Zvakazarurwa 1:13-15
Zvakazarurwa 1:13-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
uye pakati pezvigadziko zvemwenje pakanga pano mumwe akanga “akaita somwanakomana womunhu,” akafuka nguo yaisvika kutsoka dzake uye ane bhanhire regoridhe pachipfuva chake. Musoro wake nebvudzi rake zvakanga zvakachena samakushe, zvakachena sechando, uye meso ake akanga akaita somurazvo womoto. Tsoka dzake dzakanga dzakaita sendarira inopenya muvira romoto, uye inzwi rake rakanga rakaita somubvumo wemvura zhinji.
Zvakazarurwa 1:13-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
napakati pezvigadziko zvemwenje, mumwe wakafanana noMwanakomana womunhu, akafuka nguo yakasvikira kutsoka, akazvisunga napachipfuva nebhanhire rendarama. Musoro wake nevhudzi rake zvakanga zviri zvichena samakushe machena, sechando; meso ake akaita somurazvo womoto; tsoka dzake dzakanga dzakafanana nesafuri inopenya, inenge yakanatswa muvira; izwi rake rakanga rakaita sezwi remvura zhinji.
Zvakazarurwa 1:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pakati pezvigadzikiro zvinomwe zviya ndakaona akaita soMwanakomana womunhu akanga akapfeka gemenzi rakareba nomudya wendarama padundundu pake. Musoro wake nevhudzi rake zvakanga zvakachena sewuru chena, uye zvakachena samazaya echando. Maziso ake akanga akaita serimi romoto. Tsoka dzake dzakanga dzakaita somundarira wakakwenenzverwa mubisiro zvokutsvedzerera, izwi rake richiita seruzha rwemvura zhinji.
Zvakazarurwa 1:13-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
napakati peɀigadziko ɀemŋenje, mumŋe wakafanana noMŋanakomana womunhu, akafuka ŋguʋo yakaȿikira kutsoka, akaɀisuŋga napacifuʋa nebanhire rendarama. Musoro wake nevudzi rake ɀakaŋga ɀiri ɀicena samakushe macena, secando; meso ake akaita somuraɀo womŋoto; tsoka dzake dzakaŋga dzakafanana nesafuri inopenya, ineŋge yakanatswa muʋira; inzwi rake rakaŋga rakaita senzwi remvura zhinji.
Zvakazarurwa 1:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)