Mapisarema 36:5-10
Mapisarema 36:5-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rudo rwenyu, imi Jehovha, runosvika kudenga denga, kutendeka kwenyu kunosvika kumakore. Kururama kwenyu kwakaita segomo guru guru, kururamisira kwenyu sepakadzika dzika. Haiwa Jehovha, imi munochengetedza zvose munhu nemhuka. Haiwa rudo rwenyu rusingatongoperi runokosha sei! Vose vakuru navaduku pakati pavanhu vanovanda mumumvuri wamapapiro enyu. Vanogutswa nezvakawanda zvomumba menyu; munovanwisa kubva parwizi rwenyu runofadza. Nokuti kwamuri ndiko kune chitubu choupenyu; muchiedza chenyu tinoona chiedza. Rambai muchiitira rudo kuna avo vanokuzivai, uye kururama kwenyu kuna vane mwoyo yakarurama.
Mapisarema 36:5-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Unyoro hwenyu, Jehovha, hwakasvika kudenga-denga; Kutendeka kwenyu kunosvikira kumakore; Kururama kwenyu kwakafanana namakomo aMwari; Kutonga kwenyu kwakadzika zvikuru; Jehovha, munochengeta vanhu nemhuka. Unyoro hwenyu, Mwari, hwakanaka-naka sei! Vana vavanhu vanondovanda pasi pomumvuri wamapapiro enyu. Vachagutswa kwazvo nezvakakora zveimba yenyu; Muchavanwisa parwizi rwezvinofadza zvenyu; Nokuti kwamuri ndiko kune tsime roupenyu; Muchiedza chenyu ndimo matinoona chiedza. Rambai muchiitira vanokuzivai unyoro hwenyu; Nokururama kwenyu kuna vamwoyo yakarurama.
Mapisarema 36:5-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwoyochena wenyu, TENZI, unosvika kumatenga; uye kutendeka kwenyu kunosvika kumakore. Ururami hwenyu hwakaita samakomo aMwari; kutonga kwenyu kwaita sehwenje hwakadzika munonunura munhu nemhuka, TENZI. Hakusi kukosha ikoko kwakaita mwoyochena wenyu Mwari! Vanhu vanopotera mumumvuri wamapapiro enyu. Vanodyiririra zvakawanda zvomumba menyu. Munovanwisa parwizi rwezvinofadza zvenyu. Imi ndimi mune chisipiti choupenyu muchiedza chenyu ndimo matinoona chiedza. Rambai muchiita mwoyochena wenyu kuna vanokuzivai uye muponese vano mwoyo yakarurama.
Mapisarema 36:5-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋunyoro bgenyu, Jehova, bgakaȿika kuɗeŋga‐ɗeŋga; Kutendeka kwenyu kunoȿikira kumakore; Kururama kwenyu kwakafanana namakomo aMŋari; Kutoŋga kwenyu kwakadzika ɀikuru; Jehova, munoceŋgeta ʋanhu nemhuka. Ʋunyoro bgenyu, Mŋari, bgakanaka‐naka sei! Ʋana ʋaʋanhu ʋanondoʋanda pasi pomumvuri wamapapiro enyu. Ʋacagutswa kwaɀo neɀakakora ɀeimba yenyu; Mucaʋanwisa parwizi rweɀinofadza ɀenyu; Nokuti kwamuri ndiko kunetsime roʋupenyu; Muciedza cenyu ndi’mo matinoʋona ciedza. Rambai muciitira ʋanokuziʋai ʋunyoro bgenyu; Nokururama kwenyu kunaʋanemŋoyo yakarurama.
Mapisarema 36:5-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)