Mapisarema 41:7-10
Mapisarema 41:7-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vavengi vangu vose vanoita zevezeve pamwe chete pamusoro pangu; vanondifungira zvakaipisisa, vachiti, “Chirwere chakaipa chakamubata, haachambomukizve panzvimbo paakarara.” Kunyange neshamwari yangu yapedyo yandaivimba nayo, yandaigovana zvokudya nayo, yandisimudzira chitsitsinho chayo. Asi imi, iyemi Jehovha, mune tsitsi neni, ndisimudzei, kuti ndivatsive.
Mapisarema 41:7-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vose, vanondivenga, vanoita zeve-zeve pamwechete pamusoro pangu; Vanorangana kundikuvadza. Chinhu chakaipa chakamunamatira ndizvo zvavanotaura; Zvino zvaavata pasi, haachazomukizve. Haiwa, kunyange shamwari yangu chaiyo, wandaivimba naye, aidya zvokudya zvangu, Naiye andisimudzira chichitsinho chake. Asi imi Jehovha, ndinzwirei tsitsi, mundisimudzei, Kuti ndivatsive.
Mapisarema 41:7-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vose vanondivenga vanoita kazevezeve nezvangu, vanotofunga kuti ndichawirwa nezvakatoipisisa. Vanoti hazvimbomusiya izvi; paarere haambopamuka apa. Kunyange shamwari yangu chaiyo yapamwoyo yandaivimba nayo, yandaidya nayo, yakandimukira. Asi imi TENZI ndinzwireiwo ngoni mundisimudze ndivadzorerewo.
Mapisarema 41:7-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋose, ʋanondiʋeŋga, ʋanoita zeʋe‐zeʋe pamŋe cete pamsoro paŋgu; Ʋanoraŋgana kundikuʋadza. Cinhu cakaipa cakamunamatira — ndiɀo ɀaʋanotaura; Ɀino ɀaaʋata pasi, haacazomuki ɀe. Haiwa, kunyaŋge shamŋari yaŋgu caiyo, wandaiʋimba naye, waidya ɀokudya ɀaŋgu, Naiye wandisimudzira cicitsinho cake. Asi imi Jehova, ndinzwirei tsitsi, mundisimudzei, Kuti ndiʋatsiʋe.
Mapisarema 41:7-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Vose vanondivenga vanoita kazevezeve nezvangu, vanotofunga kuti ndichawirwa nezvakatoipisisa. Vanoti hazvimbomusiya izvi; paarere haambopamuka apa. Kunyange shamwari yangu chaiyo yapamwoyo yandaivimba nayo, yandaidya nayo, yakandimukira. Asi imi TENZI ndinzwireiwo ngoni mundisimudze ndivadzorerewo.