Mapisarema 44:1-26
Mapisarema 44:1-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haiwa Mwari, takanzwa nenzeve dzedu; madzibaba edu akatiudza zvamakaita pamazuva avo, pamazuva ekare. Noruoko rwenyu makadzinga ndudzi uye mukasima madzibaba edu; makapwanya marudzi mukaita kuti madzibaba edu abudirire. Havana kuzviwanira nyika nomunondo wavo, uye ruoko rwavo haruna kuvakundisa; rwakanga rwuri ruoko rwenyu rworudyi, irwo ruoko rwenyu, nokupenya kwechiso chenyu, nokuti imi makavada. Ndimi Mambo wangu naMwari wangu, anorayira kukunda kwaJakobho. Kubudikidza nemi, tinosunda vavengi vedu shure; kubudikidza nezita renyu, tinotsika vavengi vedu netsoka dzedu. Handivimbi nouta hwangu, munondo wangu haundivigiri kukunda; asi imi munotipa kukunda pamusoro pavavengi vedu, munonyadzisa vadzivisi vedu. Tinozvirumbidza muna Mwari zuva rose, uye ticharumbidza zita renyu nokusingaperi. Sera Asi zvino matiramba uye matininipisa; hamuchabudi nehondo dzedu. Makaita kuti tidududze pamberi pavavengi vedu, uye vadzivisi vedu vakatipamba. Makatiramwira kumudyi samakwai uye makatiparadzira pakati pendudzi. Makatengesa vanhu venyu pasina, hamuna kuwana kana chinhu pakuvatengesa. Makatiita chiseko kuvavakidzani vedu, chinozvidzwa nechinosekwa chaavo vakatipoteredza. Makatiita tsumo pakati pendudzi; vanhu vanotidzungudzira misoro. Kunyadziswa kwangu kuri pamberi pangu zuva rose, uye chiso changu chafukidzwa nenyadzi pakuseka kwaavo vanondizvidza nokundirwisa, nokuda kwomuvengi, agarira kutsiva. Zvose izvi zvakaitika kwatiri kunyange takanga tisina kukukanganwai, kana kuva vasina kutendeka kusungano yenyu. Mwoyo yedu yakanga isati yafuratira; tsoka dzedu dzakanga dzisati dzatsauka panzira yenyu. Asi makatipwanya mukatiita nzvimbo yamakava uye mukatifukidza nerima guru. Dai takanga takanganwa zita raMwari wedu, kana kutambanudzira maoko edu kuna mwari wavatorwa, Mwari haaizviziva here, sezvo achiziva zvakavanzika zvomwoyo? Asi nokuda kwenyu takatarisana norufu zuva rose; tinotorwa samakwai anobayiwa. Mukai, imi Ishe! Munovatireiko? Zvisimudzei! Regai kutiramba nokusingaperi. Ko, munovanzirei chiso chenyu muchikanganwa kutambudzika nokudzvinyirirwa kwedu? Takawisirwa muguruva; miviri yedu inonamatira pavhu. Simukai mutibatsire; tidzikinurei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi.
