Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 98:7-9 - Compare All Versions

Mapisarema 98:7-9 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mariri, nenyika, navose vanogaramo. Nzizi ngadziuchire maoko adzo, makomo ngaaimbe pamwe chete nomufaro; ngaaimbe pamberi paJehovha, nokuti anouya kuzotonga nyika. Achatonga nyika zvakarurama navanhu nokururamisira.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 98 BDSC

Mapisarema 98:7-9 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Gungwa ngaritinhire nezvose zviri mukati maro; Nenyika, navanogaramo. Nzizi ngadziuchire; Namakomo ngaaimbe pamwechete nomufaro; Pamberi paJehovha, nokuti anouya kuzotonga pasi, Achatonga nyika zvakarurama, Navanhu nokururama.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 98 SNA2002

Mapisarema 98:7-9 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Gungwa ngaritinhire nazvose zvizeremo, pasi pose navagerepo. Mapopopo ngaaombere maoko, makomo ngaaimbe norufaro pamwechete. Ngaaimbe pana TENZI nokuti ari kuuya kuzotonga nyika. Achatonga pasi pose noururami uye achatonga vanhu noruenzaniso.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 98 SCLBD

Mapisarema 98:7-9 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Guŋgwa ŋgaritinhire neɀose ɀiri mukati maro; Nenyika, naʋanogara’mo. Nzizi ŋgadziʋucire; Namakomo ŋgaaimbe pamŋe cete nomufaro; Pamberi paJehova, nokuti unoʋuya kuzotoŋga pasi, Ucatoŋga nyika ɀakarurama, Naʋanhu nokururama.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 98 SUB1949

Mapisarema 98:7-9 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Gungwa ngaritinhire nazvose zvizeremo, pasi pose navagerepo. Mapopopo ngaaombere maoko, makomo ngaaimbe norufaro pamwechete. Ngaaimbe pana TENZI nokuti ari kuuya kuzotonga nyika. Achatonga pasi pose noururami uye achatonga vanhu noruenzaniso.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 98 SCLB