Mapisarema 59:1-17
Mapisarema 59:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndirwirei pavavengi vangu, imi Mwari; Ndidzivirirei kubva kuna avo vanondimukira. Ndirwirei pavaiti vezvakaipa, uye mundiponese pavanhu vanokarira kuteura ropa. Tarirai kundivandira kwavakaita! Vanhu vanotyisa vanondirangana pasina mhosva yandapara kana chivi, nhai Jehovha. Handina chandakakanganisa, asi ivo vagadzirira kundirwisa. Simukai mundibatsire; tarirai dambudziko rangu! Haiwa Jehovha, Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, mukai murange ndudzi dzose; musanzwira ngoni vakaipa navapanduki. Sera Vanodzoka madekwana, vachihonʼa sembwa, uye vachinyahwaira muguta. Onai zvavanorutsa mumiromo yavo: vanorutsa minondo kubva pamiromo yavo, uye vanoti, “Ndiani angatinzwa?” Asi imi, iyemi Jehovha, munovaseka; munodadira ndudzi dzose. Haiwa imi simba rangu, ndinokurindirai; imi, iyemi Mwari, ndimi nhare yangu, Mwari anondida achanditungamirira uye achanditendera kuti ndifare pamusoro pavanondireva. Asi musavauraya, imi Ishe nhoo yedu, zvimwe vanhu vangu vangakanganwa. Musimba renyu itai kuti vadzungaire, uye muvaderedze. Nokuda kwezvivi zvemiromo yavo, nokuda kwamashoko emiromo yavo, ngavabatwe pakuzvikudza kwavo. Nokuda kwokutuka nenhema dzavanotaura, vaparadzei nehasha dzenyu, vaparadzei kusvikira vapera. Ipapo zvichazivikanwa kumigumo yenyika kuti Mwari anotonga pamusoro paJakobho. Sera Vanodzoka madekwana, vachihonʼa sembwa, uye vachinyahwaira muguta. Vanodzungaira vachitsvaka zvokudya, uye vanohuhudza kana vasina kuguta. Asi ini ndichaimba nezvesimba renyu, ndichaimba nezvorudo rwenyu mangwanani; nokuti imi muri nhare yangu, utiziro hwangu panguva dzokutambudzika. Haiwa imi simba rangu, ndinokuimbirai nziyo dzokukurumbidzai; imi, Mwari, ndimi nhare yangu, Mwari anondida.
Mapisarema 59:1-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndirwirei pavavengi vangu, Mwari wangu; Ndiisei pakakwirira kure navanondimukira. Ndirwirei pavaiti vezvakaipa, Ndiponesei pavanhu veropa. Nokuti tarirai, vanovandira mweya wangu; Vane simba vakaungana kuzorwa neni; Hakuzi nokuda kwokudarika kwangu kana kwezvivi zvangu, Jehovha. Vanomhanya nokuzvigadzira, ini ndisina mhosva hangu; Mukai mundibatsire, muone. Iyemi Jehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri, Mukai mushanyire vahedheni vose; Musanzwira tsitsi mudariki upi noupi akaipa. Vanodzoka madekwana, vanoudza sembwa, Vanopota neguta. Tarirai, vanodzvova nemiromo yavo; Minondo iri pamiromo yavo; Nokuti vanoti, “Ndianiko anganzwa?” Asi imi Jehovha muchavaseka; Muchadadira vahedheni vose. Imi simba rangu, ndichakumirirai; Nokuti Mwari ndiye nhare yangu yakakwirira. Mwari wangu achandichingura netsitsi dzake; Mwari achandionesa kukundwa kwavavengi vangu. Musavauraya, kuti vanhu vangu varege kukanganwa; Muvaparadzire nesimba renyu, muvawisire pasi, Ishe nhoo yedu. Nokuda kwechivi chomuromo wavo, namashoko emiromo yavo, Ngavabatwe pakuzvikudza kwavo, Uye nokuda kwokutuka nenhema dzavanotaura. Vapedzei nehasha, vapedzei, varege kuzovapo; Ngavazive kuti Mwari anobata ushe pakati paJakobho, Kusvikira kumigumo yenyika. Panguva yamadekwana ngavadzoke, ngavaudze sembwa, Ngavapote-pote neguta. Vachadzungaira vachitsvaka zvokudya, Vachagara usiku hwose kana vasingaguti. Asi ini ndichaimba ndichireva simba renyu; Zvirokwazvo ndicharumbidza tsitsi dzenyu mangwanani; Nokuti makanga muri nhare yangu yakakwirira, Noutiziro hwangu pazuva rokutambudzika kwangu. Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza, imi simba rangu; Nokuti Mwari ndiye nhare yangu yakakwirira, iye Mwari anondinzwira tsitsi.
