Mapisarema 47:1-9
Mapisarema 47:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uchirai maoko, imi vanhu vose; pururudzai kuna Mwari nokudanidzira kwomufaro. Jehovha Wokumusoro-soro anotyisa sei, iye Mambo mukuru pamusoro penyika yose! Akaisa ndudzi dzavanhu pasi pedu, marudzi pasi petsoka dzedu. Akatitsaurira nhaka yedu, iyo pfuma yaJakobho, waakada. Sera Mwari akwidza kumusoro pakati pokudanidzira kwomufaro, Jehovha pakati pokurira kwehwamanda. Imbirai Mwari nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo. Imbirai Mambo wedu nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo. Nokuti Mwari ndiye Mambo wenyika yose; muimbirei pisarema rokurumbidza. Mwari anotonga pamusoro pendudzi dzose; Mwari agere pamusoro pechigaro chake chitsvene. Makurukota amarudzi aungana savanhu vaMwari waAbhurahama, nokuti madzimambo enyika ndeaMwari; iye anokudzwa zvikuru kwazvo.
Mapisarema 47:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Uchirai, imi vanhu vose! Pururudzai kuna Mwari nezwi romufaro mukuru! Nokuti Jehovha wokumusoro-soro anotyisa; Ndiye Mambo mukuru panyika yose. Ndiye anotikundisa ndudzi dzavanhu, Nendudzi pasi petsoka dzedu. Ndiye anotitsaurira nhaka yedu, Iyo pfuma yaJakobho waanoda. Mwari akwira nokudanidzira, Jehovha nokurira kwehwamanda. Imbirai Mwari nziyo dzokurumbidza, muimbirei nziyo dzokurumbidza; Imbirai Mambo wedu nziyo dzokurumbidza, muimbirei nziyo dzokurumbidza. Nokuti Mwari ndiye Mambo wapasi pose; Muimbirei rwiyo rwakanaka rwokumurumbidza. Mwari anobata ushe hwavahedheni; Mwari agere pachigaro chake chitsvene choushe. Machinda avanhu aungana pamwechete navanhu vaMwari waAbhurahamu; Nokuti nhoo dzapasi pose ndedzaMwari; Ndiye mukuru-kuru kwazvo.
Mapisarema 47:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Uchirai imi marudzi ose avanhu. Daidzirai kuna Mwari muimbe kwazvo norufaro nokuti TENZI Wokumusorosoro anotyisa kwazvo. Ndiye mambo mukuru wapasi pose. Akaita kuti tikunde marudzi avanhu, akaisa marudzi pasi petsoka dzenyu. Ndiye akatisarudzira nyika yenhaka yedu, nhaka inodadisa yaJakobho wake wapamwoyo. Dzepfunde Mwari anokwira pamusoro achipurudzirwa, TENZI achipembererwa nebhosvo. Imbirai Mwari muchimurumbidza, muimbirei muchimurumbidza. Imbai muchirumbidza Mambo wedu muimbirei muchimurumbidza nokuti Mwari ndiye mambo wapasi pose muimbirei muchimurumbidza norumbo. Mwari ndiye anotonga vechirudzi Mwari anogara pachigaro chake chokutonga chinoera. Madzishe amarudzi avanhu anoungana savanhu vaMwari waAbhurahamu nokuti vachengetedzi venyika ndevaMwari anorumbidzwa zvikuru kwazvo.
Mapisarema 47:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋucirai, imi ʋanhu ʋose! Pururudzai kunaMŋari nenzwi romufaro mukuru! Nokuti Jehova wokumsoro‐soro unotyisa; Ndiye Mambo mukuru panyika yose. Ndiye unotikundisa ndudzi dzaʋanhu, Nendudzi pasi petsoka dzeɗu. Ndiye unotitsaurira nhaka yeɗu, Iyo fuma yaJakobo waanoɗa. Mŋari wakwira nokuɗanidzira, Jehova nokurira kwehwamanda. Imbirai Mŋari nziyo dzokurumbidza, muimbirei nziyo dzokurumbidza; Imbirai Mambo weɗu nziyo dzokurumbidza, muimbirei nziyo dzokurumbidza. Nokuti Mŋari ndiye Mambo wapasi pose; Muimbirei rwiyo rwakanaka rwokumurumbidza. Mŋari unoɓata ʋushe bgaʋahedeni; Mŋari ugere pacigaro cake citȿene coʋushe. Macinda aʋanhu aʋuŋgana Pamŋe cete naʋanhu ʋaMŋari waAbrahama; Nokuti nhoʋo dzapasi pose ndedzaMŋari; Ndiye mukuru‐kuru kwaɀo.
Mapisarema 47:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)