cikuru.
Zvakazarurwa 11:15-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)