Mapisarema 44:1-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwari, takanzwa nenzeve dzedu, madzibaba edu akatiudza, Basa ramakabata pamisi yavo, napamisi yekare. Makadzinga vahedheni noruoko rwenyu, mukavasima ivo; Makatambudza ndudzi dzavanhu mukavaparadzira ivo. Nokuti havana kuzviwanira nyika nomunondo wavo, Ruoko rwavo haruna kuvaponesa; Asi chanza chenyu chorudyi, noruoko rwenyu, nechiedza chechiso chenyu, Nokuti maivafarira. Ndimi Mambo wangu, imi Mwari; Rairai kuti Jakobho akunde. Nemi tichawisira pasi vadzivisi vedu; Nezita renyu tichatsika pasi vanotimukira. Nokuti handingavimbi nouta hwangu, Nomunondo wangu haungandiponesi. Asi imi makatiponesa pavadzivisi vedu, Mukanyadzisa vanotivenga. Takazvirumbidza zuva rose munaMwari, Tichavonga zita renyu nokusingaperi. Asi zvino makatirasha henyu, mukatinyadzisa; Hamuchafambi nehondo dzedu. Munotitizisa pamberi pavadzivisi; Vanotivenga vanozvipambira. Makatiisa samakwai akatarirwa kubayiwa; Makatiparadzira pakati pavahedheni. Munotengesa vanhu venyu musina chamunopiwa, Hamuna kuwedzera pfuma yenyu nomutengo wavo. Munotiita vanhu vanosekwa navatinogara navo, Vanhu vanozvidzwa nokusekwa navakatikomberedza. Munotiita shumo pakati pavahedheni, Vanhu vanotidzungudzira misoro. Zuva rose kuzvidzwa kwangu kuri pamberi pangu, Kunyara kwechiso changu kwakandifukidza. Nokuda kwezwi romutuki nomuzvidzi; Nokuda kwomuvengi nomutsivi. Izvi zvose zvakatiwira; kunyange zvakadaro hatina kukukanganwai, Hatina kunyengedzera pasungano yenyu. Mwoyo yedu haina kudzokera shure, Kutsika kwedu hakuna kutsauka panzira yenyu; Kunyange makatipwanya-pwanya panzvimbo yamakava, Mukatifukidza nomumvuri worufu. Kana tichinge takanganwa zita raMwari wedu, Kana kutambanudzira maoko edu kumwari wavamwe; Ko Mwari haanganzveri izvozvo here? Nokuti iye anoziva zvakavanzika zvomwoyo. Zvirokwazvo, nokuda kwenyu tinourawa zuva rose; Tinonzi tiri makwai akatarirwa kubayiwa. Mukai, munovatireiko, Ishe? Mukai, musatirasha nokusingaperi. Munovanzireiko chiso chenyu, Muchikanganwa kutambudzika kwedu nokumanikidzwa kwedu? Nokuti mweya wedu wakotamira kuguruva; Dumbu redu rinonamatira pavhu. Simukai mutibatsire, Mutidzikinure nokuda kwounyoro hwenyu.
Mapisarema 44:1-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari isu takanzwa nenzeve dzedu, madzitateguru edu akatitaurira zvamakaita pamazuva avo pasichigare. Imi makadzinga vechirudzi namaoko enyu, uye kuti ivo vadzikemo misha, makatambudza vechirudzi mukavatandanisa. Havana kukurira nyika nehondo yebakatwa kana kukunda nesimba roruoko rwavo; asi noruoko rwenyu rworudyi nesimba roruoko rwenyu uye nechiedza chouso hwenyu nokuti makafadzwa navo. Ndimi mambo wangu naMwari wangu itii vokwaJakobho vakunde. Nesimba renyu tinokurira mhandu dzedu; nezita renyu tinotsikatsika vanotirwisa. Handivimbi nouta hwangu kunyange bakatwa rangu harindiponesi. Asi imi makatinunura kumhandu dzedu mukanyadzisa vanotivenga. Tinovimba nguva dzose naMwari wedu uye tichatenda Mwari wedu nokusingaperi. Dzepfunde. Asi zvino makatirasa mukatinyadzisa uye hamuna kutsigirana nehondo dzedu. Mukaita kuti titize vavengi vedu mhandu dzedu dzikatowana zvadzo zvokupamba. Makatiita sehwai dzokubaya mukatimwararisa mukati memarudzi. Makatengesa vanhu venyu nomutengo usina maturo asi chamakabura ipapo hapana. Makatishoresa navavakidzani vedu tikave chiseko nechinhu chinonyombwa navakatipoteredza. Tatove tsumo pakati pevechirudzi. Mukati mavanhu, tinotodzungudzirwa musoro. Zuva rose ndinoswera ndichinyara ndadonha uso nokunyara namashoko okunyomba nokushora pamberi pomuvengi nomutsividzi. Zvose izvi zvakatiwira asi isu tisina kukukanganwai kana kusatendeka kuchitenderano chenyu. Mwoyo yedu haina kufuratira uye tsoka dzedu hadzina kutsauka pagwara renyu. Asi imi makatipwanya panzvimbo inogara makava, mukatifukidza nerima rakati kwirindindi. Dai kuri kuti takakanganwa zita raMwari wedu kana kusimudzira maoko edu kuna Mwari asiri iye, iye Mwari angadai asina kuzviona here? Nokuti anoziva wani zviri mumwoyo zvakavandika. Inga tinouraiwa zuva rose tichitorwa sehwai dzokubaya. Mukai TENZI, munokotsirireiko? Mukai musatirase zvachose. Munozvivanzirei uso? Munokanganwirei nhamo nokushushwa kwatinoitwa. Tazvambarara muguruva, tachiti kwati kwati pasi. Simukai muuye kuzotibatsira. Tinunureiwo nokuda kwomwoyochena wenyu.
