Mapisarema 99:1-9
Mapisarema 99:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha anobata ushe, ndudzi ngadzidedere; anogara pachigaro choushe chiri pakati pamakerubhi, nyika ngaizungunuke. Jehovha mukuru paZioni; iye akasimudzirwa pamusoro pendudzi dzose. Ngavarumbidze zita renyu guru rinotyisa, iye mutsvene. Mambo mukuru, anoda kururamisira, imi makasimbisa kururama; muna Jakobho makaita kururamisira nokururama. Kudzai Jehovha Mwari wedu nokunamata pachitsiko chetsoka dzake; iye mutsvene. Mozisi naAroni vakanga vari pakati pavaprista vake, Samueri akanga ari pakati paavo vaidana kuzita rake, vakadana kuna Jehovha akavapindura. Akataura kwavari ari mushongwe yegore; vakachengeta zvaakatema nemitemo yaakavapa. Haiwa Jehovha Mwari wedu, imi makavapindura; makanga muri Mwari anokanganwira kuna Israeri, kunyange makavaranga pane zvavakaita. Kudzai Jehovha Mwari wedu mumunamate pagomo rake dzvene, nokuti Jehovha Mwari wedu ndiye mutsvene.
Mapisarema 99:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha anobata ushe; vanhu ngavabvunde; Iye agere pakati pamakerubhi; nyika ngaizununguswe. Jehovha mukuru paZioni; Ari kumusoro-soro kwavanhu vose. Ngavarumbidze zita renyu guru rinotyisa; Ndiye Mutsvene. Simba ramambo rinodawo kururamisa; Imi munosimbisa kururama, Munotonga muchiruramisa pakati paJakobho. Kudzai Jehovha Mwari wedu, Munamate pachitsiko chetsoka dzake; Ndiye Mutsvene. Mosesi naAroni pakati pavapristi vake, NaSamueri pakati pavanodana zita rake; Vakadana kuna Jehovha, iye akavapindura. Akataura navo ari mushongwe yegore; Vakachengeta zvipupuriro zvake nomutemo waakavapa. Makavapindura, Jehovha Mwari wedu; Maiva Mwari aivakanganwira, Kunyange makatsiva zvavaiita. Kudzai Jehovha Mwari wedu, Namatai pagomo rake dzvene; Nokuti Jehovha Mwari wedu ndiye Mutsvene.
Mapisarema 99:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
TENZI ndimambo vanhu vanodedera anogara pachigaro chake choushe, pakati pamakerubhi. Nyika inodengendeka. TENZI mukuru muguta reZioni mukuru mukuru pavanhu vose. Ngavarumbidze zita renyu guru rinotyisa. Iye anoera. Mambo wesimba munoda ruenzaniso. Imi makamisa nduramo. Ndimi makaita kuti muna Jakobho muve noruenzaniso noururami. Rumbidzai TENZI Mwari wedu, mugwadamirei pachitambarariko chake. Iye anoera. Mosesi naAroni vaiva vamwe vavapristi vake uye Samueri aiva mumwe wevaidana zita rake, vaidana kuna TENZI iye achivapindura. Aitaura navo ari mugore, ivo vakachengeta mirao yake nemitemo yaakavapa. Imi TENZI Mwari wedu maivapindura, maiva kwavari Mwari anoregerera asi muchiranga zvavainge vatadza. Rumbidzai TENZI Mwari wedu mumunamate pagomo rake rinoera nokuti TENZI Mwari wedu anoera.
Mapisarema 99:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova unoɓata ʋushe; ʋanhu ŋgaʋabvunde; Iye ugere pakati pamakerubi; nyika ŋgaizunuŋguswe. Jehova mukuru paZioni; Uri kumsoro‐soro kwaʋanhu ʋose. Ŋgaʋarumbidze zita renyu guru rinotyisa; Ndiye Mutȿene. Simba ramambo rinoɗa ʋo kururamisa; Imi munosimbisa kururama, Munotoŋga muciruramisa pakati paJakobo. Kudzai Jehova Mŋari weɗu, Munamate pacitsiko cetsoka dzake; Ndiye Mutȿene. Mosesi naAroni pakati paʋaprista ʋake, NaSamueri pakati paʋanoɗana zita rake; Ʋakaɗana kunaJehova, iye akaʋapindura. Wakataura naʋo ari mushoŋgwe yegore; Ʋakaceŋgeta ɀipupuriro ɀake nomutemo waakaʋapa. Makaʋapindura, Jehova Mŋari weɗu; Maiʋa Mŋari waiʋakaŋganwira, Kunyaŋge makatsiʋa ɀaʋaiita. Kudzai Jehova Mŋari weɗu, Namatai pagomo rake dɀene; Nokuti Jehova Mŋari weɗu ndiye Mutȿene.
Mapisarema 99:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)