Mapisarema 37:5-8
Mapisarema 37:5-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Isa nzira yako kuna Jehovha; uvimbe naye uye iye achaita izvi; achaita kuti kururama kwako kupenye samambakwedza, nokururamisirwa kwako sezuva ramasikati. Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere; usava neshungu kana vanhu vachibudirira panzira dzavo, pavanoita mano avo akaipa avakaronga. Rega kutsamwa, uzvidzore pahasha; usava neshungu zvinokutungamirira mune zvakaipa.
Mapisarema 37:5-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Isa nzira yako kuna Jehovha; Vimbawo naye, iye achazviita. Iye achabudisa kururama kwako sechiedza, Nokururamisirwa kwako samasikati. Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere; Usava neshungu pamusoro poanofara panzira yake, Pamusoro pomunhu anoita mano akaipa aakafunga. Rega kutsamwa, urashe hasha; Usava neshungu, zvinongotadzisa munhu.
Mapisarema 37:5-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Isa upenyu hwako muna TENZI vimba naye, iye achaona zvokuita. Achaita kuti ururami hwako hubude pachena sechiedza uye mamiriro oupenyu hwako sezuva ramasikati. Iti zii-i pana TENZI umumirire chinyararire. Usazvinetse zvako nezvomunhu anobudirira mune zvaanoita, munhu anoita zvinhu zvakaipa. Regera kuita hasha, usaite godo rega kuzvidya mwoyo zvinokupinza munezvakaipa
Mapisarema 37:5-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Isa nzira yako kunaJehova; Ʋimba ʋo naye, iye ucaɀiita. Iye ucaɓuɗisa kururama kwako seciedza, Nokururamisirwa kwako samasikati. Nyarara pamberi paJehova, umurindire unyerere; Usaʋa neshuŋgu pamsoro pounofara panzira yake, Pamsoro pomunhu unoita mano akaipa aakafuŋga. Rega kutsamŋa, urashe hasha; Usaʋa neshuŋgu, ɀinoŋgotadzisa munhu.
Mapisarema 37:5-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)