Mapisarema 44:1-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋari, takanzwa nenzeʋe dzeɗu, madziɓaɓa eɗu akatiʋudza, Ƃasa ramakaɓata pamisi yaʋo, napamisi yekare. Makadziŋga ʋahedeni noruʋoko rwenyu, mukaʋasima iʋo; Makatambudza ndudzi dzaʋanhu mukaʋaparadzira iʋo. Nokuti haʋana‐kuɀiwanira nyika nomunondo waʋo, Ruʋoko rwaʋo haruna‐kuʋaponesa; Asi canza cenyu corudyi, noruʋoko rwenyu, neciedza ceciso cenyu, Nokuti maiʋafarira. Ndimi Mambo waŋgu, imi Mŋari; Rairai kuti Jakobo akunde. Nemi ticawisira pasi ʋadziʋisi ʋeɗu; Nezita renyu ticatsika pasi ʋanotimukira. Nokuti handiŋgaʋimbi noʋuta bgaŋgu, Nomunondo waŋgu hauŋgandiponesi. Asi imi makatiponesa paʋadziʋisi ʋeɗu, Mukanyadzisa ʋanotiʋeŋga. Takaɀirumbidza zuʋa rose munaMŋari, Ticaʋoŋga zita renyu nokusiŋgaperi. Asi ɀino makatirasha henyu, mukatinyadzisa; Hamucafambi nehondo dzeɗu. Munotitizisa pamberi paʋadziʋisi; Ʋanotiʋeŋga ʋanoɀipambira. Makatiisa samakwai akatarirwa kuɓayiwa; Makatiparadzira pakati paʋahedeni. Munoteŋgesa ʋanhu ʋenyu musinacamunopiwa, Hamuna‐kuwedzera fuma yenyu nomuteŋgo waʋo. Munotiita ʋanhu ʋanosekwa naʋatinogara naʋo, Ʋanhu ʋanoɀidzwa nokusekwa naʋakatikomberedza. Munotiita shumo pakati paʋahedeni, Ʋanhu ʋanotidzuŋgudzira misoro. Zuʋa rose kuɀidzwa kwaŋgu kuri pamberi paŋgu, Kunyara kweciso caŋgu kwakandifukidza. Nokuɗa kwenzwi romutuki nomuɀidzi; Nokuɗa kwomuʋeŋgi nomutsiʋi. Iɀi ɀose ɀakatiwira; kunyaŋge ɀakaɗaro hatina‐kukukaŋganwai, Hatina‐kunyeŋgedzera pasuŋgano yenyu. Mŋoyo yeɗu haina‐kudzokera shure, Kutsika kweɗu hakuna‐kutsauka panzira yenyu; Kunyaŋge makatipxanya‐pxanya panɀimbo yamakaʋa, Mukatifukidza nomumvuri worufu. Kana ticiŋge takaŋganwa zita raMŋari weɗu, Kana kutambanudzira maʋoko eɗu kumŋari waʋamŋe; Ko Mŋari haaŋganɀeri iɀoɀo here? Nokuti iye unoziʋa ɀakaʋanzika ɀomŋoyo. Ɀirokwaɀo, nokuɗa kwenyu tinoʋurawa zuʋa rose; Tinonzi tiri makwai akatarirwa kuɓayiwa. Mukai, munoʋatireiko, Ishe? Mukai, musatirasha nokusiŋgaperi. Munoʋanzireiko ciso cenyu, Mucikaŋganwa kutambudzika kweɗu nokumanikidzwa kweɗu? Nokuti mŋeya weɗu wakotamira kuguruʋa; Ƌumbu reɗu rinonamatira pavu. Simukai mutiɓatsire, Mutidzikinure nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu.
Mapisarema 44:1-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)