Mapisarema 96:1-4
Mapisarema 96:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Imbirai Jehovha rwiyo rutsva; imbirai Jehovha, nyika yose. Imbirai Jehovha, rumbidzai zita rake; paridzai ruponeso rwake zuva nezuva. Paridzai kubwinya kwake pakati pendudzi, namabasa ake anoshamisa pakati pamarudzi. Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kurumbidzwa, iye anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose.
Mapisarema 96:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Imbirai Jehovha rwiyo rutsva; Imbirai Jehovha, pasi pose. Imbirai Jehovha, rumbidzai zita rake; Paridzai kuponesa kwake zuva rimwe nerimwe. Dudzirai kubwinya kwake pakati pavahedheni, Mabasa ake, anoshamisa pakati pendudzi dzose. Nokuti Jehovha mukuru, anofanira kurumbidzwa kwazvo; Anofanira kutyiwa kupfuura vamwari vose.
Mapisarema 96:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Imbirai TENZI rwiyo rutsva pasi pose zvapo ngapaimbire TENZI! Imbirai TENZI murumbidze zita rake paridzai ruponeso rwake zuva nezuva. Rondedzerai marudzi avanhu zvembiri yake nokundudzi dzose zvishamiso zvaakaita. Nokuti TENZI mukuru, anofanira kurumbidzwa chaizvo pavamwari vose ndiye anofanira kutyiwa.
Mapisarema 96:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Imbirai Jehova rwiyo rutȿa; Imbirai Jehova, pasi pose. Imbirai Jehova, rumbidzai zita rake; Paridzai kuponesa kwake zuʋa rimŋe nerimŋe. Ƌudzirai kubginya kwake pakati paʋahedeni, Maɓasa ake, anoshamisa pakati pendudzi dzose. Nokuti Jehova mukuru, unofanira kurumbidzwa kwaɀo; Unofanira kutyiwa kupfuʋura ʋamŋari ʋose.
Mapisarema 96:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)