Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 74:1-17

Mapisarema 74:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Haiwa Mwari, makatirambireiko nokusingaperi? Kutsamwa kwenyu kwapfungairireiko pamusoro pamakwai anofudzwa nemi? Rangarirai vanhu vamakatenga kare, rudzi rwenhaka yenyu, ivo vamakadzikinura, Gomo reZioni, pamaigara. Dzorai nhambwe dzenyu mutarise matongo asingaperi, kuparadza ikoku kwose kwakauya nomuvengi pamusoro penzvimbo yenyu tsvene. Vavengi venyu vakaomba panzvimbo yamakasangana nesu; vakamisa mireza yavo sechiratidzo. Vakaita savanhu vanosimudza matemo kuti vateme dondo remiti. Vakaputsa zvose zvakavezwa namatemo avo nembezo. Vakapisira pasi nzvimbo yenyu tsvene; vakamhura ugaro hweZita renyu. Vakati mumwoyo yavo, “Tichavaputsa zvachose!” Vakapisa nzvimbo dzose dzokunamatira Mwari munyika. Hatichaoni zviratidzo zvinoshamisa; hakuna muprofita akasara, pakati pedu hapana munhu anoziva kuti zvicharamba zvakadaro kusvikira rini. Haiwa Mwari, muvengi acharamba achikushorai kusvikira riniko? Ko, muvengi acharamba achimhura zita renyu nokusingaperi here? Munodzoserereiko ruoko rwenyu shure, irwo ruoko rwenyu rworudyi? Rubvisei pamupendero wenguo yenyu muvaparadze! Asi imi, iyemi Mwari, ndimi mambo wangu kubva nakare; imi munouyisa ruponeso panyika. Ndimi makaganhura gungwa napakati nesimba renyu; makaputsa misoro yechikara chomumvura. Ndimi makapwanya misoro yaRevhiatani, mukamuita chokudya chezvisikwa zvomugwenga. Ndimi makazarura zvitubu nehova; mukapwisa nzizi dzaigara dzichierera. Zuva nderenyu, uye usiku ndohwenyuwo; makasimbisa zuva nomwedzi. Ndimi makatara miganhu yose yenyika; mukaita zvose zhizha nechando.

Mapisarema 74:1-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Haiwa Mwari, makatirashireiko nokusingaperi? Hasha dzenyu dzinopfungairira makwai amafuro enyu nemhaka yeiko? Rangarirai ungano yenyu yamakatenga kare, Yamakadzikinura kuti ruve rudzi rwenhaka yenyu; Gomo reZioni pamakanga mugere. Simudzai makumbo enyu muone zvakaparadzwa zvisingaperi, Izvo zvakaipa zvose zvakaitwa navavengi panzvimbo tsvene. Vadzivisi venyu vakanduruma pakati peungano yenyu; Vakamisa mireza yavo zvive zviratidzo. Vakafanana navanhu vakasimudza Masanhu mudondo remiti. Zvino zvose zvakavezwa zvayo Vanozviputsa nedimuro nenyundo. Vakapisa nzvimbo yenyu tsvene nomoto; Vakashatisa ugaro hwezita renyu vachihuputsira pasi. Vakati mumwoyo mavo, “Ngativaparadze pamwechete;” Vakapisa nzvimbo dzose pavanounganira Mwari munyika. Hatichaoni zviratidzo zvedu; Hapachina muporofita; Pakati pedu hapana munhu anoziva kuti zvichasvikira rini. Haiwa Mwari, mudzivisi, achashora kusvikira riniko? Muvengi acharamba achizvidza zita renyu nokusingaperi here? Munodzosereiko ruoko rwenyu, irwo ruoko rwenyu rworudyi? Rutambanudzei pachipfuva chenyu, muvapedze. Kunyange zvakadaro Mwari ndiye Mambo wangu kubva kare, Iye anobata mabasa okuponesa pakati penyika. Makapamura gungwa nesimba renyu; Makaputsa misoro yezvikara zvegungwa mumvura. Makaputsanya misoro yengwena, Makaipa vanhu vagere murenje kuti ive nyama yavo. Makapamura tsime neboporodzi; Makapwisa nzizi huru. Masikati ndeenyu, nousiku ndohwenyuwo; Ndimi makagadzira chiedza nezuva. Ndimi makatara miganho yose yapasi; Ndimi makaita zhizha nechando.

