Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 51:9-13 - Compare All Versions

Mapisarema 51:9-13 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Vanzai chiso chenyu pazvivi zvangu uye mudzime zvakaipa zvangu zvose. Sikai mukati mangu mwoyo wakachena, imi Mwari, uye muvandudze mweya wakarurama mukati mangu. Regai kundirasa pamberi penyu kana kubvisa Mweya wenyu Mutsvene kwandiri. Dzoreraizve kwandiri mufaro woruponeso rwenyu, uye mundipe mweya unoda, kuti undiraramise. Ipapo ndichadzidzisa vadariki nzira dzenyu, uye vatadzi vachatendeukira kwamuri.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 51 BDSC

Mapisarema 51:9-13 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Vanzirai zvivi zvangu chiso chenyu, Dzimai zvakaipa zvangu zvose. Sikai mukati mangu mwoyo wakachena, Mwari; Vandudzai mukati mangu mweya wakarurama. Regai kundirasha pamberi penyu; Musabvisa mweya wenyu mutsvene kwandiri. Dzoseraizve kwandiri mufaro wokuponesa kwenyu; Nditsigirei nomweya, unoda. Ipapo ndichadzidzisa vadariki nzira dzenyu; Uye vatadzi vachatendeukira kwamuri.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 51 SNA2002

Mapisarema 51:9-13 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ʋanzirai ɀiʋi ɀaŋgu ciso cenyu, Dzimai ɀakaipa ɀaŋgu ɀose. Sikai mukati maŋgu mŋoyo wakacena, Mŋari; Ʋandudzai mukati maŋgu mŋeya wakarurama. Regai kundirasha pamberi penyu; Musabvisa mŋeya wenyu mutȿene kwandiri. Dzoserai ɀe kwandiri mufaro wokuponesa kwenyu; Nditsigirei nomŋeya, unoɗa. Ipapo ndicadzidzisa ʋaɗariki nzira dzenyu; Ʋuye ʋatadzi ʋacatendeʋukira kwamuri.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 51 SUB1949

Mapisarema 51:9-13 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Dai marega tarisa zvitadzo zvangu mupfudze zvenyu uipi hwangu hose. Ndipei mwoyo wakachena Mwari wangu muise mandiri mweya kwawo mutsva. Musandidzinge pamuri uye musabvise Mweya wenyu mutsvene mandiri. Ndidzorerewo rufaro rworuponeso rwenyu mundichengetedze ndiine mwoyo wokuteerera. Ndingatozodzidziswa nzira dzenyu vanhu vanokanganisa, vatadzi vachitozodzokerawo kwamuri.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 51 SCLB

Mapisarema 51:9-13 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Dai marega tarisa zvitadzo zvangu mupfudze zvenyu uipi hwangu hose. Ndipei mwoyo wakachena Mwari wangu muise mandiri mweya kwawo mutsva. Musandidzinge pamuri uye musabvise Mweya wenyu mutsvene mandiri. Ndidzorerewo rufaro rworuponeso rwenyu mundichengetedze ndiine mwoyo wokuteerera. Ndingatozodzidziswa nzira dzenyu vanhu vanokanganisa, vatadzi vachitozodzokerawo kwamuri.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 51 SCLBD