Mapisarema 95:1-5
Mapisarema 95:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uyai, tiimbire Jehovha nomufaro; ngatidanidzirei kuDombo roruponeso rwedu. Ngatisvikei pamberi pake nokuvonga uye timukudze nenziyo. Nokuti Jehovha ndiye Mwari mukuru, Mambo mukuru pamusoro pavamwari vose. Nzvimbo dzakadzika dzapanyika dziri muruoko rwake, uye misoro yamakomo ndeyake. Gungwa nderake, nokuti ndiye akariita, uye maoko ake akaumba nyika yakaoma.
Mapisarema 95:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Uyai, tiimbire Jehovha; Ngatipururudzei dombo rokuponeswa kwedu. Ngatisvike pamberi pake tichivonga, Ngatimupururudzei namapisarema, Nokuti Jehovha ndiMwari mukuru, Mambo mukuru anokunda vamwari vose. Nzvimbo dzakadzika dzapasi dziri muruoko rwake; Misoro yamakomo ndeyakewo. Gungwa nderake, ndiye akariita; Maoko ake akaumba nyika yakaoma.
Mapisarema 95:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Uyai tiimbe tichirumbidza TENZI. Ngatipururudzirei nomufaro dombo ratinopona naro. Ngatiuyei paari tichimutenda ngatimupururudzirei tichimurumbidza nedzimbo. Nokuti TENZI ndiMwari mukuru, uye ndiMambo mukuru ari pamusoro pavanamwari vose. Pasi pakadzamisisa pari mumaoko ake, kunyange nhungamakore dzamakomo ndedzake. Gungwa nderake nokuti ndiye akarisika uye nyika yakaoma, nokuti maoko ake ndiwo akaiumba.
Mapisarema 95:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋuyai, tiimbire Jehova; Ŋgatipururudzei ɗombo rokuponeswa kweɗu. Ŋgatiȿike pamberi pake ticiʋoŋga, Ŋgatimupururudzei namapisarema, Nokuti Jehova ndiMŋari mukuru, Mambo mukuru unokunda ʋamŋari ʋose. Nɀimbo dzakadzika dzapasi dziri muruʋoko rwake; Misoro yamakomo ndeyake ʋo. Guŋgwa nderake, ndiye wakariita; Maʋoko ake akaʋumba nyika yakawoma.
Mapisarema 95:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)