Mapisarema 62:5-12
Mapisarema 62:5-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Iwe mweya wangu, zviwanire zororo muna Mwari oga; tariro yangu inobva kwaari. Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu; ndiye nhare yangu, handingazungunuswi. Ruponeso rwangu nokukudzwa kwangu zvinobva kuna Mwari; ndiye dombo rangu guru, noutiziro hwangu. Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu; dururai mwoyo yenyu kwaari, nokuti Mwari ndiye utiziro hwedu. Sera Vanhu vasina maturo vanongova mweya zvawo, asi vanokudzwa inhema bedzi; kana vakayerwa havaremi, havasi chinhu; vose pamwe chete vanongova mweya. Regai kuvimba noupambi kana kuzvikudza nezvinhu zvokuba; kunyange pfuma yenyu ichiwanda, regai kuisa mwoyo yenyu pairi. Chinhu chimwe chakataurwa naMwari, zvinhu zviviri zvandakanzwa: Kuti imi, iyemi Mwari, mune simba, uye kuti imi, iyemi Ishe, mune rudo. Zvirokwazvo muchapa mubayiro kumunhu mumwe nomumwe maererano nezvaakaita.
Mapisarema 62:5-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mweya wangu, rindira Mwari zvirokwazvo; Nokuti ndinomutarira iye. Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu; Ndiye shongwe yangu yakakwirira; handingazununguswi. Kuna Mwari ndiko kunokuponeswa kwangu nokukudzwa kwangu; Dombo resimba rangu noutiziro hwangu zviri kuna Mwari. Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu; Dururai mwoyo yenyu pamberi pake; Mwari ndiye utiziro hwedu. Zvirokwazvo vanhu vasingakudzwi mweya chete, uye vanhu vanokudzwa inhema; Pakuyerwa havaremi; Vose pamwechete vakareruka kupfuura mweya. Regai kuvimba nokumanikidza, Regai kuzvikudza pamusoro pokupambara; Kana pfuma ichiwanda, regai kuinamatira nomwoyo. Mwari akataura kamwechete, Ndakazvinzwa kaviri; Kuti simba nderaMwari; Netsitsiwo ndedzenyu, Ishe; Nokuti munoitira munhu mumwe nomumwe sezvaakabata.
Mapisarema 62:5-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ini ndinomirira zvangu Mwari ndakanyarara nokuti ndinotarisira kwaari. Iye chete ndiye dombo rangu noruponeso rwangu ndiye nhare yangu yokuzvidzivirira nayo muhondo handimbozungunutswa. Ruponeso rwangu nokuremekedzwa kwangu zvinobva kuna Mwari Mwari ndiye dombo rangu rakasimba nediziro rangu. Vimbai naye nguva dzose imi vanhu, turirai kwaari zvose zviri mumwoyo menyu Mwari ndiye diziro redu. Dzepfunde Voruzhinji vakangoita sefemo zvaro; vanhu vopamusoro imhute hapana zvavari, vakaiswa pachikero chinosimuka; vanotokundwa kurema nefemo zvaro. Musavimbe nokuita zvokumanikidza vanhu kana kutarisira kuwana zvinhu nokupamba. Kunyange upfumi hukawanda zvahwo, usaise mwoyo wako mahuri. Mwari akataura ndakamunzwa kaviri kaviri achiti, “Muridzi woukuru ndiMwari.” Uye kuti imi TENZI ndimi mune mwoyochena nokuti munopa munhu maererano nezviito zvake.
Mapisarema 62:5-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋeya waŋgu, rindira Mŋari ɀirokwaɀo; Nokuti ndinomutarira iye. Ndiye woga ɗombo raŋgu noruponeso rwaŋgu; Ndiye shoŋgwe yaŋgu yakakwirira; handiŋgazunuŋguswi. KunaMŋari ndiko kunokuponeswa kwaŋgu nokukudzwa kwaŋgu; Ƌombo resimba raŋgu noʋutiziro bgaŋgu ɀiri kunaMŋari. Ʋimbai naye ŋguʋa dzose, imi ʋanhu; Ƌururai mŋoyo yenyu pamberi pake; Mŋari ndiye ʋutiziro bgeɗu. Ɀirokwaɀo ʋanhu ʋasiŋgakudzwi mŋeya cete, ʋuye ʋanhu ʋanokudzwa inhema; Pakuyerwa haʋaremi; Ʋose pamŋe cete ʋakareruka kupfuʋura mŋeya. Regai kuʋimba nokumanikidza, Regai kuɀikudza pamsoro pokupambara; Kana fuma iciwanda, regai kuinamatira nomŋoyo. Mŋari wakataura kamŋe cete, Ndakaɀinzwa kaʋiri; Kuti simba nderaMŋari; Netsitsi ʋo ndedzenyu, Ishe; Nokuti munoitira munhu mumŋe nomumŋe seɀaakaɓata.
Mapisarema 62:5-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)