Mapisarema 40:6-8
Mapisarema 40:6-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Hamuna kufarira zvibayiro nezvipo, asi nzeve dzangu makadziboora; zvibayiro zvinopiswa nezvipiriso zvezvivi hamuna kuzvireva. Ipapo ndakati, “Ndiri pano hangu, ndauya, zvakanyorwa mubhuku pamusoro pangu. Ndinofarira kuita kuda kwenyu, imi Mwari wangu; murayiro wenyu uri mukati momwoyo wangu.”
Mapisarema 40:6-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Imi hamufadzwi nezvibayiro nezvipiriso; Makandidziurira nzeve dzangu; Zvipiriso zvinopiswa nezvezvivi hamuna kuzvireva. Ipapo ndakati, “Tarirai, ndauya; Parugwaro rwakapetwa ndakazvirairwa, Ndinofara kwazvo kuita kuda kwenyu, Mwari wangu; Zvirokwazvo murayiro wenyu uri mumwoyo mangu.”
Mapisarema 40:6-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvibayiro nemipiro hazvisizvo zvamunofarira asi chamakandipa inzeve dzinonzwa. Mupiro wokupisa nomupiro wokupfupira zvitadzo hamuikumbiri. Ndipo pandakati, “Tarisai ndinouya Mubhuku rokumononora makanyorwa nezvangu muchinzi: ‘Ndinofarira kuita kuda kwenyu, Mwari wangu mutemo wenyu uri mumwoyo mangu.’ ”
Mapisarema 40:6-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Imi hamufadzwi neɀiɓayiro neɀipiriso; Makandidziʋurira nzeʋe dzaŋgu; Ɀipiriso ɀinopiswa neɀeɀiʋi hamuna‐kuɀireʋa. Ipapo ndakati: Tarirai, ndaʋuya; Parugwaro rwakapetwa ndakaɀirairwa: Ndinofara kwaɀo kuita kuɗa kwenyu, Mŋari waŋgu; Ɀirokwaɀo murairo wenyu uri mumŋoyo maŋgu.
Mapisarema 40:6-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)