Mapisarema 8:3-5
Mapisarema 8:3-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kana ndichifunga nezvamatenga enyu, iro basa reminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi, zvamakarongedza panzvimbo yazvo, munhu chiiko zvamunomufunga, kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye? Makamuita muduku zvishoma pana Mwari, uye mukamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa.
Mapisarema 8:3-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kana ndichicherekedza denga renyu rose, iro basa reminwe yenyu, Mwedzi nenyeredzi zvamakarongedza; Munhu chinyiko, zvamunomufunga? NoMwanakomana womunhu zvamunomushanyira? Nokuti makamuita muduku zvishoma kuna Mwari, Makamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa.
Mapisarema 8:3-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndikati tarisei zvangu kumatenga enyu, amakaita neminwe yenyu, mwedzi nenyenyedzi zvamakaisamo? Ndinoti: “Munhu chiiwo zvake wamunorangarira, iye munhuwo zvake wamunochengeta asi imi makatoita kuti munhu asiye paduku duku kuti ave saMwari. Muchimupa chiremba chembiri norukudzo.
Mapisarema 8:3-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana ndicicerekedza ɗeŋga renyu rose, iro ɓasa reminwe yenyu, Mŋedzi nenyeredzi ɀamakaroŋgedza; Munhu cinyiko, ɀamunomufuŋga? Nomŋanakomana womunhu ɀamunomushanyira? Nokuti makamuita muɗuku ɀishoma kunaMŋari, Makamushoŋgedza korona yokubginya nokukudzwa.
Mapisarema 8:3-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)