Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 51:1-4 - Compare All Versions

Mapisarema 51:1-4 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ndinzwirei tsitsi, imi Mwari, nokuda kworudo rwenyu rusingaperi; dzimai kudarika kwangu nokuda kwengoni dzenyu huru. Shambidzai zvakaipa zvangu zvose uye mundinatse kubva pachivi changu. Nokuti ndinoziva kudarika kwangu, uye chivi changu chinogara chiri pamberi pangu. Ndakakutadzirai imi, iyemi moga nokuita chinhu chakaipa pamberi penyu, kuti munzi makarurama pamunotaura uye musapomerwa mhosva pakutonga kwenyu.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 51 BDSC

Mapisarema 51:1-4 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Ndinzwirei tsitsi, Mwari nokuda kwounyoro hwenyu; Dzimai kudarika kwangu nokuda kwengoni dzenyu zhinji. Ndisukei zvakaipa zvangu chose, Ndinatsei chivi changu. Nokuti ndinoziva kudarika kwangu; Chivi changu chinogara chiri pamberi pangu. Ndakakutadzirai imi, iyemi moga, Ndakaita chinhu chakaipa pamberi penyu; Kuti munzi makarurama pakutaura kwenyu, Muve usina mhosva pakutonga kwenyu.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 51 SNA2002

Mapisarema 51:1-4 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ndinzwirei tsitsi, Mŋari, nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu; Dzimai kuɗarika kwaŋgu nokuɗa kweŋgoni dzenyu zhinji. Ndisukei ɀakaipa ɀaŋgu cose, Ndinatsei ciʋi caŋgu. Nokuti ndinoziʋa kuɗarika kwaŋgu; Ciʋi caŋgu cinogara ciri pamberi paŋgu. Ndakakutadzirai imi, iyemi moga, Ndakaita cinhu cakaipa pamberi penyu; Kuti munzi makarurama pakutaura kwenyu, Muʋe usinemhoȿa pakutoŋga kwenyu.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 51 SUB1949

Mapisarema 51:1-4 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Ndinzwireiwo tsitsi Mwari pamusana pemwoyochena wenyu nokuda kwengoni dzenyu zhinji. Pfudzai kukanganisa kwangu. Ndishambidzei kwazvo kuuipi hwangu mundinatsewo kuchitadzo changu nokuti kukanganisa kwangu ndinokuziva uye chitadzo changu chinogara chiri pamwoyo pangu. Imi, imi chete ndimi vandakatadzira, kwamuri ndakaita zvakaipa zvokuti zvamakatema zvakarurama uye kutonga kwenyu hakuna chinoshoreka.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 51 SCLB

Mapisarema 51:1-4 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Ndinzwireiwo tsitsi Mwari pamusana pemwoyochena wenyu nokuda kwengoni dzenyu zhinji. Pfudzai kukanganisa kwangu. Ndishambidzei kwazvo kuuipi hwangu mundinatsewo kuchitadzo changu nokuti kukanganisa kwangu ndinokuziva uye chitadzo changu chinogara chiri pamwoyo pangu. Imi, imi chete ndimi vandakatadzira, kwamuri ndakaita zvakaipa zvokuti zvamakatema zvakarurama uye kutonga kwenyu hakuna chinoshoreka.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 51 SCLBD