Mapisarema 51:5-7
Mapisarema 51:5-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvirokwazvo ndakanga ndiri mutadzi pandakaberekwa, ndiri mutadzi kubva pandakaumbwa mudumbu ramai vangu. Zvirokwazvo imi munoda chokwadi pakati pomwoyo; munondidzidzisa uchenjeri panzvimbo yomukatikati. Ndinatsei nehisopi, ipapo ndichachena; ndishambidzei, ipapo ndichachena sechando.
Mapisarema 51:5-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Tarirai, ndakaberekerwa muzvakaipa; Mai vangu vakandigamuchira muzvivi. Tarirai, munoda zvokwadi pamwoyo; Munoda kundidzidzisa uchenjeri mukati makavanda. Ndinatsei nehisopi, ndive akanaka, Ndishambidzei, ndichene kupfuura mazaya echando.
Mapisarema 51:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Onai kuti ndakaberekwa muuipi mai vangu vakabata pamuviri pangu ndiri muchitadzo. Inga wani munoda chokwadi mukatikati momunhu; naizvozvo ndidzidziseiwo ungwaru mukatikati mangu makavandika. Ndinatsei nakapazi komuhisopu ini ndichabva ndachena ndishambidzei ndibva ndachena kupinda mazaya echando.
Mapisarema 51:5-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tarirai, ndakaɓerekerwa muɀakaipa; Mai ʋaŋgu ʋakandigamucira muɀiʋi. Tarirai, munoɗa ɀokwaɗi pamŋoyo; Munoɗa kundidzidzisa ʋucenjeri mukati makaʋanda. Ndinatsei nehisopi, ndiʋe wakanaka, Ndishambidzei, ndicene kupfuʋura mazaya ecando.
Mapisarema 51:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)