Mapisarema 49:1-9
Mapisarema 49:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Inzwai izvi, imi vanhu mose; teererai imi mose mugere panyika, vapasi navapamusoro, vapfumi navarombo pamwe chete. Muromo wangu uchataura nouchenjeri; kutaura kunobva pamwoyo wangu kuchapa kunzwisisa. Ndicharerekera nzeve yangu kuchirahwe; nembira ndichadudzira shoko rangu rakavanzika. Ndinotyireiko kana mazuva akaipa achiuya, kana vanyengeri vakaipa vandikomberedza, vaya vanovimba nepfuma yavo vanozvikudza nepfuma yavo zhinji? Hakuna munhu angadzikinura upenyu hwomumwe kana kupa Mwari rudzikinuro rwake, rudzikinuro rwoupenyu runokosha, hakuna muripo unoringana nahwo, kuti ararame nokusingaperi uye kuti asaona kuora.
Mapisarema 49:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Inzwai chinhu ichi, imi vanhu vose; Teererai, imi mose mugere panyika; Imi vaduku navanokudzwa, Vapfumi navarombo pamwechete. Muromo wangu uchataura huchenjeri; Uye kufunga kwomwoyo wangu kuchava nenjere. Ndicharerekera nzeve yangu inzwe mufananidzo; Ndichadudza shoko rangu rakavanzika nembira. Ndichatya neiko pamisi yezvakaipa, Kana zvakaipa, zvavanoda kundidzinga, zvichindikomba? Ivo, vanovimba nepfuma yavo, Vanozvikudza pamusoro pokuwanda kwepfuma yavo; Hapana angatongodzikinura hama yake, Kana kupa Mwari rudzikinuro pamusoro pake; (Nokuti rudzikinuro rwemweya yawo runokosha, Runofanira kuregwa nokusingaperi;) Kuti arambe ari mupenyu misi yose, Arege kuona kuora.
Mapisarema 49:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Inzwai imi mose marudzi avanhu teererai imi vagari vapanyika. Imi voruzhinji nemi vakuru vakuru imi vapfumi navarombo pamwechete. Muromo wangu uchataura ungwaru zvandinorangarira mumwoyo mangu zvinonzwisisika. Ndicharerekera nzeve yangu kutsumo. Ndicharapanura chirahwe changu mukuimba kwangu nechipendani. Ndingatyirei zvangu pamazuva akaipa kana uipi hwavavengi vangu hwandikomberedza. Vanhu vanovimba noupfumi hwavo vachazvikudza nokuwanda kwopfuma yavo? Asi hapana munhu angambogona kuzvidzikinura kana kuripa Mwari mutengo woupenyu hwake. Nokuti muripo woupenyu hwomunhu mukuru haumbofa wakakwana kuti arambe ari mupenyu nokusingaperi asina kuwana kuora.
Mapisarema 49:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Inzwai cinhu ici, imi ʋanhu ʋose; Tererai, imi mose mugere panyika; Imi ʋaɗuku naʋanokudzwa, Ʋafumi naʋarombo pamŋe cete. Muromo waŋgu ucataura ʋucenjeri; Ʋuye kufuŋga kwomŋoyo waŋgu kucaʋa nenjere. Ndicarerekera nzeʋe yaŋgu inzwe mufananidzo; Ndicaɗudza shoko raŋgu rakaʋanzika nembira. Ndicatya neiko pamisi yeɀakaipa, Kana ɀakaipa, ɀaʋanoɗa kundidziŋga, ɀicindikomba? Iʋo, ʋanoʋimba nefuma yaʋo, Ʋanoɀikudza pamsoro pokuwanda kwefuma yaʋo; Hapana‐uŋgatoŋgodzikinura hama yake, Kana kupa Mŋari rudzikinuro pamsoro pake; (Nokuti rudzikinuro rwemŋeya yaʋo runokosha, Runofanira kuregwa nokusiŋgaperi;) Kuti arambe ari mupenyu misi yose, Arege kuʋona kuʋora.
Mapisarema 49:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)