Mapisarema 67:1-7
Mapisarema 67:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwari ngaatinzwire tsitsi atiropafadze, uye apenyese chiso chake pamusoro pedu, Sera kuti nzira dzenyu dzizivikanwe panyika, ruponeso rwenyu pakati pendudzi dzose. Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei. Ndudzi ngadzifare uye dziimbe nomufaro, nokuti munotonga marudzi nokururamisira, uye munotungamirira ndudzi dzenyika. Sera Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei. Ipapo nyika ichabereka mukohwo wayo, uye Mwari, Mwari wedu, achatiropafadza. Mwari achatiropafadza, uye migumo yose yepasi ichamutya.
Mapisarema 67:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwari ngaatinzwire tsitsi, atiropafadze, Ngaativhenekere nechiso chake; Kuti nzira yenyu izikanwe pasi, Nokuponesa kwenyu pakati pendudzi dzose. Vanhu ngavakuvongei, Mwari; Vanhu vose ngavakuvongei. Ndudzi ngadzifare, ngadziimbe nomufaro; Nokuti muchatonga vanhu nokururama, Muchafambisa ndudzi pasi. Vanhu ngavakuvongei Mwari; Vanhu vose ngavakuvongei. Pasi pakabereka zvibereko zvapo; Mwari, iye Mwari wedu, achatiropafadza. Mwari achatiropafadza; Nemigumo yose yapasi ichamutya.
Mapisarema 67:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari ngaatinzwire nyasha atikomborere apenyese uso hwake patiri. Dzepfunde Kuti nzira yenyu izivikanwe pasi. Marudzi ose avanhu azive simba renyu rokuponesa. Vanhu ngavakurumbidzei Mwari; vanhu vose ngavakurumbidzei. Marudzi ose ngaafare aimbe norufaro; nokuti munotonga vanhu noruenzaniso muchitungamirira marudzi avanhu panyika. Dzepfunde. Vanhu ngavakurumbidzei Mwari; vanhu vose ngavakurumbidzei. Nyika yakabereka mukoho wayo Mwari, Mwari wedu atikomborera. Mwari atikomborera; ngaatyiwe kusvikira kose kwakagumira nyika.
Mapisarema 67:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋari ŋgaatinzwire tsitsi, atiropafadze, Ŋgaativenekere neciso cake; Kuti nzira yenyu izikanwe pasi, Nokuponesa kwenyu pakati pendudzi dzose. Ʋanhu ŋgaʋakuʋoŋgei, Mŋari; Ʋanhu ʋose ŋgaʋakuʋoŋgei. Ndudzi ŋgadzifare, ŋgadziimbe nomufaro; Nokuti mucatoŋga ʋanhu nokururama, Mucafambisa ndudzi pasi. Ʋanhu ŋgaʋakuʋoŋgei, Mŋari; Ʋanhu ʋose ŋgaʋakuʋoŋgei. Pasi pakaɓereka ɀiɓereko ɀapo; Mŋari, iye Mŋari weɗu, ucatiropafadza. Mŋari ucatiropafadza; Nemigumo yose yapasi icamutya.
Mapisarema 67:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)