Mapisarema 74:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mwari makatirasireiko zvachose munovirukirireiko nehasha hwai dzedanga renyu? Yeukai sangano renyu ramakazviwanira pasi chigare, ramakanunura kuti rive rudzi rwenhaka yenyu. Yeukai gomo reZioni ramakombogara. Simudzai tsoka mumbofambafamba kumatongo okugara nokugara; muvengi akaparadza zvose munzvimbo inoera. Vavengi venyu vakadzvova mukati menzvimbo yenyu yokusanganira, vakamisa mireza yavo sechiratidzo. Vaiita savanhu vanovheyesa matemo, vari kutema mujokochwa remiti namatemo. Vakapwanya mapuranga ose ane zvivezwa vakazvipwanya namatemo nenyundo. Vakapisa nomoto nzvimbo yenyu inoera vakan'oresa nzvimbo inogara zita renyu. Vakazviti nechomumwoyo tichanyatsovakurira, vakapisa munyika nzvimbo dzose dzaMwari dzokunamatira. Hatichambooni zvishamiso zvedu; hatichina muporofita. Hapana anoziva kuti zvichatora nguva yakadii. Muvengi achadada kusvikira rini nhai Mwari? Mhandu yenyu ichatsvinyira zita renyu narini here? Ko munorambireiko kutambanudza ruoko rwenyu? Munorambirei makagumbata ruoko rwenyu rworudyi. Asi Mwari Mambo wangu ndewopasichigare, ndimi munonunura mukati menyika. Makaganhura gungwa nesimba renyu mukadimbura misoro yezigaranyanya mumvura. Makapwanya misoro wengwena; makaipa sechokudya kuzvikara zvomurenje. Makatubura zvisipiti netukova, makapwisa hova dzisingapwi. Masikati ndeenyu nousiku ndohwenyu. Ndimi makaisa mavheneko nezuva. Makaisa miganho yenyika, ndimi makaisa zhizha nechirimo.

Mapisarema 74:1-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Haiwa Mŋari, makatirashireiko nokusiŋgaperi? Hasha dzenyu dzinopfuŋgairira makwai amafuro enyu nemhaka yeiko? Raŋgarirai ʋuŋgano yenyu yamakateŋga kare, Yamakadzikinura kuti ruʋe rudzi rwenhaka yenyu; Gomo reZioni pamakaŋga mugere. Simudzai makumbo enyu muʋone ɀakaparadzwa ɀisiŋgaperi, Iɀo ɀakaipa ɀose ɀakaitwa naʋaʋeŋgi panɀimbo tȿene. Ʋadziʋisi ʋenyu ʋakanduruma pakati peʋuŋgano yenyu; Ʋakamisa mireza yaʋo ɀiʋe ɀiratidzo. Ʋakafanana naʋanhu ʋakasimudza Masanhu muɗondo remiti. Ɀino ɀose ɀakaʋezwa ɀayo Ʋanoɀiputsa neɗimuro nenyundo. Ʋakapisa nɀimbo yenyu tȿene nomŋoto; Ʋakashatisa ʋugaro bgezita renyu ʋaciʋuputsira pasi. Ʋakati mumŋoyo maʋo: Ŋgatiʋaparadze pamŋe cete; Ʋakapisa nɀimbo dzose paʋanoʋuŋganira Mŋari munyika. Haticaʋoni ɀiratidzo ɀeɗu; Hapacino‐muprofita; Pakati peɗu hapanomunhu unoziʋa kuti ɀicaȿikira rini. Haiwa Mŋari, mudziʋisi ucashoʋora kuȿikira riniko? Muʋeŋgi ucaramba aciɀidza zita renyu nokusiŋgaperi here? Munodzosereiko ruʋoko rwenyu, irwo ruʋoko rwenyu rworudyi? Rutambanudzei pacifuʋa cenyu, muʋapedze. Kunyaŋge ɀakaɗaro Mŋari ndiye Mambo waŋgu kubva kare, Iye unoɓata maɓasa okuponesa pakati penyika. Makapamura guŋgwa nesimba renyu; Makaputsa misoro yeɀikara ɀeguŋgwa mumvura. Makaputsanya misoro yeŋgwena, Makaipa ʋanhu ʋagere murenje kuti iʋe nyama yaʋo. Makapamura tsime neɓoporodzi; Makapxisa nzizi huru. Masikati ndeenyu, noʋusiku ndobgenyu ʋo; Ndimi makagadzira ciedza nezuʋa. Ndimi makatara miganho yose yapasi; Ndimi makaita zhezha necando.

Mapisarema 74:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)