Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 91:1-5 - Enzanisa Shanduro Dzose

Mapisarema 91:1-5 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Uyo anogara panzvimbo yokuvanda yeWokumusoro-soro achazorora mumumvuri weWamasimba Ose. Ndichati pamusoro paJehovha, “Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu, Mwari wangu, wandinovimba naye.” Zvirokwazvo achakuponesa parugombe rwomuteyi napadenda rinouraya. Achakufukidza neminhenga yake, uye uchawana utiziro pasi pamapapiro ake; kutendeka kwake kuchava nhoo yako norusvingo rwako. Haungatyiswi nokuvhundutsa kwousiku, kana museve unopfurwa masikati

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 91 BDSC

Mapisarema 91:1-5 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Uyo agere panzvimbo yokuvanda yoWokumusorosoro Acharambira pamumvuri wowaMasimbaose. Ndichati pamusoro paJehovha, “Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu, Iye Mwari wangu, wandinovimba naye.” Nokuti iye achakurwira parugombe rwomuteyi weshiri, Napahosha inouraya zvikuru. Iye achakufukidza nemhinenga yake, Uchatizira pasi pamapapiro ake; Zvokwadi yake inhoo huru neduku. Haungatyi chinhu chinovhundusa usiku, Kana museve unofurwa masikati

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 91 SNA2002

Mapisarema 91:1-5 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Uyo ugere panɀimbo yokuʋanda yoWokumsoro‐soro Ucarambira pamumvuri woWamasimba‐ose. Ndicati pamsoro paJehova: Ndiye ʋutiziro bgaŋgu nenhare yaŋgu; Iye Mŋari waŋgu, wandinoʋimba naye. Nokuti iye ucakurwira parugombe rwomuteyi weshiri, Napahosha inoʋuraya ɀikuru. Iye ucakufukidza nemhineŋga yake, Ucatizira pasi pamapapiro ake; Ɀokwaɗi yake inhoʋo huru neɗuku. Hauŋgatyi cinhu cinovundusa ʋusiku, Kana museʋe unofurwa masikati

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 91 SUB1949

Mapisarema 91:1-5 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Munhu anogara mudumba roWokumusorosoro, anogara mumumvuri waSamasimbaose, anogona kuti kuna TENZI, “Ndimi diziro rangu nhare.” Nokuti achakununura kumunhu anokuteya zvakaipa uye kudenda rinoparadza. Achakufukidza neminhenga yake uchiwana pokuhwanda mumapapiro ake. Kutendeka kwake inhowo yakatenderedza. Zvinotyisa zvousiku hauzozvitya kana museve unokandwa masikati.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 91 SCLB

Mapisarema 91:1-5 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Munhu anogara mudumba roWokumusorosoro, anogara mumumvuri waSamasimbaose, anogona kuti kuna TENZI, “Ndimi diziro rangu nhare.” Nokuti achakununura kumunhu anokuteya zvakaipa uye kudenda rinoparadza. Achakufukidza neminhenga yake uchiwana pokuhwanda mumapapiro ake. Kutendeka kwake inhowo yakatenderedza. Zvinotyisa zvousiku hauzozvitya kana museve unokandwa masikati.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 91 SCLBD