Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 6:1-10 - Compare All Versions

Mapisarema 6:1-10 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Haiwa Jehovha, regai kundirayira mukutsamwa kwenyu, kana kundiranga muhasha dzenyu. Ndinzwirei ngoni, Jehovha, nokuti ndava kuziya; haiwa Jehovha, ndiporesei, nokuti mapfupa angu ava kurwadza. Mweya wangu uri kurwadziwa. Haiwa Jehovha, kusvikira riniko, kusvikira riniko? Dzokai, imi Jehovha, mugondirwira; ndiponesei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi. Hakuna anokurangarirai kana afa. Ndiani anokurumbidzai kubva muguva? Ndaneta nokugomera; ndinonyorovesa mubhedha wangu nemisodzi ndichichema usiku hwose, ndinonyorovesa uvato hwangu nemisodzi. Meso angu aneta nokuchema; haachaoni nokuda kwavavengi vangu vose. Ibvai pandiri, imi mose munoita zvakaipa, nokuti Jehovha anzwa kuchema kwangu. Jehovha anzwa kukumbira kwangu nyasha; Jehovha anogamuchira munyengetero wangu. Vavengi vangu vose vachanyadziswa uye vachavhundutswa; vachadzokera shure pakarepo mukunyadziswa.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 6 BDSC

Mapisarema 6:1-10 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Haiwa Jehovha, regai kundiraira pakutsamwa kwenyu, Musandirova nokusafara kwenyu kukuru. Ndinzwirei nyasha, Jehovha; nokuti ndaonda; Ndiporesei, Jehovha; nokuti mapfupa angu anotambudzika. Mweya wangu unotambudzikawo zvikuru; Asi imi Jehovha, muchanonoka kusvikira riniko? Dzokai Jehovha, murwire mweya wangu; Ndiponesei nokuda kwounyoro hwenyu. Nokuti parufu hapana achakurangarirai; Ndiani achakuvongai paSheori? Ndaneta nokugomba kwangu; Usiku humwe nohumwe ndinoshambirisa nhoo dzangu; Ndinonyorodza mubhedha wangu nemisodzi yangu. Ziso rangu rapera nokuchema, Rinosakara nokuda kwavadzivisi vangu. Ibvai kwandiri, imi vabati vose vezvakaipa; Nokuti Jehovha akanzwa izwi rokuchema kwangu. Jehovha akanzwa kukumbira kwangu; Jehovha achagamuchira munyengetero wangu. Vavengi vangu vose vachanyadzwa nokutambudzika zvikuru; Vachadzoka, vachanyadzwa pakarepo.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 6 SNA2002

Mapisarema 6:1-10 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

TENZI musanditsiure muine hasha, kana kundiranga makashatirwa. Ndiitireiwo tsiye nyoro, TENZI nokuti ndapera simba TENZI, ndirapeiwo nokuti mapfupa angu apera basa. Mweya wanguwo wapinda nhamo; asi nhai, TENZI, kusvikira rini chaizvo? Dzokai TENZI mundiponese. Ndinunurei pamusana pemwoyochena wenyu. Nokuti kana munhu afa haakuyeukei; ndiani angakurumbidzei munzvimbo yavakafa. Ndaneta nokuchema, usiku hoga hoga, ndinonyorovesa mubhedha wangu nemisodzi yangu. Ndinonyorovesa uvato hwangu nokuchema kwangu. Maziso angu arezuka nokurwadziwa mwoyo; anoshaya simba pamusana pemhandu dzangu dzose. Ibvai kwandiri imi vaiti vezvakaipa nokuti TENZI akanzwa izwi rokuhwihwidza kwangu. TENZI akanzwa chichemo changu. TENZI akagamuchira munamto wangu. Vavengi vangu vose vachanyara vagotambudzwa zvinorwadza? Vachadzoka vagonyadziswa pakarepo.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 6 SCLBD

Mapisarema 6:1-10 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Haiwa Jehova, regai kundiraira pakutsamŋa kwenyu, Musandiroʋa nokusafara kwenyu kukuru. Ndinzwirei nyasha, Jehova; nokuti ndawonda; Ndiporisei, Jehova; nokuti mafupa aŋgu anotambudzika. Mŋeya waŋgu unotambudzika ʋo ɀikuru; Asi imi Jehova, mucanonoka kuȿikira riniko? Dzokai Jehova, murwire mŋeya waŋgu; Ndiponesei nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu. Nokuti parufu hapana‐ucakuraŋgarirai; Ndiani ucakuʋoŋgai paSheori? Ndaneta nokugomba kwaŋgu; Ʋusiku ʋumŋe noʋumŋe ndinoshambirisa nhoʋo dzaŋgu; Ndinonyoroɀa mubeda waŋgu nemisodzi yaŋgu. Ziso raŋgu rapera nokucema, Rinosakara nokuɗa kwaʋadziʋisi ʋaŋgu. Ibvai kwandiri, imi ʋaɓati ʋose ʋeɀakaipa; Nokuti Jehova wakanzwa inzwi rokucema kwaŋgu. Jehova wakanzwa kukumbira kwaŋgu; Jehova ucagamucira munyeŋgetero waŋgu. Ʋaʋeŋgi ʋaŋgu ʋose ʋacanyadzwa nokutambudzika ɀikuru; Ʋacadzoka, ʋacanyadzwa pakarepo.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 6 SUB1949

Mapisarema 6:1-10 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

TENZI musanditsiure muine hasha, kana kundiranga makashatirwa. Ndiitireiwo tsiye nyoro, TENZI nokuti ndapera simba TENZI, ndirapeiwo nokuti mapfupa angu apera basa. Mweya wanguwo wapinda nhamo; asi nhai, TENZI, kusvikira rini chaizvo? Dzokai TENZI mundiponese. Ndinunurei pamusana pemwoyochena wenyu. Nokuti kana munhu afa haakuyeukei; ndiani angakurumbidzei munzvimbo yavakafa. Ndaneta nokuchema, usiku hoga hoga, ndinonyorovesa mubhedha wangu nemisodzi yangu. Ndinonyorovesa uvato hwangu nokuchema kwangu. Maziso angu arezuka nokurwadziwa mwoyo; anoshaya simba pamusana pemhandu dzangu dzose. Ibvai kwandiri imi vaiti vezvakaipa nokuti TENZI akanzwa izwi rokuhwihwidza kwangu. TENZI akanzwa chichemo changu. TENZI akagamuchira munamto wangu. Vavengi vangu vose vachanyara vagotambudzwa zvinorwadza? Vachadzoka vagonyadziswa pakarepo.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 6 SCLB