Mapisarema 59:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinunureiwo Mwari kuvavengi vangu. Ndidzivirireiwo kune vari kundimukira. Ndinunureiwo kuvaiti vezvakaipa, ndiponeseiwo kuvanhu vanofarira kudeura ropa. Nokuti tarisai muone vanondihwandira vachida kundiuraya. Varume vanotyisa vanoita chirwirangwe kundirwisa pasina kukanganisa kana kutadza kwandaita, TENZI. Pasina mhosva yandaita vanomhanya kundogadzirira. Simukai muuye kuzondibatsira, muone zvenyu. Imi TENZI Mwari wehondo nehondo ndimi Mwari weIsiraeri. Simukai murange marudzi ose; musararamise kana mumwechete waavo vanoita bangano rakaipa. Dzepfunde. Manheru oga oga vanodzoka vachihuhudza sembwa vachipota naro guta. Ipapo vachihon'a nemiromo yavo vaina mazwi anobaya mwoyo pamiromo yavo nokuti vanoti, “Ndiani angatinzwe.” Asi imi TENZI munovaseka zvenyu munoshora vechirudzi vose. Imi, simba rangu, ndinotarisa kwamuri nokuti imi Mwari ndimi nhare yandinozvidzivirira nayo muhondo. Mwari, nemwoyochena wake, achandichingura. Mwari wangu achaita kuti nditarise vavengi vangu vakundwa. Regai kubva mavauraya vanhu vokwangu vangakanganwe; vadzungaidzei nesimba renyu mozovawisira pasi, TENZI, nhowo yedu. Pamusana pechitadzo chemiromo yavo chavakataura nemiromo yavo, ngavakachikirwe nokuzvikudza kwavo nokuda kwokurengerera kwavo vamwe rushambwa nokureva nhema kwavanoita, vaparadzei nehasha; vaparadzei zvokusazovapozve kuti vanhu vazive kuti Mwari ndiye anotonga vokwaJakobho kusvikira kwakagumira nyika. Dzepfunde. Manheru oga oga vanodzoka vohuhudza sembwa vachipota naro guta vanodzengerera vachitsvaka chokudya vachihon'a kana vasina kuguta. Asi ini ndinoimba ndichirumbidza simba renyu. Ndichaimba ndichidaidzira ndichirumbidza mwoyochena wenyu mangwanani nokuti imi ndimi manga muri nhare yandinozvidzivirira nayo muhondo uye diziro rangu panguva yenhamo. Imi simba rangu ndichaimba ndichikurumbidzai nokuti imi Mwari ndimi nhare yandinozvidzivirira navo muhondo. Mwari anondiitira mwoyochena.
Mapisarema 59:1-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndirwirei paʋaʋeŋgi ʋaŋgu, Mŋari waŋgu; Ndiisei pakakwirira kure naʋanondimukira. Ndirwirei paʋaiti ʋeɀakaipa, Ndiponesei paʋanhu ʋeropa. Nokuti tarirai, ʋanoʋandira mŋeya waŋgu; Ʋanesimba ʋakaʋuŋgana kuzorwa neni; Hakuzi nokuɗa kwokuɗarika kwaŋgu kana kweɀiʋi ɀaŋgu, Jehova. Ʋanomhanya nokuɀigadzira, ini ndisinemhoȿa haŋgu; Mukai mundiɓatsire, muʋone. Iyemi Jehova, Mŋari wehondo, Mŋari waIsraeri, Mukai mushanyire ʋahedeni ʋose; Musanzwira tsitsi muɗariki upi noupi wakaipa. Ʋanodzoka maɗekwana, ʋanowudza sembga, Ʋanopota neguta. Tarirai, ʋanodɀoʋa nemiromo yaʋo; Minondo iri pamiromo yaʋo; Nokuti ʋanoti: Ndianiko uŋganzwa? Asi imi Jehova mucaʋaseka; Mucaɗaɗira ʋahedeni ʋose. Imi simba raŋgu, ndicakumirirai; Nokuti Mŋari ndiye nhare yaŋgu yakakwirira. Mŋari waŋgu ucandiciŋgura netsitsi dzake; Mŋari ucandiʋonesa kukundwa kwaʋaʋeŋgi ʋangu. Musaʋaʋuraya, kuti ʋanhu ʋaŋgu ʋarege kukaŋganwa; Muʋaparadzire nesimba renyu, muʋawisire pasi, Ishe nhoʋo yeɗu. Nokuɗa kweciʋi comuromo waʋo, namashoko emiromo yaʋo, Ŋgaʋaɓatwe pakuɀikudza kwaʋo, Ʋuye nokuɗa kwokutuka nenhema dzaʋanotaura. Ʋapedzei nehasha, ʋapedzei, ʋarege kuzoʋa’po; Ŋgaʋaziʋe kuti Mŋari unoɓata ʋushe pakati paJakobo, Kuȿikira kumigumo yenyika. Paŋguʋa yamaɗekwana ŋgaʋadzoke, ŋgaʋawudze sembga, Ŋgaʋapota‐pote neguta. Ʋacadzuŋgaira ʋacitȿaka ɀokudya, Ʋacagara ʋusiku bgose kana ʋasiŋgaguti. Asi ini ndicaimba ndicireʋa simba renyu; Ɀirokwaɀo ndicarumbidza tsitsi dzenyu maŋgwanani; Nokuti makaŋga muri nhare yaŋgu yakakwirira, Noʋutiziro bgaŋgu pazuʋa rokutambudzika kwaŋgu. Ndicakuimbirai nziyo dzokurumbidza, imi simba raŋgu; Nokuti Mŋari ndiye nhare yaŋgu yakakwirira, iye Mŋari unondinzwira tsitsi.
Mapisarema 59:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)