Mapisarema 9:13-20
Mapisarema 9:13-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haiwa Jehovha, onai kuti vavengi vangu vanonditambudza sei! Ndinzwirei ngoni mundisimudze pamasuo orufu, kuti ndiparidze kurumbidzwa kwenyu mumasuo oMwanasikana weZioni, uye ndigofara muruponeso rwenyu. Ndudzi dzakawira mugomba radzakachera; tsoka dzavo dzakabatwa nemimbure yavakaviga. Jehovha anozivikanwa nokururamisira kwake; vakaipa vakateyiwa namabasa amaoko avo. Higayoni. Sera Vakaipa vanodzokera kuguva, idzo ndudzi dzose dzinokanganwa Mwari. Asi vanoshayiwa havangagari vachikanganwikwa, uye tariro yavanotambudzwa haingaparari. Simukai, Jehovha, munhu ngaarege kukunda; ndudzi ngadzitongwe pamberi penyu. Varovei nokutyisa, imi Jehovha; ndudzi ngadzizive kuti vanongova vanhu zvavo. Sera
Mapisarema 9:13-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndinzwirei tsitsi, Jehovha; Tarirai, kumanikidzwa kwangu navanondivenga, Imi munondisimudza pamisuo yorufu; Kuti ndiparidze kurumbidzwa kwenyu kwose; Pamisuo yomukunda weZioni, Ndichafarira kuponesa kwenyu. Vahedheni vakanyura mugomba ravakachera; Rutsoka rwavo rwakabatwa mumumbure, wavakavanza. Jehovha wakazvizivisa, akatonga; Akaipa wakateyiwa nebasa ramaoko ake. Vakaipa vachadzokera kuSheori, Ivo vahedheni vose, vakakanganwa Mwari. Nokuti anoshaiwa haangakanganikwi nokusingaperi, Nokutarira kwomurombo hakungaperi nokusingaperi. Simukai Jehovha; munhu ngaarege kukunda; Vahedheni ngavatongwe pamberi penyu. Chivatyisai, Jehovha; Vahedheni ngavazive kuti vanongova vanhu.
Mapisarema 9:13-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinzwireiwo tsitsi TENZI. Tarisai muone zvandinotambudzwa nazvo navanondivenga. Imi munonditakanura pamuromo worufu kuti ndiparidze mbiri yenyu uye kuti pamisuo yomukunda, guta reZioni, ndifarire ruponeso rwenyu. Marudzi akawira mugomba ravakazvicherera vakabatwa gumbo mumambure avakaviga ivo pachavo. TENZI anozviratidza agotonga, vakaipa vachiteiwa nezvavanoita namaoko avo. Moimbira pasi, Dzepfunde Vakaipa vachadzokera kunzvimbo yavakafa. Marudzi ose anokanganwa Mwari. Varombo havachakanganwiki nokusingaperi; chitarisiro chavatamburi hachiparari zvachose. Simukai TENZI, musakundwe nomunhu; vechirudzi ngavatongwe pamberi penyu. Vatyisei TENZI, marudzi azive kuti vanongova vanhu. Dzepfunde.
Mapisarema 9:13-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinzwirei tsitsi, Jehova; Tarirai kumanikidzwa kwaŋgu naʋanondiʋeŋga, Imi munondisimudza pamisuʋo yorufu; Kuti ndiparidze kurumbidzwa kwenyu kwose; Pamisuʋo yomukunda weZioni, Ndicafarira kuponesa kwenyu. Ʋahedeni ʋakanyura mugomba raʋakacera; Rutsoka rwaʋo rwakaɓatwa mumumbure, waʋakaʋanza. Jehova wakaɀiziʋisa, wakatoŋga; Wakaipa wakateyiwa neɓasa ramaʋoko ake. Wakaipa ucadzokera kuSheori, Iʋo ʋahedeni ʋose, ʋakakaŋganwa Mŋari. Nokuti unoshaiwa haaŋgakaŋganikwi nokusiŋgaperi, Nokutarira kwomurombo hakuŋgaperi nokusiŋgaperi. Simukai Jehova; munhu ŋgaarege kukunda; Ʋahedeni ŋgaʋatoŋgwe pamberi penyu. Ciʋatyisai, Jehova; Ʋahedeni ŋgaʋaziʋe kuti ʋanoŋgoʋa ʋanhu.
Mapisarema 9:13-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)