Mapisarema 41:1-4
Mapisarema 41:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akaropafadzwa uyo ane hanya navasina simba; Jehovha anomurwira panguva dzokutambudzika. Jehovha achamudzivirira uye achachengetedza upenyu hwake; achamuropafadza panyika uye haangamuisi kuchido chavavengi vake. Jehovha achamuraramisa panhoo yake yourwere uye achamuponesa panhoo yake yourwere. Ini ndakati, “Haiwa Jehovha, ndinzwirei ngoni; ndiporesei, nokuti ndakakutadzirai.”
Mapisarema 41:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akakomborerwa ane hanya navarombo; Jehovha achamurwira nomusi wezvakaipa. Jehovha achamuchengeta nokumuraramisa, achakomborerwa panyika; Hamungamuisi pakuda kwavavengi vake. Jehovha achamutsigira panhoo yourwere; Munoshandura nhoo dzake dzose pakurwa kwake. Ini ndakati, “Jehovha, ndinzwirei tsitsi; Poresai mweya wangu; nokuti ndakakutadzirai.”
Mapisarema 41:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akakomborerwa munhu anofunga vanhu venhamo TENZI anomununura pazuva renhamo. TENZI anomuchengeta nokumuraramisa; achamupa rufaro panyika. Hamuisi mumaoko avavengi vake. TENZI achamusimbaradza paanenge arere nokurwara. Munosandura kurwara kwake muchimupa utano. Asi ini ndakati ndinzwirewo ngoni ndiporeseiwo nokuti ndakakutadzirai.
Mapisarema 41:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakakomborerwa unehanya naʋarombo; Jehova ucamurwira nomusi weɀakaipa. Jehova ucamuceŋgeta nokumuraramisa, ucakomborerwa panyika; Hamuŋgamuisi pakuɗa kwaʋaʋeŋgi ʋake. Jehova ucamutsigira panhoʋo yoʋurwere; Munoshandura nhoʋo dzake dzose pakurwara kwake. Ini ndakati: Jehova, ndinzwirei tsitsi; Poresai mŋeya waŋgu; nokuti ndakakutadzirai.
Mapisarema 41:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)