Mapisarema 53:1-3
Mapisarema 53:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Benzi rinoti mumwoyo maro, “Mwari hakuna.” Vakaora, uye nzira dzavo dzakaipa; hakuna anoita zvakanaka. Mwari anotarira ari kudenga, pavanakomana vavanhu, kuti aone kana aripo anonzwisisa, kana aripo anotsvaka Mwari. Mumwe nomumwe wavo akadzokera shure, vakava vakaora pamwe chete; hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwe.
Mapisarema 53:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Benzi rakati mumwoyo maro, “Mwari hakuna.” Vakaora, vakaita zvakaipa zvinonyangadza; Hakuna anoita zvakanaka. Mwari, ari kudenga, wakatarira pasi kuvana vavanhu, Kuti aone kana akachenjera aripo, Anotsvaka Mwari. Mumwe nomumwe wavo akadzokera shure; vakasvibiswa pamwechete; Hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwe.
Mapisarema 53:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Benzi rinoti nechomumwoyo, “Hakuna Mwari.” Vane tsika dzakaora vanoita zvakaipa zvinosemesa; hapana anoita zvakanaka. Mwari ari kudenga akatarisa pasi kuvanhu kuti aone kana pana vanoita zvine ungwaru. Vanotsvaka Mwari, vose vakatsauka, vose vakangofanana, vane tsika dzakaora. Hapana anoita zvakanaka kana mumwechete zvake.
Mapisarema 53:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ƃenzi rakati mumŋoyo maro: Mŋari hakuna. Ʋakaʋora, ʋakaita ɀakaipa ɀinonyaŋgadza; Hakuna‐unoita ɀakanaka. Mŋari, ari kuɗeŋga, wakatarira pasi kuʋana ʋaʋanhu, Kuti aʋone kana wakacenjera ari’po, Unotȿaka Mŋari. Mumŋe nomumŋe waʋo wakadzokera shure; ʋakaȿiɓiswa pamŋe cete; Hakuna‐unoita ɀakanaka, kunyaŋge nomumŋe.
Mapisarema 53:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)