Mapisarema 36:1-4
Mapisarema 36:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shoko riri mumwoyo mangu pamusoro pokutadza kweakaipa rinoti: Hakuna kutya Mwari pamberi pake. Pamaonero ake anozvirumbidza, nokuti anozvibata kumeso kwazvo pakuona kwake, zvokuti anotadza kuona kana kuvenga chivi chake. Mashoko omuromo wake akaipa uye anonyengera; haachisiri munhu akachenjera kana anoita zvakanaka. Kunyange panhoo yake anofunga zvakaipa; anozvifambisa panzira yezvakaipa uye haarambi chakaipa.
Mapisarema 36:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kudarika kwoakaipa kunoreva mumwoyo mangu, kuchiti, “Hakuna kutya Mwari pamberi pameso ake.” Nokuti anozvibata kumeso kwake, Achiti zvakaipa zvake hazvingazikanwi zvikavengwa. Mashoko omuromo wake ndizvo zvakaipa nokunyengera; Akarega kuzova akachenjera nokuita zvakanaka. Anofunga zvakaipa panhoo dzake; Anofamba nenzira isina kunaka; Haasemi zvakaipa.
Mapisarema 36:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chitadzo chinotaura revo kune wakaipa mukatikati memwoyo wake chichiti kwaari zvokutya Mwari hapana. Anozvibata kumeso mukufunga kwake achiti: uipi hwake haugone kuzivikanwa nokuvengwa. Mazwi anobva pamuromo pake akaipa uye ndookunyengedza. Haachaiti zvina ungwaru kana zvakanaka. Anoronga zvinhu zvakaipa ari paanorara wotobva wozvirongera gwara risina kunaka; haavengi uipi.
Mapisarema 36:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kuɗarika kwowakaipa kunoreʋa mumŋoyo maŋgu, kuciti: Hakuno‐kutya Mŋari pamberi pameso ake. Nokuti unoɀiɓata kumeso kwake, Aciti ɀakaipa ɀake haɀiŋgazikanwi ɀikaʋeŋgwa. Mashoko omuromo wake ndiɀo ɀakaipa nokunyeŋgera; Wakarega kuzoʋa wakacenjera nokuita ɀakanaka. Unofuŋga ɀakaipa panhoʋo dzake; Unofamba nenzira isina‐kunaka; Haasemi ɀakaipa.
Mapisarema 36:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)