Mapisarema 65:9-13 - Compare All Versions
Mapisarema 65:9-13 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mune hanya nenyika uye munoidiridza; munoipfumisa kwazvo. Hova dzaMwari dzizere nemvura kuti dzivigire vanhu zviyo, nokuti saizvozvo ndimi makazvirayira. Munozadza mihoronga yacho nemvura, uye munoenzanisa mihomba yacho; munoinyorovesa nemvura inopfunha munoropafadza zvibereko zvayo. Munoshongedza gore nekorona yezvakawanda zvenyu, uye ngoro dzenyu dzinopfachukira nezvakawanda. Uswa hwomurenje hwopfachukira; zvikomo zvakafukidzwa nomufaro. Mafuro azara namapoka emakwai, uye mipata yafukidzwa nezviyo; zvinodanidzira nomufaro uye zvinoimba.
Mapisarema 65:9-13 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Munoshanyira pasi, munopadiridza, Munopafumisa kwazvo; Rwizi rwaMwari ruzere nemvura; Munovagadzirira zviyo, kana magadzira pasi saizvozvo. Munozadza mihoronga yapo kwazvo; Munoenzanisa mipanje yapo; Munopanyorovesa nemvura inopfunha; Munoropafadza zvinomera zvapo. Munoshongedza mwaka nekorona younaki hwenyu; Makwara enyu anodonha mafuta. Anodonha pamafuro erenje; Zvikomo zvinozvisunga nomufaro. Mafuro akafukidzwa namapoka ezvipfuwo; Uye mipatawo yakafukidzwa nezviyo; Zvinopururudza, zvichiimbawo.
Mapisarema 65:9-13 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Munoshanyira pasi, munopaɗiridza, Munopafumisa kwaɀo; Rwizi rwaMŋari ruzere nemvura; Munoʋagadzirira ɀiyo, kana magadzira pasi saiɀoɀo. Munozadza mihoroŋga yapo kwaɀo; Munoenzanisa mipanje yapo; Munopanyoroʋesa nemvura inopfunha; Munoropafadza ɀinomera ɀapo. Munoshoŋgedza mŋaka nekorona yoʋunaki bgenyu; Makwara enyu anoɗonha mafuta. Anoɗonha pamafuro erenje; Ɀikomo ɀinoɀisuŋga nomufaro. Mafuro akafukidzwa namapoka eɀipfuwo; Ʋuye mipata ʋo yakafukidzwa neɀiyo; Ɀinopururudza, ɀiciimba ʋo.
Mapisarema 65:9-13 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munoshanyira nyika muchiidiridza, munoipfumisa zvikuru. Rukova rwaMwari ruzere mvura ndimi munopa vanhu mbesa dzavo ndiwo marongero amakazviita. Munozadza mihoronga yayo nemvura zhinji nokusimbisisa mihomba yayo muchinyorovesa nokunaya kwayo nokukomborera zvinomera mairi. Munopedzisa gore nomukoho wakawanda. Panofamba ngoro dzenyu pachidonha mafuta. Mafuro omusango anenge achiyerera zvikomo zvinenge zvazara rufaro. Mafuro atekeshera nezvipfuwo, mapani azara nembesanwa. Zvinopembera nokuimba pamwechete norufaro.
Mapisarema 65:9-13 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)